2 VaKorinde 11:24-28
2 VaKorinde 11:24-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kanosvika kashanu ndakarohwa navaJudha shamhu makumi matatu nepfumbamwe. Katatu ndakarohwa netsvimbo, kamwe chete ndakatakwa namabwe, katatu ndakaita tsaona nechikepe, ndakapedza usiku humwe namasikati ndiri pagungwa, ndakanga ndiri parwendo nguva zhinji. Ndakava panjodzi dzenzizi, panjodzi dzamakororo, panjodzi dzevorudzi rwokwangu, panjodzi dzavaHedheni, panjodzi muguta, napanjodzi murenje, panjodzi mugungwa, napanjodzi pakati pehama dzenhema. Ndakabata basa nokutambura uye nguva zhinji ndichishayiwa hope; ndinoziva nzara nenyota uye kushayiwa zvokudya nguva zhinji; chando nokushayiwa chokupfeka. Kunze kwaizvozvi zvose, ndinoremedzwa zuva rimwe nerimwe nokurangarira kereke dzose.
2 VaKorinde 11:24-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndakarohwa navaJudha kashanu shamhu dzina makumi matatu nepfumbamwe. Katatu ndakarohwa netsvimbo, kamwe ndakatakwa namabwe, katatu ndakaputsikirwa nechikepe, usiku humwe namasikati ndakanga ndiri mugungwa; panzendo kazhinji, panjodzi dzenzizi, panjodzi dzamakororo, panjodzi dzovorudzi rwangu, panjodzi dzavahedheni, panjodzi muguta, panjodzi murenje, panjodzi mugungwa, panjodzi pakati pehama dzenhema; pakubata basa napakutambura, pakuvata kazhinji takarindira, panzara nenyota, pakuzvinyima zvokudya kazhinji, pachando napakushayiwa zvokufuka. Kunze kwaizvozvi, ndinoremedzwa zuva rimwe nerimwe nokurangarira kereke dzose.
2 VaKorinde 11:24-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakarohwa ndiri mumaoko avaJudha shamhu dzinosvika makumi matatu nepfumbamwe kanosvika kashanu. Ndakarohwa nemibhadha kanosvika katatu. Ndakatakwa namatombo kamwechete. Ndakakudubuka nechikepe katatu. Ndakaita siku nesikati ndakayangarara mugungwa. Panzendo dzangu dzakawanda ndakapinda njodzi dzenzizi nenjodzi dzamakororo, uye njodzi dzaibva kuvanhu vokwangu uyewo nenjodzi dzaibva kunevechirudzi kwozoti njodzi muguta, kwoti njodzi musango, kwouya njodzi mugungwa nenjodzi dzaibva kuhama dzenhema mubasa rakaoma nomuzvinhu zvinotambudza nomukushaiswa hope kakawanda; munzara nenyota uye kazhinji ndisina chokudya; muchando nomukushaya chokufuka tisingatauri zvedu nezvezvimwe izvi, mazuva ose ndinogara ndakaremerwa nokufunga masangano ose.
2 VaKorinde 11:24-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndakarobga naʋaJuda kashanu, shamhu dzinamakumi matatu nepfumbamŋe. Katatu ndakarobga netȿimbo, kamŋe ndakatakwa namabge, katatu ndakaputsikirwa necikepe, ʋusiku bgumŋe namasikati ndakaŋga ndiri muguŋgwa; panzendo kazhinji, panjodzi dzenzizi, panjodzi dzamakororo, panjodzi dzoʋorudzi rwaŋgu, panjodzi dzaʋahedeni, panjodzi muguta, panjodzi murenje, panjodzi muguŋgwa, panjodzi pakati pehama dzenhema; pakuɓata napakutambura, pakuʋata kazhinji takarindira, panzara nenyota, pakuɀinyima ɀokudya kazhinji, pacando napakushaiwa ɀokufuka. Kunze kwaiɀoɀi, ndinoremedzwa zuʋa rimŋe nerimŋe nokuraŋgarira kereke dzose.
2 VaKorinde 11:24-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)