2 VaKorinde 11:4-5
2 VaKorinde 11:4-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti kana mumwe akauya kwamuri achiparidza mumwe Jesu kunze kwaJesu watakaparidza, kana kuti mukagamuchira mumwe mweya wakasiyana nouyo wamakagamuchira, kana rimwe vhangeri rakasiyana neramakagamuchira, munogona kuzvigamuchira zviri nyore kwazvo. Asi handifungi kuti ndiri muduku napaduku pose ku“vapostori vanopfuura vamwe vose.”

2 VaKorinde 11:4-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti kana mumwe achiuya anoparidza mumwe Jesu, watisina kumboparidza isu, kana zvimwe muchigamuchira mumwe mweya, wamusina kumbogamuchira, kana imwe vhangeri, yamusina kumbotenda, zvino momuitira mwoyo murefu kwazvo. Nokuti ndinoti handizi muduku napaduku-duku kuvapostori vanopfuura vamwe vose.
2 VaKorinde 11:4-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinodaro nokuti kana mumwe munhu akauya achiparidza mumwe Jesu akasiyana newatakaparidza muchigamuchira mumwe mweya wakasiyana newamakagamuchira kana kuti mukagachira Shoko Rakanaka rakasiyana neremakagamuchira muri kutomugamuchira namaoko maviri. Sokuona kwangu hapana chandinopfuurwa naivo vapositori vapamusoro vacho ivavo.
2 VaKorinde 11:4-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti kana mumŋe aciʋuya unoparidza mumŋe Jesu, watisina‐kumboparidza isu, kana ɀimŋe mucigamucira mumŋe mŋeya, wamusina‐kumbogamucira, kana imŋe evaŋgeri, yamusina‐kumbotenda, ɀino momuitira mŋoyo murefu kwaɀo. Nokuti ndinoti handizi muɗuku napaɗuku‐ɗuku kuʋaapostora ʋanopfuʋura ʋamŋe ʋose.
2 VaKorinde 11:4-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)