2 VaKorinde 9:5-6
2 VaKorinde 9:5-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka ndakaona zvakafanira kuti ndikurudzire hama kuti dzikushanyirei pachine nguva uye kuti mugopedzisa kugadzirira nezvechipo chikuru chamakavimbisa. Ipapo chichava chipo chakagadzirirwa chakapiwa nomufaro, kwete sechipo chokumanikidzirwa. Rangarirai chinhu ichi: Ani naani anodyara zvishoma achakohwawo zvishoma, uye ani naani anodyara zvizhinji achakohwawo zvizhinji.
2 VaKorinde 9:5-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo ndakati zvakafanira kuti ndirayire hama idzi, kuti vatange kuenda kwamuri, vatange kumbogadzira chipo chokuvonga chamakapikira kare, kuti ichi chigare chakagadzirwa chiri chipo chokuvonga, chirege kuva chinhu chakatorwa nesimba. Zvino rangarirai chinhu ichi: Anodyara zvishoma, achachekawo zvishoma; anodyara zvizhinji, achachekawo zvizhinji.
2 VaKorinde 9:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndokusaka ndakafunga kuti ndikurudzire hama idzi, kuti dzifanotungamira ndisati ndauya, kuti dzifanogadzirira chipo chiya, chamakavimbisa, kuti chinge chakagadzirirwa, kwete zvokumanikidzira asi chinopiwa nechido. Chiripo ndechokuti munhu anodyara zvishoma achakohwawo zvishoma; anodyarawo zvakawanda achakohwawo zvakawanda.
2 VaKorinde 9:5-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo ndakati ɀakafanira kuti ndiraire hama idzi, kuti ʋataŋge kuenda kwamuri, ʋataŋge kumbogadzira cipo cokuʋoŋga camakapikira kare, kuti ici cigare cakagadzirwa ciri cipo cokuʋoŋga, cirege kuʋa cinhu cakatorwa nesimba. Ɀino raŋgarirai cinhu ici: Unodɀara ɀishoma, ucaceka ʋo ɀishoma; unodɀara ɀizhinji, ucaceka ʋo ɀizhinji.
2 VaKorinde 9:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)