2 Madzimambo 11:1-3
2 Madzimambo 11:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ataria mai vaAhazia vakati vaona kuti mwanakomana wavo akanga afa, vakapfuurira mberi nokuparadza veimba youmambo vose. Asi Jehoshebha, mwanasikana waMambo Jehoramu nehanzvadzi yaAhazia, vakatora Joashi mwanakomana waAhazia ndokumuba kubva pakati pavana voumambo, vakanga vava pedyo nokuurayiwa. Akamuisa muimba yake yokurara nomureri wake achimuvanza kubva pana Ataria; saka haana kuurayiwa. Akagara akavigwa iye nomureri wake mutemberi yaJehovha kwamakore matanhatu, Ataria achiri kutonga nyika.
2 Madzimambo 11:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Ataria mai vaAhazia, wakati achiona kuti mwanakomana wake wafa, akasimuka, akaparadza vose vorudzi rwamambo. Asi Jehoshebha mukunda wamambo Joramu, hanzvadzi yaAhazia, wakatora Joashi mwanakomana waAhazia, akamuba pakati pavanakomana vamambo vaiurawa, iye nomureri wake, mumba mokuvata; vakamuvanza panaAtaria, naizvozvo haana kuurawa. Akagara naye akavanzwa mumba maJehovha makore matanhatu; Ataria akabata ushe panyika.
2 Madzimambo 11:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Amai vaAhaziya, Ataria pavakaona kuti mwanakomana wavo afa vakasimuka vakauraya vose vokumba huru. Asi Jehoshebha mukunda wamambo Joramu hanzvadzi yaAhaziya akatora Joashi mwanakomana waAhaziya akamusvovesera mumba mokurara iye nomureri wake pakati pavanakomana vamambo vakange voda kuurayiwa. Ndokumuhwandisa kwaakaita kuna Ataria akabva apunyuka kuurayiwa. Akava naye kwamakore matanhatu akazvihwandisa mumba yaTenzi, Ataria achitonga nyika iyi.
2 Madzimambo 11:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Ataria mai ʋaAhazia, wakati aciʋona kuti mŋanakomana wake wafa, akasimuka, akaparadza ʋose ʋorudzi rwamambo. Asi Jehosheba mukunda wamambo Jorami, hanɀadzi yaAhazia, wakatora Joashi mŋanakomana waAhazia, akamuɓa pakati paʋanakomana ʋamambo ʋaiʋurawa, iye nomureri wake, mumba mokuʋata; ʋakamuʋanza panaAtaria, naiɀoɀo haana‐kuʋurawa. Akagara naye akaʋanzwa mumba maJehova makore matanhatu; Ataria akaɓata ʋushe panyika.
2 Madzimambo 11:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)