2 Petro 3:10-11
2 Petro 3:10-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi zuva raIshe richauya sembavha. Matenga achapfuura nokutinhira; zvirimo zvichaparadzwa nomoto, uye nyika nezvose zviri mairi zvichabudiswa pachena. Sezvo zvinhu zvose zvichizoparadzwa nenzira iyi, imi munofanira kuva vanhu vakadini? Munofanira kurarama muutsvene uye nomukutya Mwari
2 Petro 3:10-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi zuva raIshe richauya sembavha; naro denga richapfuura nokutinhira kukuru, nezvedenga zvichaparadzwa zvichipiswa, nenyika namabasa ari mairi achapiswa. Izvi zvose zvazvichaparadzwa saizvozvo, imi munofanira kuva vanhu vakadiniko pamufambiro wenyu mutsvene nokunamata Mwari
2 Petro 3:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi Zuva raTenzi richauya sembavha. Ipapo matenga achapfuura neruzha rukuru, zvomudenga zvichashikitiswa nomoto uye nyika nezvose zvakaitwa pairi zvichapiswa. Zvino zvinhu zvose izvi zvazvichaparadzwa kudai, munosungirwa kuva vanhu vakaita sei pakuva vatsvene napakunamata kwenyu Mwari
2 Petro 3:10-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi zuʋa raShe ricaʋuya sembava; naro ɗeŋga ricapfuʋura nokutinhira kukuru, neɀeɗeŋga ɀicaparadzwa ɀicipiswa, nenyika namaɓasa ari mairi acapiswa. Iɀi ɀose ɀaɀicaparadzwa saiɀoɀo, imi munofanira kuʋa ʋanhu ʋakaɗiniko pamufambire wenyu mutȿene nokunamata Mŋari
2 Petro 3:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)