2 VaKorinde 1:1-9
2 VaKorinde 1:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti hama yedu, kukereke yaMwari iri muKorinde, pamwe chete navatsvene vose vari muAkaya yose: Nyasha norugare ngazvive kwamuri zvichibva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu. Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, ivo Baba vengoni naMwari wokunyaradza kwose, ivo vanotinyaradza pamatambudziko edu ose, kuti tigone kunyaradza avo vari mumatambudziko nokunyaradza kwatakawana isu kubva kuna Mwari. Nokuti sokuwanda kunoita matambudziko aKristu muupenyu hwedu, ndiko kuwandawo kunoita kunyaradzwa kwedu naKristu. Kana tichitambudzika, zvinoitirwa kunyaradzwa kwenyu noruponeso rwenyu, kana tichinyaradzwa, zvinoitirwa kunyaradzwa kwenyu, kunobereka mamuri kutsungirira pamatambudziko iwayo atinotambudzika nawo. Uye tariro yedu kwamuri yakasimba, nokuti tinoziva kuti sezvamunogoverana nesu mumatambudziko edu, saizvozvowo muchagoverana nesu mukunyaradzwa kwedu. Hatidi kuti murege kuziva, hama, pamusoro pamatambudziko akatiwira tiri mudunhu reEzhia. Takaremerwa kwazvo, kupfuura zvatakagona kutsungirira, zvokuti takati takanga tofa. Zvirokwazvo mumwoyo medu takanzwa kuti takanga tatongerwa rufu. Asi izvi zvakaitika kuti tirege kuvimba nesimba redu asi naMwari, anomutsa vakafa.
2 VaKorinde 1:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pauro, mupostori waKristu Jesu, nokuda kwaMwari, naTimoti, hama yedu kukereke yaMwari iri muKorinde, pamwechete navatsvene vose vari paAkaya yose: Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kuna Mwari, Baba vedu, naIshe Jesu Kristu. Mwari ngaavongwe, ivo Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, Baba vengoni, Mwari wokunyaradza kwose; iye anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose, kuti isu tive nesimba rokunyaradza vari mukutambudzika kupi nokupi, nokunyaradzwa kwatinonyaradzwa nako naMwari. Nokuti madambudziko aKristu sezvaakava mazhinji kwatiri, saizvozvowo kunyaradzwa kwedu kwakava kuzhinji naKristu. Zvino kana tichitambudzika hedu isu, zvinoitwa nokuda kwokunyaradzwa nokuponeswa kwenyu; kana tichinyaradzwa isu, zvinoitwa nokuda kwokunyaradzwa kwenyu, kunokusimbisai kutsungirira pamadambudziko iwayo atinotambudzikawo nawo. Tariro yedu pamusoro penyu yakasimba, nokuti tinoziva kuti sezvamunosangana nesu pamadambudziko, saizvozvowo pakunyaradzwa. Nokuti hatidi hama dzangu, kuti murege kuziva kutambudzika kwakatiwira paAsia, kuti takaremerwa kwazvokwazvo kukunda simba redu, nokudaro takarasa mwoyo tichiti hatingararami; asi pamwoyo pedu isu takanga tatozvitongera rufu, kuti tirege kuvimba nesimba redu, asi naMwari anomutsa vakafa
2 VaKorinde 1:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndini Pauro mupositori waKristu Jesu, ndakasarudzwa naMwari, ndinokunyorerai ini nehama yedu Timoti, imi vesangano raMwari riri kuKorinde pamwechete navatsvene vose vari muAkaya yose ndichiti Mwari Baba wedu naTenzi Jesu Kristu ngavakuitirei nyasha nokukupai rugare. Ngaarumbidzwe Mwari Baba vaTenzi wedu Jesu Kristu, Baba vetsitsi, Mwari anonyaradza muna zvose, anotinyaradza mumatambudziko edu ose, kuti tikwanisewo kunyaradza vamwe vanenge vari mumatambudziko api naapi zvawo nokunyaradzwa ikoko kwatinenge taitwa naMwari. Nokuti sokubatana zvakanyanya kwazvo kwatinoita naKristu mumatambudziko ake saizvozvowo nokuna Kristu tinonyaradzwawo zvikuru kwazvo. Kana isu tichitambudzika, ndimi vatinotambudzikira kuti munyaradzwe nokuponeswa. Kana tikanyaradzwa imi munobva mawana kunyaradzwawo kwamunonzwa kana muchitirira nemwoyo murefu matambudziko mamwechetewo atinotambudzika. Chivimbo chedu mamuri hachizunguzuki nokuti tinoziva kuti sokubatana kwatinoita nemi mumatambudziko edu, muchanyaradzwawo pamwechete nesu. Hatidi kuti munge musingazivi, hama dzangu, nezvamatambudziko atakawana kuAsia nokuti takarwadziwa zvokurwadziwa zviya, zvokuti takanga tongoti kwatova kufa uku. Zvaitovapo ndezvokuti takatenge tavakuzviona savanhu vakatongerwa rufu, asi izvi zvakaitika kuti tirege kuvimba nezvatiri asi kuvimba naMwari anomutsa vakafa.
2 VaKorinde 1:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pauro, muapostora waKristu Jesu, nokuɗa kwaMŋari, naTimotio, hama yeɗu kukereke yaMŋari iri paKorinte, pamŋe cete naʋatȿene ʋose ʋari paAkaya yose: Nyasha ŋgadziʋe nemi, norugare runobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, naShe Jesu Kristu. Mŋari ŋgaaʋoŋgwe, iʋo Ƃaɓa ʋaShe weɗu Jesu Kristu, Ƃaɓa ʋeŋgoni, Mŋari wokunyaradza kwose; iye unotinyaradza pakutambudzika kweɗu kwose, kuti isu tiʋe nesimba rokunyaradza ʋari mukutambudzika kupi nokupi, nokunyaradzwa kwatinonyaradzwa nako naMŋari. Nokuti maɗambudziko aKristu seɀaakaʋa mazhinji kwatiri, saiɀoɀo ʋo kunyaradzwa kweɗu kwakaʋa kuzhinji naKristu. Ɀino kana ticitambudzika heɗu isu, ɀinoitwa nokuɗa kwokunyaradzwa nokuponeswa kwenyu; kana ticinyaradzwa isu, ɀinoitwa nokuɗa kwokunyaradzwa kwenyu, kunokusimbisai kutsuŋgirira pamaɗambudziko iwayo atinotambudzika ʋo nawo. Tariro yeɗu pamsoro penyu yakasimba, nokuti tinoziʋa kuti seɀamunosoŋgana nesu pamaɗambudziko, saiɀoɀo ʋo pakunyaradzwa. Nokuti hatiɗi, hama dzaŋgu, kuti murege kuziʋa kutambudzika kwakatiwira paAsia, kuti takaremerwa kwaɀo‐kwaɀo kukunda simba reɗu, nokuɗaro takarasha mŋoyo ticiti hatiŋgararami; asi pamŋoyo peɗu isu takaŋga tatoɀitoŋgera rufu, kuti tirege kuʋimba nesimba reɗu, asi naMŋari unomutaa ʋakafa
2 VaKorinde 1:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)