2 VaKorinde 12:1-10
2 VaKorinde 12:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinofanira kuramba ndichizvirumbidza. Kunyange zvisina zvazvinobatsira, ndichapfuurira mberi ndigotaura pamusoro pezviratidzo nezvakazarurwa zvaShe. Ndinoziva mumwe munhu ari muna Kristu, uyo makore gumi namana akapfuura akakwidzwa kudenga rechitatu. Kana zvakaitwa mumuviri kana kunze kwomuviri handizivi, Mwari ndiye anoziva. Uye ndinoziva kuti munhu uyu, kana akanga ari mumuviri kana kuti akanga asiri mumuviri handizivi, asi Mwari ndiye anoziva, akakwidzwa kuparadhiso. Akanzwa zvinhu, zvinhu zvisingatsananguriki namashoko, zvinhu zvisingabvumirwi kuti munhu ataure. Ndichazvirumbidza pamusoro pomunhu akadai, asi handingazvirumbidzi pachangu, kunze kwoutera hwangu. Kunyange dai ndikasarudza kuzvirumbidza, handingavi benzi nokuti ndinenge ndichitaura chokwadi. Asi ndinorega zvangu, kuitira kuti pashayikwe munhu angafunga kuti ndiri mukuru kupfuura zvandinoita kana zvandinotaura. Kuti ndirege kunyanya kuzvikudza nokuda kwoukuru kwazvo hwezvandakazarurirwa, ndakapiwa munzwa munyama yangu, mutumwa waSatani, kuti unditambudze. Katatu ndakakumbira kuna Ishe kuti aubvise pandiri. Asi iye akati kwandiri, “Nyasha dzangu dzakakukwanira, nokuti simba rangu rinozadziswa muutera.” Naizvozvo ndichanyanya kuzvirumbidza pamusoro poutera hwangu, kuitira kuti simba raKristu rigova pamusoro pangu. Ndokusaka, nokuda kwaKristu ndichifara muutera, mukutukwa, mumatambudziko, munhamo, nomukuomerwa. Nokuti kana ndine utera, ipapo ndipo pandine simba.
2 VaKorinde 12:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndinofanira hangu kuzvirumbidza, kunyange zvisina kunaka, asi ndichasvika pazviratidzo nezvakazarurwa zvaIshe. Ndinoziva munhu ari muna Kristu, ava makore ane gumi namana apfuura, (kana zvakaitwa mumuviri, kana kunze kwomuviri, handizivi; Mwari anoziva), munhu akadai akakwidzwa kudenga rechitatu. Uye ndinoziva munhu akadai (kana zvakaitwa mumuviri kana kunze kwomuviri, handizivi; Mwari anoziva), kuti akakwidzwa muparadhiso, akanzwa mashoko asingagoni kutaurwa, asina kutenderwa munhu kuti aareve. Pamusoro pomunhu akadai ndichazvirumbidza; asi pamusoro pangu handizvirumbidzi; asi pamusoro poutera hwangu bedzi. Nokuti kana ndichida kuzvirumbidza, handingavi benzi; nokuti ndichareva zvamazvokwadi; asi ndinorega hangu, kuti kurege kuva nomunhu, angati ndiri mukuru kunezvaakaona kana zvaakanzwa kwandiri; zvino, kuti ini ndirege kunyanya kuzvikudza nokuda kwoukuru kwazvo hwezvakandizarurirwa, ndakapiwa munzwa munyama yangu, nhume yaSatani, andirove, kuti ndirege kunyanya kuzvikudza. Pamusoro pechinhu ichi ndakakumbira Ishe zvikuru katatu, kuti chibve kwandiri. Iye akati kwandiri, “Nyasha dzangu dzinokuringana; nokuti simba rangu rinozadziswa pautera hwako.” Naizvozvo zviri nani kuti ndizvirumbidze nomufaro mukuru noutera hwangu, kuti simba raKristu rigare pamusoro pangu. Naizvozvo ndinofara noutera, nokuzvidzwa, nokushaiwa, nokutambudzika, nenhamo nokuda kwaKristu; nokuti kana ndino utera, ipapo ndine simba.
2 VaKorinde 12:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hazvina zvazvo zvazvinobatsira asi ndinofanira kuenderera mberi nokuzvirumbidza. Ndava kuenda kune zvezvioneso nezviratidzo zvaTenzi. Ndinoziva mumwe munhu muna Kristu akatututswa kuenda kudenga rechitatu makore gumi namana apfuura. Kuti akaendako nomuviri wake here kana kuti asina muviri wake, handizivi, Mwari ndiye anoziva. Chandinoziva ndechokuti munhu uyu akatututswa kuenda kuParadhiso. Kuti akaendako nomuviri wake here kana kuti asina muviri wake, handizivi, asi Mwari ndiye anoziva. Ikoko akanzwa zvinhu zvisingatauriki zvisingabvumirwi kuti munhu ataure. Munhu iyeyo ndinodada naye asi ini pachangu handizvidadisi. Chandinodada nacho utera hwangu. Dai kuri kuti ndinozvidadisa zvangu, handingavi benzi nokuti ndinenge ndichitaura chokwadi asi handizvidadisi kuti vanhu varege kundiona sowokumusoro kupinda zvavanoona mandiri kana zvavanonzwa kwandiri. Asi kuti ndirege kuita zenze nezviratidzo zvakawanda ndakapiwa munzwa munyama, nhumwa yaSatani yokundishusha kuti ndirege kuva nezenze. Ndakateterera Tenzi katatu kose nezvawo kuti ubviswe asi akati, “Nyasha dzangu dzinokwana kwauri nokuti simba rangu rinoonekwa muutera kushanda kwaro kuzere.” Naizvozvo ndinotofara kudada noutera hwangu kuti simba raKristu rigare pandiri. Nezvo pamusana paKristu, ndinofara noutera nokutukwa nezvinonetsa nokushushwa nenhamo nokuti kana ndiino utera ndipo pandine simba.
2 VaKorinde 12:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinofanira haŋgu kuɀirumbidza, kunyaŋge ɀisina‐kunaka, asi ndicaȿika paɀiratidzo neɀakazarurwa ɀaShe. Ndinoziʋa munhu uri munaKristu, aʋa makore anegumi namanna apfuʋura, (kana ɀakaitwa mumuʋiri, kana kunze kwomuʋiri, handiziʋi; Mŋari unoziʋa), munhu wakaɗai wakakwidzwa kuɗeŋga recitatu. Ʋuye ndinoziʋa munhu wakaɗai (kana ɀakaitwa mumuʋiri kana kunze kwomuʋiri, handiziʋi; Mŋari unoziʋa), kuti wakakwidzwa muparadiso, akanzwa mashoko asiŋgagoni kutaurwa, asina‐kutenderwa munhu kuti aareʋe. Pamsoro pomunhu wakaɗai ndicaɀirumbidza; asi pamsoro paŋgu handiɀirumbidzi; asi pamsoro poʋutera bgaŋgu ɓedzi. Nokuti kana ndiciɗa kuɀirumbidza, handiŋgaʋi ɓenzi; nokuti ndicareʋa ɀamaɀokwaɗi; asi ndinorega haŋgu, kuti kurege kuʋa nomunhu, uŋgati ndiri mukuru kuneɀaakaʋona kana ɀaakanzwa kwandiri; ɀino, kuti ini ndirege kunyanya kuɀikudza nokuɗa kwoʋukuru kwaɀo bgeɀakandizarurirwa, ndakapiwa munzwa munyama yaŋgu, nhume yaSatani, andiroʋe, kuti ndirege kunyanya kuɀikudza. Pamsoro pecinhu ici ndakakumbira Ishe ɀikuru katatu, kuti cibve kwandiri. Iye akati kwandiri: Nyasha dzaŋgu dzinokuriŋgana; nokuti simba raŋgu rinozadziswa paʋutera bgako. Naiɀoɀo ɀirinani kuti ndiɀirumbidze nomufaro mukuru noʋutera bgaŋgu, kuti simba raKristu rigare pamsoro paŋgu. Naiɀoɀo ndinofara noʋutera, nokuɀidzwa, nokushaiwa, nokutambudzika, nenhamo nokuɗa kwaKristu; nokuti kana ndinoʋutera, ipapo ndinesimba.
2 VaKorinde 12:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)