Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 7:3-9

2 Madzimambo 7:3-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Izvozvo kwaiva navamwe varume vana vakanga vaina maperembudzi vaigara kwokunge toda kupinda pasuo guru riya. Vakataurirana vachiti, “Tadirei kuti tisvike pakufa takangoti pwasha kugara pano apa. Kana tikati tipinde zvedu muguta, nzara iri kubaya muguta umu, tingafire imomo. Kana tikati zunye kugara pano tinopafazve. Saka iye zvino uyai tiyambukire kumatendhe evaSiria uku. Kana vakatirega tiri vapenyu tatorarama, asi kana vakatiuraya tafawoka zvedu.” Vakabva vasimuka rubvunzavaeni voenda kumatendhe avaSiria. Kuzoti vasvika kwaitangira matendhe evaSiria aya wanei pakati n'ono pasina nomunhu wose. Chakadariso ndechokuti Tenzi akanga aita kuti hondo inzwe maungira engoro dzehondo neemabhiza namaungira ehondo huru kwazvo zvokuti vakataurirana vachiti, “Zvamunoonaka mambo wokwaIsiraeri akandotenga madzimambo evaHiti nemadzimambo evaIjipiti kuti vatirwise.” Ipapo rubvunzavaeni irworwo vakati ware kutiza vachisiya matendhe avo namabhiza avo namadhongi avo vakasiya pamatendhe pavo pakangodaro vakatiza kuponesa upenyu hwavo. Pakasvika vana maperembudzi ava kwaitangira matendhe aya vakapinda mutendhe rimwe vakadya vakanwa vakabva vatora sirivha nendarama nehanzu vakandozviviga. Vakadzoka vakapinda mune rimwe tendhe ndokutakuramo zvimwe zvinhu vakandozviviga. Vakazotaurirana vachiti, “Zvatiri kuita izvi hazvina kunaka. Nhasi izuva redama rakanaka. Kana tikaramba takanyarara kusvikira mangwanani kwaedza tingazorangwa. Saka naizvozvo ngatichibvai taenda kundotaurira vokumuzinda kwamambo.”

2 Madzimambo 7:3-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino kwakaŋga kunaʋarume ʋanna ʋaiʋa namaperembudzi kunze kwesuʋo; iʋo ʋakataurirana, ʋakati: Tinogarireiko pano kuȿikira tafa? Kana tikati: Ticapinda muguta, nzara huru iri muguta, ticandofira’mo; kana tikagara pano, ticafa ʋo. Naiɀoɀo ɀino hendei tiende heɗu kuhondo dzaʋaSiria; kana ʋakatirega tiri ʋapenyu, tararama heɗu; kana ʋakatiʋuraya, tafa heɗu. Ipapo ʋakasimuka mambakwedza, ʋakaenda kumisasa yaʋaSiria; ʋakati ʋaȿika kumisasa yokumudziʋo yaʋaSiria, ʋakawana kusinomunhu. Nokuti Jehova wakaŋga anzwisa hondo yaʋaSiria kutinhira kweŋgoro, nokutinhira kwamabiza, kuri kutinhira kwehondo huru; ʋakataurirana, ʋakati: Tarirai, mambo waIsraeri wakakoka madzimambo aʋaHiti namadzimambo aʋaEgipita kuzorwa nesu. Naiɀoɀo ʋakamuka mambakwedza, ʋakasiya matente aʋo, namabiza aʋo, namahesera aʋo, musasa wose wakaŋgoɗaro, ʋakatiza kuti ʋararame. Ɀino ʋaya ʋaiʋa namaperembudzi ʋakati ʋaciȿika kumisasa yokumidziʋo, ʋakapinda patente rimŋe, ʋakadya nokunwa, ʋakatora’mo sirveri nendarama neŋguʋo, ʋakandoɀiʋiga; ʋakadzoka ɀe, ʋakapinda munerimŋe tente, ʋakatora ɀakaŋga ɀiri’mo ʋo, ʋakandoɀiʋiga. Ipapo ʋakataurirana, ʋakati: Hatiiti ɀakanaka; nhasi izuʋa reshoko rakanaka, asi isu tinoŋgonyarara heɗu; kana tikanonoka kuȿikira kwaedza, ticaʋiŋgwa nokurobga; naiɀoɀo hendei ɀino, tindoʋudza imba yamambo.

2 Madzimambo 7:3-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)