2 VaKorinde 3:3-7
2 VaKorinde 3:3-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Munoonekwa kuti muri tsamba yakabva kuna Kristu, basa roushumiri hwedu, yakanyorwa, kwete neingi, asi noMweya waMwari mupenyu, kwete pamahwendefa amabwe, asi pamahwendefa emwoyo yavanhu. Kutenda kwakadai souku tinako kubudikidza naKristu pamberi paMwari. Kwete nokuti tinogona isu pachedu, zvokuti titi chakati ndechedu, asi kugona kwedu kunobva kuna Mwari. Akatigonesa savashumiri vesungano itsva, kwete yakanyorwa asi yoMweya; nokuti tsamba inouraya, asi Mweya anopa upenyu. Zvino kana kushumira kwakauyisa rufu, kwakanga kwakatemwa namavara pamabwe, kwakauya nokubwinya zvokuti vaIsraeri vakanga vasingagoni kuramba vakatarisa pachiso chaMozisi nokuda kwokubwinya kwacho, kunyange kwakanga kuchipfuura hako
2 VaKorinde 3:3-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
makaonekwa kuti muri tsamba yaKristu, yakagadzirwa nesu, isina kunyorwa neingi, asi naMweya waMwari mupenyu; isina kunyorwa pamahwendefa amabwe, asi pamahwendefa enyama omwoyo. Kutenda kwakadai tinako naKristu, kuna Mwari; hatiti takakwana isu timene, kuti titeme chinhu timene; asi kukwana kwedu kunobva kuna Mwari; iye akatikwanisa kuti tive vashumiri vesungano itsva, isati iri yezvakanyorwa asi yoMweya; nokuti zvakanyorwa zvinouraya, asi Mweya anopa upenyu. Zvino kana kushumira, kwakauyisa rufu, kwakanga kwakatemwa namabhii pamabwe, kwakauya nokubwinya, kwakanga kwadaro kuti vana vaIsiraeri vakakoniwa kutarisisa chiso chaMosesi nokuda kwokubwinya kwechiso chake kwakanga kuchipfuura hako
2 VaKorinde 3:3-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Imi pachenyu munotoratidza kuti muri tsamba inobva kuna Kristu, muchero webasa redu, isina kunyorwa neingi asi naMweya waMwari mupenyu. Haina kunyorwa pamafendefa amatombo asi pamafendefa emwoyo yavanhu. Ndicho chivimbo chatinacho naMwari nokuna Kristu. Hazvirevi kuti tinokwanisana nazvo pachedu kuti titi isu zvinobva kwatiri. Kukwanisa kwedu kunobva kuna Mwari akatiita kuti tikwanise kuva vashandiri vechitenderano chitsva chisina kunyorwa asi chomweya. Nokuti chakaitwa zvokunyorwa chiya chinouraya asi Mweya anopa upenyu. Zvino kana zvinounza rufu zvakanyorwa zvichiitwa zvokutemerwa pamabwe, zvakauya nokupenya kwakadaro zvokuti vaIsiraeri vakatadza kutarisa uso hwaMosesi pamusana pokubwinya kwahwo kunopera
2 VaKorinde 3:3-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
makaʋonekwa kuti muri ŋwadi yaKristu, yakagadzirwa nesu, isina‐kunyorwa neinki, asi noMŋeya waMŋari mupenyu; isina‐kunyorwa pamahwendefa amabge, asi pamahwendefa enyama omŋoyo. Kutenda kwakaɗai tinako naKristu, kunaMŋari; hatiti takakwana isu timene, kuti titeme cinhu timene; asi kukwana kweɗu kunobva kunaMŋari; iye wakatikwanisa kuti tiʋe ʋashumiri ʋesuŋgano itȿa, isati iri yeɀakanyorwa asi yoMŋeya; nokuti ɀakanyorwa ɀinoʋuraya, asi Mŋeya unopa ʋupenyu. Ɀino kana kushumira, kwakaʋuyisa rufu, kwakaŋga kwakatemŋa namaretere pamabge, kwakaʋuya nokubginya, kwakaŋga kwakaɗaro kuti ʋana ʋaIsraeri ʋakakoniwa kutarisisa ciso caMosesi nokuɗa kwokubginya kweciso cake — kwakaŋga kucipfuʋura hako
2 VaKorinde 3:3-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)