2 Makoronike 9:6-8
2 Makoronike 9:6-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi handina kutenda zvaitaurwa kusvikira ndauya kuzozvionera nameso angu. Chokwadi, handina kutongonzwa kunyange hafu yokukura kwouchenjeri hwenyu, mapfuura nokure zvandakanzwa. Mufaro wakawanda sei unofanira kungova una vanhu venyu! Anofara sei machinda enyu anoramba amire pamberi penyu achinzwa uchenjeri hwenyu. Ngaarumbidzwe Jehovha Mwari wenyu akafadzwa nemi akakuisai pachigaro chake samambo kuti mutongere Jehovha Mwari wenyu. Nokuda kwerudo rwaMwari wenyu kuIsraeri nokudokwairira kwake kuvasimudzira nokusingaperi, akakuitai mambo pamusoro pavo kuti muchengetedze kururamisira nokururama.”

2 Makoronike 9:6-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Asi handina kutenda mashoko avo, kusvikira ndauya, ndikaona nameso angu; asi tarirai handina kuudzwa kunyange hafu youkuru hwokungwara kwenyu; imi munokunda mbiri yandakanzwa. Varume venyu vano mufaro, navaranda venyu vano mufaro, vanomira pamberi penyu nguva dzose vachinzwa kungwara kwenyu. Jehovha Mwari wenyu ngaakudzwe, akafadzwa nemi, akakugadzai pachigaro chake choushe, muve mambo waJehovha Mwari wenyu; nokuti Mwari wenyu akada Isiraeri, kuti avasimbise nokusingaperi, saka akakuitai mambo wavo, kuti mutonge nokururamisa.”
2 Makoronike 9:6-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
asi ini handina kunge ndazvibvuma kusvikira ndauya ndikatozvionera ndoga namaziso angu. Inga kutaurirwa hunyimwa! Zvandakanzwa hazvimbosvika napaduku pose pamakuriro akaita ungwaru hwenyu. Zvamuri zvinopfuura zvandakanzwa. Zvavo, vanhu venyu! Zvavo chokwadi machinda enyu, anogara ainemi achinzwa zvawo ungwaru hwenyu hwakadai. “Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari wenyu akasarudza zvake kukugadzai umambo pachigaro chake choumambo kuitira iye Tenzi, Mwari wenyu. Pamusana pokuti Mwari wenyu akada Isiraeri akadawo kuti varambe varipo narini wose ndosaka akakugadzai umambo hwavo kuti kutonga zvine ruenzaniso uye zviri pamutsetse kuitwe.”
2 Makoronike 9:6-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi handina‐kutenda mashoko aʋo, kuȿikira ndaʋuya, ndikaʋona nameso aŋgu; asi tarirai handina‐kuʋudzwa kunyaŋge hafu yoʋukuru bgokuŋgwara kwenyu; imi munokunda mbiri yandakanzwa. Ʋarume ʋenyu ʋanomufarwa, naʋaranda ʋenyu aʋa ʋanomufarwa, ʋanomira pamberi penyu ŋguʋa dzose ʋacinzwa kuŋgwara kwenyu. Jehova Mŋari wenyu ŋgaakudzwe, wakafadzwa nemi, akakugadzai pacigaro cake coʋushe, muʋe mambo waJehova Mŋari wenyu; nokuti Mŋari wenyu wakaɗa Israeri, kuti aʋasimbise nokusiŋgaperi, saka wakakuitai mambo waʋo, kuti mutoŋge nokururamisa.
2 Makoronike 9:6-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)