2 Samueri 11:1-27
2 Samueri 11:1-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Munguva yechirimo, madzimambo paanoenda kundorwa, Dhavhidhi akatuma Joabhu navaranda vamambo nehondo yose yeIsraeri. Vakandoparadza vaAmoni uye vakakombawo Rabha. Asi Dhavhidhi akasara muJerusarema. Zvino rimwe zuva madekwana Dhavhidhi akamuka pamubhedha wake akafamba pamusoro pedenga romuzinda. Aripo padenga akaona mukadzi aishamba. Mukadzi uyu akanga akanaka kwazvo, uye Dhavhidhi akatuma munhu kundobvunza nezvomukadzi uyu. Murume akatumwa akati, “Ko, uyu haasi Bhatishebha here mwanasikana waEriamu mukadzi waUria muHiti?” Ipapo Dhavhidhi akatuma nhume kundomutora. Akauya kwaari, iye akarara naye; nokuti akanga azvinatsa pakusachena kwake. Ipapo akadzokera kumba kwake. Mukadzi uyu akabata pamuviri ndokubva atuma shoko kuna Dhavhidhi achiti, “Ndava nemimba.” Saka Dhavhidhi akatuma shoko kuna Joabhu akati, “Nditumire Uria muHiti.” Saka Joabhu akamutumira kuna Dhavhidhi. Uria akati asvika kwaari, Dhavhidhi akamubvunza kuti Joabhu aiva akadini hake, zvose navarwi uye kuti hondo yaifamba sei. Ipapo Dhavhidhi akati kuna Uria, “Enda hako kuimba yako unoshamba tsoka dzako.” Naizvozvo Uria akabva pamuzinda wamambo, uye achangoenda, mambo akamutumira chipo. Asi Uria akarara pasuo romuzinda navaranda vose vatenzi wake akasaenda kumba kwake. Zvino Dhavhidhi paakaudzwa kuti, “Uria haana kuenda kumba kwake,” akamubvunza akati, “Hauna kubva parwendo here? Sei usina kuenda kumba kwako?” Uria akati kuna Dhavhidhi, “Areka navaIsraeri pamwe chete navaJudha vagere mumatende, uye tenzi wangu Joabhu navanhu vaishe wangu vari mumisasa kusango. Ko, ini ndaigozoenda sei kumba kwangu kuti ndidye ndichinwa nokurara nomudzimai wangu? Zvirokwazvo noupenyu hwenyu, handingaiti chinhu chakadaro!” Ipapo Dhavhidhi akati kwaari, “Chigara hako pano kwezuva rimwe chete, mangwana ndigokutendera hangu kuti udzokere.” Naizvozvo Uria akagara muJerusarema zuva iroro neraitevera. Akakokwa naDhavhidhi, akadya nokunwa naye, uye Dhavhidhi akaita kuti adhakwe. Asi ava madekwana Uria akabuda akandovata panhoo yake pamwe chete navaranda vatenzi wake; haana kuenda kumba kwake. Chifumi chamangwana Dhavhidhi akanyora tsamba kuna Joabhu akaituma naUria. Akanyora mairi achiti, “Isa Uria pamberi paya panorwiwa zvinotyisa zvikuru. Ipapo iwe umusiye ari oga kuti abayiwe afe.” Saka Joabhu paakanga akakomba guta, akaisa Uria panzvimbo yaaiziva kuti ndipo paiva navarume voumhare. Varume veguta pavakabuda vakarwa naJoabhu, vamwe vevarume vehondo yaDhavhidhi vakakundwa; uye Uria muHiti akafawo. Joabhu akatumira Dhavhidhi mashoko amafambiro akanga aita hondo. Akarayira nhume achiti, “Kana wapedza kurondedzera kuna mambo mafambiro aita hondo, hasha dzamambo dzingakwira, uye angangokubvunza achiti, ‘Ko, sei maswedera pedyo zvakadaro neguta muchirwa? Manga musingazivi here kuti vaizokupfurai nemiseve vari parusvingo? Ndianiko akauraya Abhimereki mwanakomana waJerubhi-Bhesheti? Haasi munhukadzi here akakanda guyo pamusoro pake richibva parusvingo, zvokuti akafira paTebhezi? Sei maswedera pedyo norusvingo?’ Kana akakubvunza izvi, ipapo uti kwaari, ‘Muranda wenyu Uria muHiti afawo.’ ” Nhume yakaenda, uye yakati yasvika, yakaudza Dhavhidhi zvose zvayakanga yarayirwa naJoabhu. Nhume yakati kuna Dhavhidhi, “Varume avo vatikurira vakatibudira pachena, asi isu tavasairira kusvikira vasvika pasuo reguta. Ipapo vapfuri vapfura varanda venyu vari parusvingo, uye vamwe vavaranda vamambo vafa. Uyewo, muranda wenyu Uria muHiti afa.” Dhavhidhi akarayira nhume achiti, “Uti kuna Joabhu, ‘Izvi ngazvirege kukushungurudza; munondo haubayi rutivi rumwe asi nokunouyawo wabaya. Ramba uchirwisa guta uriparadze.’ Taura izvi kuna Joabhu kuti umukurudzire.” Zvino mukadzi waUria paakanzwa kuti murume wake akanga afa, akamuchema. Zvino mazuva okuchema akati apera, Dhavhidhi akamuuyisa kumba kwake, akava mukadzi wake, uye akamuberekera mwanakomana. Asi chinhu ichi chakaitwa naDhavhidhi hachina kufadza Jehovha.
2 Samueri 11:1-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino gore rakati rapera, panguva yokurwa kwamadzimambo, Dhavhidhi akatuma Joabhu pamwechete navaranda vake navaIsiraeri vose; vakaparadza vana vaAmoni, vakakombawo Rabha. Asi Dhavhidhi wakasara Jerusaremu. Zvino nenguva yamadekwana, Dhavhidhi akamuka panhoo dzake, akafamba pamusoro pedenga reimba yamambo; akaona, aripo padenga, mukadzi wakanga achishamba; zvino mukadzi uyo wakanga akanaka kwazvo pakuonekwa kwake. Dhavhidhi akatuma munhu kundobvunza kuti mukadzi uyo ndianiko? Mumwe akati, “Ko haazi iye Bhatishebha mukunda waEriami, mukadzi waUriya muHiti here?” Dhavhidhi akatuma nhume kundomutora, akasvika kwaari, akavata naye (nokuti wakanga anatswa pakusanaka kwake;) iye akadzokera kumba kwake. Mukadzi akatora mimba, akatuma shoko kuna Dhavhidhi akamuudza akati, “Ndava nemimba.” Dhavhidhi akatuma shoko kuna Joabhu, akati, “Tuma Uriya muHiti, auye kwandiri.” Joabhu akatuma Uriya kuna Dhavhidhi. Zvino Uriya wakati achisvika kwaari, Dhavhidhi akamubvunza kuti, “Joabhu wakadini, navanhu vakadini, nokurwa kwakadini.” Zvino Dhavhidhi akati kuna Uriya, “Burukira kumba kwako, undoshambidza tsoka dzako.” Uriya akabva paimba yamambo, akatumirwa chipo chezvokudya namambo. Asi Uriya wakavata pamukova weimba yamambo pamwechete navaranda vose vatenzi wake, haana kuburukira kumba kwake. Zvino Dhavhidhi wakati achiudzwa kuti Uriya haana kuburukira kumba kwake, Dhavhidhi akati kuna Uriya, “Hauna kubva kurwendo here? Waregereiko kuburukira kumba kwako?” Uriya akati kuna Dhavhidhi, “Areka, navaIsiraeri, navaJudha vagere mumatumba, nashe wangu Joabhu, navaranda vashe wangu vari mumatende avo kusango; zvino ini ndingapinda seiko mumba mangu ndidye ndinwe, ndivate nomukadzi wangu? Noupenyu hwenyu, uye noupenyu hwomweya wenyu, handingatongoiti chinhu ichi.” Dhavhidhi akati kuna Uriya, “Gara pano nanhasi, mangwana ndichakutendera kuenda.” Naizvozvo Uriya akagara Jerusaremu zuva iro neramangwana. Ipapo Dhavhidhi akamudana, akadya nokunwa pamberi pake, akamubatisa nedoro; zvino madeko akabuda akandovata panhoo dzake navaranda vashe wake, asi haana kuburukira kumba kwake. Zvino mangwana Dhavhidhi akanyorera Joabhu rugwaro, akarutuma noruoko rwaUriya. Akanyora parugwaro, akati, “Isa Uriya pamberi panonyanyisa kurwiwa, mumusiye ari oga, aurawe afe.” Zvino Joabhu wakati acherekedza guta, akaisa Uriya paakanga achiziva kuti varume voumhare varipo. Vanhu veguta vakabuda kuzorwa naJoabhu, vamwe varanda vaDhavhidhi vakaurawa, naiye Uriya muHiti akafawo. Ipapo Joabhu akatuma munhu kundoudza Dhavhidhi mashoko ose okurwa. Akaraira nhume, akati, “Kana wapedza kurondedzera kuna mambo mashoko ose okurwa, kana kutsamwa kwamambo kukamuka, iye akati kwauri, ‘Makaswederereiko pedyo zvikuru neguta pakurwa kwenyu? Hamuna kuziva here kuti vachafura vari parusvingo? Ndianiko wakauraya Abhimereki mwanakomana waJeribhesheti? Wakanga asiri mukadzi wakakanda huyo pamusoro pake ari parusvingo, akafira paTebhezi here? Makaswederereiko pedyo zvikuru norusvingo?’ Ipapo iwe uti, ‘Muranda wenyu Uriya muHiti, wafawo.’ ” Naizvozvo nhume yakaenda, ikasvika, ikaudza Dhavhidhi zvose zvayakanga yatumirwa naJoabhu. Nhume ikati kuna Dhavhidhi, “Varume avo vakatikurira, vakabudira kwatiri kusango, tikavadzingirira kusvikira pavanopinda napo pasuo. Vafuri vakafura varanda venyu vari parusvingo, vamwe varanda vamambo vakafa, naiye muranda wenyu Uriya muHiti wafawo.” Ipapo Dhavhidhi akati kunhume, “Iti kuna Joabhu, ‘Izvi ngazvirege kukusuwisa, nokuti munondo unoparadza mumwe pano nomumwe kumwe; tsunga hako pakurwa neguta, uriputse; newe enda undomusimbisa.’ ” Zvino mukadzi waUriya wakati anzwa kuti murume wake Uriya wafa, akachema murume wake. Akati apedza kuchema, Dhavhidhi akatuma nhume kumutora, akamuisa mumba make, akava mukadzi wake, akamuberekera mwanakomana. Asi chinhu ichi, chakanga chaitwa naDhavhidhi, hachina kufadza Mwari.
2 Samueri 11:1-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Muchirimo, nguva yepfumvudza, nguva yaiwanzoenda madzimambo kuhondo, Dhavhidhi akatuma Joabhu namakurukota ake pamwechete neIsiraeri yose. Vakandokurira vaAmoni, vakabva vorwisa Rabha. Asi Dhavhidhi akasara zvake kuJerusaremu. Zvakaitika kuti manheru zuva rarereka Dhavhidhi akamuka pamubhedha wake ofamba-famba zvake padenga remba yamambo, ari padengapo akaona mukadzi aishamba muviri. Mukadzi uya akanga aine chimiro chakanaka kwazvo. Dhavhidhi akatuma munhu kundobvunza kuti mukadzi iyeyo ndiani. Mumwe akati, “Haasi Bhatishebha here, mwana waEriamu mudzimai waUriya muHiti?” Dhavhidhi ndokutuma nhume dzakandomutora. Mukadzi uyu akauya kwaari. Dhavhidhi akapinda mumba nomukadzi uyu. (Izvozvo mukadzi uyu ainge achitozvichenura pakun'ora kwaakanga aita.) Mukadzi uyu akazodzokera zvake kumba kwake. Akabata pamuviri akabva atumira shoko kuna Dhavhidhi rokuti, “Ndava napamuviri.” Dhavhidhi ndokutumira shoko kuna Joabhu rokuti, “Nditumire kuno Uriya muHiti.” Joabhu akatumira Uriya kuna Dhavhidhi. Pakasvika Uriya kwaari, Dhavhidhi akamubvunza kuti zviri kufamba sei kuna Joabhu uye kuti vanhu vakadii zvavo uyewo kuti hondo iri kurwiwa zvakadii. Dhavhidhi akati kuna Uriya, “Chimboenda zvako kumba kwako umbondoshamba tsoka dzako uzorore.” Uriya akabuda mumuzinda wamambo achiteverwa pakarepo nechipo chakabviswa namambo. Asi Uriya akarara kumusuo womuzinda wamambo pamwechete navamwe vavaranda vatenzi wake. Haana kudzika kumba kwake. Pavakataurira Dhavhidhi kuti Uriya haana kudzika kumba kwake, Dhavhihdi akati kuna Uriya, “Ko hauna kubva parwendo here? Chawaregerera kudzika kumba kwako chii?” Uriya akati kuna Dhavhidhi, “Mungati uku bhokisi rechitenderano nevokwaIsiraeri nevokwaJudha, vagere kudaro mumisasa, uye changamire wangu Joabhu pamwechete namakurukota enyu changamire wangu vagere panze pachena kudaro, ini ndopondoenda zvangu kumba kwangu kundodya nokunwa nokutopinda zvangu mumba nomukadzi wangu here? Kana ndimiwo zvenyu munongozvionawo kuti ini pachangu handimbofa ndakaita chinhu chakadai.” Dhavhidhi ndokuti kuna Uriya, “Chiramba zvako uri pano nhasi, mangwana ndopandichakurega woenda zvako.” Saizvozvo Uriya akaramba ari muJerusaremu zuva iroro namangwana acho. Dhavhidhi akamukoka, iye akadya nokunwa pamwechete naye akasvika pakutomuraradzisa. Asi manheru acho Uriya akaenda akandorara pauriri hwake pamwechete navaranda vatenzi wake. Haana kudzika kumba kwake. Mangwanani acho Dhavhidhi akanyorera Joabhu tsamba akaitumira naiye Uriya. Mutsamba iyoyo akanyora kuti, “Isa Uriya kumberimberi chaiko kunenge kuchipisa hondo kwazvo mugodududza momusiya ari oga kuitira kuti auraiwe afe.” Joabhu paaingunorwisa guta iroro akatuma Uriya kwaaiziva kuti kune shasha chaidzo dzokurwa hondo. Varume vomuguta iri vakabuda vakarwisa Joabhu. Mukati mavanhu, mamwe makurukota aDhavhidhi akafa. Uriya muHiti akaurayiwawo. Joabhu akatuma shoko kuna Dhavhidhi rezvekurwa ikoku. Akarayira nhume iyi kuti, “Ukange wapedza kusvitsa shoko rezvekurwa iri kuna mambo, kana mambo akaviruka nehasha akati kwauri, ‘Pakurwa kwenyu makasvikirei pedyo neguta kudaro? Hamaizviziva here kuti vaizopfura vari parusvingo?’ Ko akauraya Abhimereki mwanakomana waJerubhesheti ndiani? Haasiri mukadzi here akamudonhedzera huyo pamusoro kubva parusvingo akafira kuTebhezi? Chamakanga moenderawo pedyo norusvingo chii? Imi mobva mati, ‘Muranda wenyu Uriya muHiti uya akafawo wani.’ ” Saizvozvo nhume iyi yakaenda ikasvika ikataurira Dhavhidhi zvose zvayakanga yatumwa naJoabhu kundotaura. Nhume yakati kuna Dhavhidhi, “Vanhu ivavo vakambotikurira vakatibudira vachitivinga musango. Asi takazodzingirirana navo kusvikira kusuo guru reguta. Vemiseve vakapfura kwatiri isu varanda venyu kubva parusvingo. Mamwe makurukota enyu mambo akafa. Muranda wenyu Uriya muHiti uya akafawo.” Dhavhidhi akati kunhume iyi, “Enda undoti kuna Joabhu izvi, ngazvirege kukutambudza zvako nokuti hondo inotora wayada. Rwisai nesimba muparadze guta iroro, umutaurire uchimusimbaradza.” Mukadzi waUriya paakanzwa kuti murume wake Uriya akafa akachema murume wake. Kuzoti nguva yokuchema kuya yapera, Dhavhidhi akati aunzwe kumba kwake, akava mukadzi wake akamuberekera mwana mukomana. Asi zvakanga zvaitwa naDhavhidhi izvi hazvina kufadza Tenzi.
2 Samueri 11:1-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino gore rakati rapera, paŋguʋa yokurwa kwamadzimambo, Davidi akatuma Joabi pamŋe cete naʋaranda ʋake naʋaIsraeri ʋose; ʋakaparadza ʋana ʋaAmoni, ʋakakomba ʋo Raba. Asi Davidi wakasara Jerusarema. Ɀino neŋguʋa yamaɗekwana, Davidi akamuka panhoʋo dzake, akafamba pamsoro peɗeŋga reimba yamambo; akaʋona, ari’po paɗeŋga, mukadzi wakaŋga acishamba; ɀino mukadzi uyo wakaŋga akanaka kwaɀo pakuʋonekwa kwake. Davidi akatuma munhu kundobvunza kuti mukadzi uyo ndianiko? Mumŋe akati: Ko haazi iye Bati‐sheba mukunda waEriami, mukadzi waUria muHiti here? Davidi akatuma nhume kundomutora, akaȿika kwaari, akaʋata naye (nokuti wakaŋga anatswa pakusanaka kwake;) iye akadzokera kumba kwake. Mukadzi akatora mimba, akatuma shoko kunaDavidi akamuʋudza, akati: Ndaʋa nemimba. Davidi akatuma shoko kunaJoabi, akati: Tuma Uria muHiti, aʋuye kwandiri. Joabi akatuma Uria kunaDavidi. Ɀino Uria wakati aciȿika kwaari, Davidi akamubvunza kuti Joabi wakaɗini, naʋanhu ʋakaɗini, nokurwa kwakaɗini. Ɀino Davidi akati kunaUria: Ƃurukira kumba kwako, undoshambidza tsoka dzako. Uria akabva paimba yamambo, akatumirwa cipo ceɀokudya namambo. Asi Uria wakaʋata pamukoʋa weimba yamambo pamŋe cete naʋaranda ʋose ʋatenzi wake, haana‐kuɓurukira kumba kwake. Ɀino Davidi wakati aciʋudzwa kuti Uria haana‐kuɓurukira kumba kwake, Davidi akati kunaUria: Hauna‐kubva kurwendo here? Waregereiko kuɓurukira kumba kwako? Uria akati kunaDavidi: Areka, naʋaIsraeri, naʋaJuda ʋagere mumatumba, nashe waŋgu Joabi, naʋaranda ʋashe waŋgu ʋari mumatente aʋo kusaŋgo; ɀino ini ndiŋgapinda seiko mumba maŋgu ndidye ndinwe, ndiʋate nomukadzi waŋgu? Noʋupenyu bgenyu, ʋuye noʋupenyu bgomŋeya wenyu, handiŋgatoŋgoiti cinhu ici. Davidi akati kunaUria: Gara pano nanhasi, maŋgwana ndicakutendera kuenda. Naiɀoɀo Uria akagara Jerusarema zuʋa iro neramaŋgwana. Ipapo Davidi akamuɗana, akadya nokunwa pamberi pake, akamuɓatisa neɗoro; ɀino maɗeko akaɓuɗa akandoʋata panhoʋo dzake naʋaranda ʋashe wake, asi haana‐kuɓurukira kumba kwake. Ɀino maŋgwana Davidi akanyorera Joabi rugwaro, akarutuma noruʋoko rwaUria. Akanyora parugwaro, akati: Isa Uria pamberi panonyanyisa kurwiwa, mumusiye ari oga, aʋurawe, afe. Ɀino Joabi wakati acerekedza guta, akaisa Uria paakaŋga aciziʋa kuti ʋarume ʋoʋumhare ʋari’po. Ʋanhu ʋeguta ʋakaɓuɗa kuzorwa naJoabi, ʋamŋe ʋaranda ʋaDavidi ʋakaʋurawa, naiye Uria muHiti akafa ʋo. Ipapo Joabi akatuma munhu kundoʋudza Davidi mashoko ose okurwa. Akaraira nhume, akati: Kana wapedza kurondedzera kunamambo mashoko ose okurwa, kana kutsamŋa kwamambo kukamuka, iye akati kwauri: Makasweɗerereiko pedyo ɀikuru neguta pakurwa kwenyu? Hamuna kuziʋa here kuti ʋacafura ʋari paruȿiŋgo? Ndianiko wakaʋuraya Abimereki mŋanakomana waJerbesheti? Wakaŋga asiri mukadzi wakakanda huyo pamsoro pake ari paruȿiŋgo, akafira paTebezi here? Makasweɗerereiko pedyo ɀikuru noruȿiŋgo? Ipapo iwe uti: Muranda wenyu Uria muHiti, wafa ʋo. Naiɀoɀo nhume yakaenda, ikaȿika, ikaʋudza Davidi ɀose ɀayakaŋga yatumirwa naJoabi. Nhume ikati kunaDavidi: Ʋarume aʋo ʋakatikurira, ʋakaɓuɗira kwatiri kusaŋgo, tikaʋadziŋgirira kuȿikira paʋanopinda napo pasuʋo. Ʋafuri ʋakafura ʋaranda ʋenyu ʋari paruȿiŋgo, ʋamŋe ʋaranda ʋamambo ʋakafa, naiye muranda wenyu Uria muHiti wafa ʋo. Ipapo Davidi akati kunhume: Iti kunaJoabi: Iɀi ŋgaɀirege kukushuwisa, nokuti munondo unoparadza mumŋe pano nomumŋe kumŋe; tsuŋga hako pakurwa neguta, uriputse; newe enda undomusimbisa. Ɀino mukadzi waUria wakati anzwa kuti murume wake Uria wafa, akacema murume wake. Akati apedza kucema, Davidi akatuma nhume kumutora, akamuisa mumba make, akaʋa mukadzi wake, akamuɓerekera mŋanakomana. Asi cinhu ici, cakaŋga caitwa naDavidi, hacina‐kufadza Mŋari.
2 Samueri 11:1-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)