2 VaKorinde 9:10-13
2 VaKorinde 9:10-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino iye anopa mbeu kumudyari nechingwa chokudya achakupaiwo uye achakupaiwo mbeu zhinji mudura renyu uye agokupaiwo kukohwa kukuru kwokururama kwenyu. Muchapfumiswa pane zvose kuti mugogona kupa panguva dzose, uye kubudikidza nesu kupa kwenyu kuchaita kuti Mwari avongwe. Ushumiri uhu hwamunoita, hahusi hwokungopa vanhu vaMwari zvavanoshayiwa bedzi, asi kuti huri kufashukirawo mukuvonga kuzhinji kuna Mwari. Nokuda kwoushumiri uhwo hwamakazviratidza nahwo, vanhu vacharumbidza Mwari nokuda kwokuteerera kwenyu kunoenderana nokupupura kwenyu vhangeri raKristu, uye nokuda kwokugoverana kwenyu navo zvizhinji uye navamwe vose.
2 VaKorinde 9:10-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino iye, anopa mudyari mbeu nechingwa, kuti zvive zvokudya, achakupaiwo mbeu dzokudyara achidziwanza, nokuwedzera zvibereko zvokururama kwenyu; muchifumiswa pazvose mugoziva kupa zvakawanda, zvinoti, kana zvichiitwa nesu, Mwari anovigirwa nazvo kuvonga. Nokuti kushumira kwokubatsira uku hakuzadzisi kushayiwa kwavatsvene bedzi, asi kunowanzisawo kuvonga kuna Mwari; nokuda kwezvinoonekwa pakushumira uku vanorumbidza Mwari, pamusoro pokupupura kwenyu kwakateerera Vhangeri yaKristu, napamusoro pokupa kwenyu zvakawanda kwavari nokuna vose.
2 VaKorinde 9:10-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Iye Mwari anopa mbeu kumudyari nechingwa chokudya ndiye achakupa mbeu dzose dzaunoda uye achaitawo kuti dzikure dzibereke zvokukohwa zvakawanda zvichibva muururami hwako. Muchapfuma muna zvose kuti mukwanise kuita mabasa makuru omwoyochena anoita kuti Mwari atendwe pamusana pezvatinenge taita. Kuita basa irori, hakungagutsi zvinodiwa navatsvene chete asi kuti kunowanziridza kutendwa kwaMwari. Nezvinobuda mukuita basa iri, mucharumbidza Mwari nokuteerera kwenyu Shoko Rakanaka raKristu nemwoyochena mukudyidzana kwenyu navo uye navamwe vose.
2 VaKorinde 9:10-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino iye, unopa mudɀari mbeu neciŋgwa, kuti ɀiʋe ɀokudya, ucakupai ʋo mbeu dzokudɀara acidziwanza, nokuwedzera ɀiɓereko ɀokururama kwenyu; mucifumiswa paɀose mugoziʋa kupa ɀakawanda, ɀinoti, kana ɀiciitwa nesu, Mŋari unoʋigirwa naɀo kuʋoŋga. Nokuti kushumira kwokuɓatsira uku hakuzadzisi kushaiwa kwaʋatȿene ɓedzi, asi kunowanzisa ʋo kuʋoŋga kunaMŋari; nokuɗa kweɀinoʋonekwa pakushumira uku ʋanorumbidza Mŋari, pamsoro pokupupura kwenyu kwakaterera Evaŋgeri yaKristu, napamsoro pokupa kwenyu ɀakawanda kwaʋari nokunaʋose.
2 VaKorinde 9:10-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)