2 Samueri 12:15-16
2 Samueri 12:15-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mushure mokunge Natani adzokera kumba, Jehovha akarova mwana akaberekerwa Dhavhidhi nomukadzi waUria, akabva arwara. Dhavhidhi akanyengeterera mwana kuna Mwari. Akatsanya uye akapinda mumba make akapedza usiku nousiku akarara pasi.
2 Samueri 12:15-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Natani akabva, akaenda kumba kwake. Jehovha akarova mwana wakanga aberekerwa Dhavhidhi nomukadzi waUriya, akarwara kwazvo. Naizvozvo Dhavhidhi akanyengeterera mwana kuna Jehovha, akazvinyima zvokudya, akapinda, akavata pasi usiku hwose.
2 Samueri 12:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Natani akaenda zvake kumba kwake. Tenzi akazorova nedenda mwana uye akaberekerwa Dhavhidhi nomukadzi waUriya akabva arwara. Dhavhidhi akanamata kuna Tenzi achikumbirira mwana iyeyu. Dhavhidhi akatsanya akapinda mumba akapedza usiku akati pasi zvambarara.
2 Samueri 12:15-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Natani akabva, akaenda kumba kwake. Jehova akaroʋa mŋana wakaŋga aɓerekerwa Davidi nomukadzi waUria, akarwara kwaɀo. Naiɀoɀo Davidi akanyeŋgeterera mŋana kunaJehova, akaɀinyima ɀokudya, akapinda, akaʋata pasi ʋusiku bgose.
2 Samueri 12:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)