2 Samueri 12:8-9
2 Samueri 12:8-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakapa kwauri imba yatenzi wako, uye vakadzi vatenzi wako ndakavaisa mumaoko ako. Ndakakupa imba yaIsraeri neyaJudha. Uye dai zvose izvi zvakava zvishoma, ndaidai ndakakupa zvimwezve. Ko, wakazvidzirei shoko raJehovha nokuita zvisakarurama pamberi pake? Wakauraya Uria muHiti nomunondo uye ukatora mukadzi wake ukamuita wako. Wakamuuraya nomunondo wavaAmoni.
2 Samueri 12:8-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
ndikakupa imba yatenzi vako, navakadzi vatenzi vako pachipfuva chako, ndikakupa imba yaIsiraeri neyaJudha; uye dai izvo zvisina kuringana, ndaikuwedzera zvokuti nezvokuti. Wazvidzireiko shoko raJehovha, ukaita zvakaipa pamberi pake? Wauraya Uriya muHiti nomunondo, ukatora mukadzi wake kuti ave mukadzi wako, ukamuurayisa nomunondo wavaAmoni.
2 Samueri 12:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakakupa ini imba yaiva yatenzi wako, ndakaita kuti vakadzi vatenzi wako vave vako ndikaisa mumaoko ako mhuri yokwaIsiraeri neyokwaJudha, dai izvozvo zvanga zviri zvishoma ndingadai ndakakupa zvakapetwa kaviri. Wazvidzireiko zvakarehwa naTenzi uchiita zvisingadiwe naTenzi? Wakaurayisa Uriya muHiti nebakatwa, ukatora mukadzi wake uchimuita wako. Asi iye ukamuuraya nebakatwa revaAmoni.
2 Samueri 12:8-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
ndikakupa imba yatenzi ʋako, naʋakadzi ʋatenzi ʋako pacifuʋa cako, ndikakupa imba yaIsraeri neyaJuda; ʋuye ɗai iɀo ɀisino‐kuriŋgana, ndaikuwedzera ɀokuti neɀokuti. Waɀidzireiko shoko raJehova, ukaita ɀakaipa pamberi pake? Waʋuraya Uria muHiti nomunondo, ukatora mukadzi wake kuti aʋe mukadzi wako, ukamuʋurayisa nomunondo waʋaAmoni.
2 Samueri 12:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)