2 VaKorinde 11:3-4
2 VaKorinde 11:3-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi ndinotya kuti sokunyengerwa kwakaitwa Evha nenyoka nemano ayo, ndangariro dzenyu dzingangotsauswa kubva pakururama nokuchena kwomwoyo, pakuzvipira kuna Kristu. Nokuti kana mumwe akauya kwamuri achiparidza mumwe Jesu kunze kwaJesu watakaparidza, kana kuti mukagamuchira mumwe mweya wakasiyana nouyo wamakagamuchira, kana rimwe vhangeri rakasiyana neramakagamuchira, munogona kuzvigamuchira zviri nyore kwazvo.
2 VaKorinde 11:3-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi ndinotya kuti, senyoka yakanyengera Evha namano ayo, zvimwe saizvozvo ndangariro dzenyu dzingasvibiswa, dzitsauke pakururama nokuchena kwomwoyo kuri kuna Kristu. Nokuti kana mumwe achiuya anoparidza mumwe Jesu, watisina kumboparidza isu, kana zvimwe muchigamuchira mumwe mweya, wamusina kumbogamuchira, kana imwe vhangeri, yamusina kumbotenda, zvino momuitira mwoyo murefu kwazvo.
2 VaKorinde 11:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino ndavakutotya kuti sokunyengedza kwakaita nyoka Eva nokusvinuka kwayo pfungwa dzenyu dzingadaro dzatsautswa pautsvene hwenyu nokutendeseka kwenyu kuna Kristu. Ndinodaro nokuti kana mumwe munhu akauya achiparidza mumwe Jesu akasiyana newatakaparidza muchigamuchira mumwe mweya wakasiyana newamakagamuchira kana kuti mukagachira Shoko Rakanaka rakasiyana neremakagamuchira muri kutomugamuchira namaoko maviri.
2 VaKorinde 11:3-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ndinotya kuti, senyoka yakanyeŋgera Eva namano ayo, ɀimŋe saiɀoɀo ndaŋgariro dzenyu dziŋgaȿiɓiswa, dzitsauke pakururama nokucena kwomŋoyo kuri kunaKristu. Nokuti kana mumŋe aciʋuya unoparidza mumŋe Jesu, watisina‐kumboparidza isu, kana ɀimŋe mucigamucira mumŋe mŋeya, wamusina‐kumbogamucira, kana imŋe evaŋgeri, yamusina‐kumbotenda, ɀino momuitira mŋoyo murefu kwaɀo.
2 VaKorinde 11:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)