2 Makoronike 20:12-17
2 Makoronike 20:12-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haiwa Mwari wedu, hamungavatongi here? Nokuti isu hatina simba rokutonga hondo huru yakadai iri kuuya kuzotirwisa. Hatizivi kuti tingaita sei, asi meso edu akatarisa kwamuri.” Varume vose veJudha, navakadzi vavo navana vadiki, vakamira pamberi paJehovha. Ipapo mweya waMwari wakauya pana Jahazieri mwanakomana waZekaria, mwanakomana waBhenaya, mwanakomana waJeyeri, mwanakomana waMatania muRevhi uye chizvarwa chorudzi rwaAsafi, paakanga akamira muungano. Akati, “Teererai, Mambo Jehoshafati navose vanogara muJudha neJerusarema! Zvanzi naJehovha kwamuri, ‘Musatya kana kuora mwoyo nokuda kwehondo iyi huru, nokuti kurwa uku hakusi kwenyu, asi ndokwaMwari. Mangwana dzikai mundovarwisa. Vachange vachikwidza nomuMupata weZizi uye muchavawana kumagumo omupata muGwenga reJerueri. Hamusi kuzorwa hondo iyi. Torai nzvimbo dzenyu; mumire makasimba mugoona kununurwa kwamuchapiwa naJehovha, imi Judha neJerusarema. Musatya; musaora mwoyo, endai mundovarwisa mangwana, uye Jehovha achava nemi.’ ”
2 Makoronike 20:12-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Haiwa, Mwari wedu, hamungavatongi here? Nokuti hatine simba rokurwa navazhinji ava vanouya kuzorwa nesu; hatizivi chatingaita, asi meso edu akatarira kwamuri.” Ipapo vaJudha vose vakamira pamberi paJehovha, pamwechete nepwere dzavo, navakadzi vavo, navana vavo. Mweya waJehovha ukauya pamusoro paJahazieri, mwanakomana waZekariya, mwanakomana waBhenaya, mwanakomana waJeieri, mwanakomana waMatanya, muRevhi, wavanakomana vaAsafi, pakati peungano; iye akati, “Tererai, imi vaJudha mose, nemi mugere paJerusaremu, nemi mambo Jehoshafati; zvanzi naJehovha kwamuri, ‘Musatya, kana kuvhunduka nokuda kwavanhu ava vazhinji; nokuti kurwa hakuzi kwenyu, asi ndokwaMwari. Burukai mangwana mundorwa navo; tarirai vanokwira napamukwidza weZizi; muchavawana pakuguma kwomupata, pamberi perenje reJerueri. Imi hamungafaniri henyu kurwapo; zvigadzireipo, murambe mumire henyu, muone kurwirwa kwenyu naJehovha, imi vaJudha naveJerusaremu; musatya kana kuvhunduswa; budai mangwana mundorwa navo, nokuti Jehovha anemi.’ ”
2 Makoronike 20:12-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nhai Mwari wedu mucharega here kuvaranga? Nokuti isu simba rokumirisana negurusvusvu revanhu riri kuuya kuzotirwisa hatina. Chokuita hatichaziva, chedu isu kwava kungotarisira kwamuri.” Izvozvo vanhu vokwaJudha vose vakanga vamire mberi kwaTenzi nepwere dzavo namadzimai avo navana vavo. Mweya waTenzi wakauya pana Johazieri mwanakomana waZekariya, Zekariya aberekwa naBhenaya, Bhenaya mwanakomana waJeieri, Jeieri aberekwa nomurevhi Mataniya mumwe wavana vokwaAsafu ari mukati megungano ravanhu. Akati, “Teererai munzwe, imi mose vaJudha nemi vagari vomuJerusaremu nemi mambo Jehoshafati! Tenzi ari kuti kwamuri musatye henyu, musapazamiswe musoro negurusvusvu revanhu racho nokuti hamusirimi mucharwisa, asi kuti Mwari ndiye acharwisa. Mangwana dzikai mundovarwisa. Izvozvo vachakuvingai nokumukwidza weZizi. Muchavawana vava kwakaperera bani racho, kumabvazuva kwerenje reJerueri. Zvokurwa, hamutomborwa zvenyu ipapa. Chenyu imi kurongana mongomira zvenyu muone kukurira kwaTenzi achiitiremi, iwe Judha newe Jerusaremu. Musatye, musapazamiswe musoro nazvo. Mangwana chaiwo vabudirei, Tenzi achava nemi.”
2 Makoronike 20:12-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Haiwa, Mŋari weɗu, hamuŋgaʋatoŋgi here? Nokuti hatinesimba rokurwa naʋazhinji aʋa ʋanoʋuya kuzorwa nesu; hatiziʋi catiŋgaita, asi meso eɗu akatarira kwamuri. Ipapo ʋaJuda ʋose ʋakamira pamberi paJehova, pamŋe cete nepxere dzaʋo, naʋakadzi ʋaʋo, naʋana ʋaʋo. Mŋeya waJehova ukaʋuya pamsoro paJahazieri, mŋanakomana waZekaria, mŋanakomana waBenaya, mŋanakomana waJeieri, mŋanakomana waMatanya, muRevi, waʋanakomana ʋaAsafi, pakati peʋuŋgano; iye akati: Tererai, imi ʋaJuda mose, nemi mugere paJerusarema, nemi mambo Jehoshafati; ɀanzi naJehova kwamuri: Musatya, kana kuvunduka nokuɗa kwaʋanhu aʋa ʋazhinji; nokuti kurwa hakuzi kwenyu, asi ndokwaMŋari. Ƃurukai maŋgwana mundorwa naʋo; tarirai ʋanokwira napamukwidza weZizi; mucaʋawana pakuguma kwomupata, pamberi perenje reJerueri. Imi hamuŋgafaniri henyu kurwa’po; ɀigadzirei’po, murambe mumire henyu, muʋone kurwirwa kwenyu naJehova, imi ʋaJuda naʋeJerusarema; musatya kana kuvunduswa; ɓuɗai maŋgwana mundorwa naʋo, nokuti Jehova unemi.
2 Makoronike 20:12-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)