2 VaKorinde 1:6-7
2 VaKorinde 1:6-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kana tichitambudzika, zvinoitirwa kunyaradzwa kwenyu noruponeso rwenyu, kana tichinyaradzwa, zvinoitirwa kunyaradzwa kwenyu, kunobereka mamuri kutsungirira pamatambudziko iwayo atinotambudzika nawo. Uye tariro yedu kwamuri yakasimba, nokuti tinoziva kuti sezvamunogoverana nesu mumatambudziko edu, saizvozvowo muchagoverana nesu mukunyaradzwa kwedu.
2 VaKorinde 1:6-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino kana tichitambudzika hedu isu, zvinoitwa nokuda kwokunyaradzwa nokuponeswa kwenyu; kana tichinyaradzwa isu, zvinoitwa nokuda kwokunyaradzwa kwenyu, kunokusimbisai kutsungirira pamadambudziko iwayo atinotambudzikawo nawo. Tariro yedu pamusoro penyu yakasimba, nokuti tinoziva kuti sezvamunosangana nesu pamadambudziko, saizvozvowo pakunyaradzwa.
2 VaKorinde 1:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kana isu tichitambudzika, ndimi vatinotambudzikira kuti munyaradzwe nokuponeswa. Kana tikanyaradzwa imi munobva mawana kunyaradzwawo kwamunonzwa kana muchitirira nemwoyo murefu matambudziko mamwechetewo atinotambudzika. Chivimbo chedu mamuri hachizunguzuki nokuti tinoziva kuti sokubatana kwatinoita nemi mumatambudziko edu, muchanyaradzwawo pamwechete nesu.
2 VaKorinde 1:6-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kana ticitambudzika heɗu isu, ɀinoitwa nokuɗa kwokunyaradzwa nokuponeswa kwenyu; kana ticinyaradzwa isu, ɀinoitwa nokuɗa kwokunyaradzwa kwenyu, kunokusimbisai kutsuŋgirira pamaɗambudziko iwayo atinotambudzika ʋo nawo. Tariro yeɗu pamsoro penyu yakasimba, nokuti tinoziʋa kuti seɀamunosoŋgana nesu pamaɗambudziko, saiɀoɀo ʋo pakunyaradzwa.
2 VaKorinde 1:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)