2 Makoronike 34:29-33
2 Makoronike 34:29-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo mambo akaunganidza vakuru vose veJudha neJerusarema. Akaenda kutemberi yaJehovha navarume veJudha, vanhu veJerusarema, vaprista navaRevhi, vanhu vose kubva kuno mudiki kusvika kuno mukuru. Akaverenga vachinzwa mashoko ose eBhuku reSungano, rakanga rawanikwa mutemberi yaJehovha. Mambo akamira pashongwe yavo vakamutsiridza sungano pamberi paJehovha, kuti vatevere Jehovha uye vachengete mirayiro yake, zvaakatema nemitemo yake nomwoyo wake wose nomweya wake wose uye kuti ateerere mashoko esungano akanyorwa mubhuku iri. Ipapo akaita kuti munhu wose womuJerusarema neBhenjamini azvipire kwairi; vanhu vomuJerusarema vakaita izvi maererano nesungano yaMwari, Mwari wamadzibaba avo. Josia akabvisa zvifananidzo zvose zvinonyangadza munyika yose yavaIsraeri akaita kuti vose vaiva muIsraeri vashumire Jehovha Mwari wavo. Mazuva ake ose, havana kutsauka pakutevera Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
2 Makoronike 34:29-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo mambo akatuma vanhu vakaunganidza vakuru vose vaJudha naveJerusaremu. Mambo akakwira kumba kwaJehovha, ana varume vose vaJudha, navose vakanga vagere Jerusaremu, navapristi, navaRevhi, navanhu vose, vakuru navaduku; akavaravira mashoko ose ebhuku yesungano yakanga yawanikwa mumba maJehovha. Mambo akamira panzvimbo yake, akaita sungano pamberi paJehovha, akazvisunga kutevera Jehovha, nokuchengeta mirairo yake, nezvipupuriro zvake, nezvaakatema, nomwoyo wake wose nomweya wake wose, kuti aite mashoko esungano akanyorwa mubhuku iyi. Akaraira vose vakanga vari Jerusaremu naBhenjamini kuabvumira. Vagere Jerusaremu vakaita sezvakarehwa pasungano yaMwari, iye Mwari wamadzibaba avo. Josia akabvisa zvakanga zvichinyangadza zvose panyika dzose dzaiva vaIsiraeri, akaraira vose vakanga vari pakati paIsiraeri kushumira Mwari, kushumira iye Jehovha Mwari wavo. Mazuva ake ose havana kutsauka pakutevera Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
2 Makoronike 34:29-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mambo akatuma shoko, vakuru vakuru vose vokwaJudha neveJerusaremu vakaungana kwaari. Mambo akakwira kumba yaTenzi navanhu vose vokwaJudha, navagari vose veJerusaremu navapristi navaRevhi navanhu vose vaduku navakuru. Akavaverengera vachinzwa mashoko aiva mubhuku rechitenderano rakanga rawanikwa muimba yaTenzi. Mambo akamira panzvimbo pake akaitazve chitenderano naTenzi chokumutevera nokuchengeta mitemo yake, nezvirevo zvake nemirao yake nemwoyo wake wose nemweya wake wose kuchengeta zvisungo zvechitenderano ichochi zvakanga zvakanyorwa mubhuku irori. Akaita kuti vose vaiva muJerusaremu nokwaBhenjamini vazvisungewo nacho. Vagari vomuJerusaremu vakachengeta nomo chitenderano chaMwari, Mwari wamadzibaba avo. Josiya akabvisa mumatunhu ose avanhu veIsiraeri zvose zvisingadiwi naMwari akaita kuti vose vaiva muIsiraeri vanamate Tenzi, Mwari wavo. Mumazuvawo ose oupenyu hwake, havana kutsauka pakutevera Tenzi, Mwari wamadzibaba avo.
2 Makoronike 34:29-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo mambo akatuma ʋanhu ʋakaʋuŋganidza ʋakuru ʋose ʋaJuda naʋeJerusarema. Mambo akakwira kumba kwaJehova, anaʋarume ʋose ʋaJuda, naʋose ʋakaŋga ʋagere Jerusarema, naʋaprista, naʋaRevi, naʋanhu ʋose, ʋakuru naʋaɗuku; akaʋaraʋira mashoko ose ebuku yesuŋgano yakaŋga yawanikwa mumba maJehova. Mambo akamira panɀimbo yake, akaita suŋgano pamberi paJehova, akaɀisuŋga kuteʋera Jehova, nokuceŋgeta mirairo yake, neɀipupuriro ɀake, neɀaakatema, nomŋoyo wake wose nomŋeya wake wose, kuti aite mashoko esuŋgano akanyorwa mubuku iyi. Akaraira ʋose ʋakaŋga ʋari Jerusarema naBenjamini kuabvumira. Ʋagere Jerusarema ʋakaita seɀakarebga pasuŋgano yaMŋari, iye Mŋari wamadziɓaɓa aʋo. Josia akabvisa ɀakaŋga ɀicinyaŋgadza ɀose panyika dzose dzaiʋa dzaʋana ʋaIsraeri, akaraira ʋose ʋakaŋga ʋari pakati paIsraeri kushumira Mŋari, kushumira iye Jehova Mŋari waʋo. Mazuʋa ake ose haʋana‐kutsauka pakuteʋera Jehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo.
2 Makoronike 34:29-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)