Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Makoronike 20:1-30

2 Makoronike 20:1-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Shure kwaizvozvi vaMoabhu navaAmoni navamwe vaMeuni vakauya kuzorwa naJehoshafati. Vamwe varume vakauya vakaudza Jehoshafati kuti, “Hondo huru kwazvo iri kuuya kuzokurwisai kubva kuEdhomu, vachibva mhiri kweGungwa. Yatova muHazazoni Tamari (zvichireva Eni Gedhi).” Achitya, Jehoshafati akafunga kundobvunza Jehovha, akadaidzira kuti Judha yose itsanye. Vanhu veJudha vakaungana pamwe chete kuti vatsvage rubatsiro kubva kuna Jehovha. Zvirokwazvo, vakabva mumaguta ose eJudha kuzomutsvaka. Ipapo Jehoshafati akamira muungano yeJudha neJerusarema patemberi yaJehovha pamberi pechivanze chitsva, uye akati: “Haiwa Jehovha, Mwari wamadzibaba edu, hamusimi here Mwari wokudenga? Munotonga umambo hwose huri panyika. Simba noukuru zviri muruoko rwenyu. Uye hapana angagona kukukundai. Haiwa Mwari wedu, hamuna here kudzinga vagari venyika ino pamberi pavanhu venyu Israeri mukaipa zvachose kuvana vaAbhurahama, shamwari yenyu? Vakararama mairi, uye vakavakira mairi imba yeZita renyu vachiti, ‘Kana dambudziko rikatiwira, ringava pfumo rokutonga kana denda, kana nzara, tichamira muuvepo hwenyu pamberi petemberi ine Zita renyu, uye tichachema kwamuri mukutambudzika kwedu uye imi muchatinzwa mugotinunura.’ “Asi zvino ava varume vabva kuAmoni, Moabhu neGomo reSeiri vane nyika yamusina kutendera Israeri kuti itore payakabva kuIjipiti. Saka vakavarega uye vakasavaparadza. Onai kuti vava kutiripa sei nokuuya kwavo kuzotidzinga munyika yamakatipa senhaka. Haiwa Mwari wedu, hamungavatongi here? Nokuti isu hatina simba rokutonga hondo huru yakadai iri kuuya kuzotirwisa. Hatizivi kuti tingaita sei, asi meso edu akatarisa kwamuri.” Varume vose veJudha, navakadzi vavo navana vadiki, vakamira pamberi paJehovha. Ipapo mweya waMwari wakauya pana Jahazieri mwanakomana waZekaria, mwanakomana waBhenaya, mwanakomana waJeyeri, mwanakomana waMatania muRevhi uye chizvarwa chorudzi rwaAsafi, paakanga akamira muungano. Akati, “Teererai, Mambo Jehoshafati navose vanogara muJudha neJerusarema! Zvanzi naJehovha kwamuri, ‘Musatya kana kuora mwoyo nokuda kwehondo iyi huru, nokuti kurwa uku hakusi kwenyu, asi ndokwaMwari. Mangwana dzikai mundovarwisa. Vachange vachikwidza nomuMupata weZizi uye muchavawana kumagumo omupata muGwenga reJerueri. Hamusi kuzorwa hondo iyi. Torai nzvimbo dzenyu; mumire makasimba mugoona kununurwa kwamuchapiwa naJehovha, imi Judha neJerusarema. Musatya; musaora mwoyo, endai mundovarwisa mangwana, uye Jehovha achava nemi.’ ” Jehoshafati akakotamisa chiso chake pasi uye vanhu vose veJudha neJerusarema vakawira pasi vachinamata pamberi paJehovha. Ipapo vamwe vaRevhi kubva kuvaKohati navaKorahi vakasimuka vakarumbidza Jehovha, Mwari waIsraeri nenzwi guru kwazvo. Mangwanani-ngwanani vakaenda kuGwenga reTekoa. Vava kuenda, Jehoshafati akasimuka akati, “Teererai kwandiri, Judha navanhu veJerusarema! Tendai Jehovha Mwari wenyu ipapo muchasimbiswa; tendai vaprofita vake ipapo muchabudirira.” Shure kwokunge abvunzana navanhu, Jehoshafati akagadza varume kuti vaimbire Jehovha uye vamurumbidze nokuda kwokunaka kwoutsvene hwake pavaifamba vari mberi kwehondo, vachiti: “Vongai Jehovha, nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.” Pavakatanga kuimba vachirumbidza, Jehovha akaisa vavandiri kuti varwise varume veAmoni neMoabhu neveGomo reSeiri vaiuya kuzorwisa Judha, uye vakakundwa. Varume veAmoni neMoabhu vakasimuka vakarwisa varume vaibva kuGomo reSeiri kuti vavaparadze zvachose. Vapedza kuuraya varume veSeiri vakaurayana pachavo. Varume veJudha pavakasvika panzvimbo yakatarisana nerenje vakatarisa kwakanga kwaimbova nehondo huru vakangoona mitumbi yavanhu vakafa yakati rakata; hapana akapunyuka. Saka Jehoshafati navanhu vake vakaenda kundotakura pfuma yavakanga vapamba, uye vakawana pakati pezvinhu izvi nhumbi dzakawanda nezvipfeko nemidziyo inokosha, yakawanda kupfuura zvavaikwanisa kutakura. Paiva nezvakapambwa zvakawanda kwazvo zvokuti vakapedza mazuva matatu vachingotakura. Pazuva rechina vakaungana muMupata weBheraka pavakarumbidza Jehovha. Ndokusaka uchiri kunzi Mupata weBheraka kusvikira nhasi. Ipapo vachitungamirirwa naJehoshafati, varume vose veJudha neJerusarema vakadzoka nomufaro kuJerusarema, nokuti Jehovha akanga avapa chikonzero chokufara pamusoro pavavengi vavo. Vakapinda muJerusarema vakaenda kutemberi yaJehovha nembira nemitengeranwa nehwamanda. Kutya Mwari kwakauya pamadzimambo ose nenyika pavakanzwa kuti Jehovha akanga arwisa sei vavengi veIsraeri. Uye nyika yaJehoshafati yakava norunyararo, nokuti Mwari wake akanga amupa zororo kumativi ose.

2 Makoronike 20:1-30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Shure kwaizvozvo vana vaMoabhu, navana vaAmoni, navamwe vavaAmoni pamwechete navo, vakasvika kuzorwa naJehoshafati. Ipapo vamwe vakasvika, vakaudza Jehoshafati, vachiti, “Vanhu vazhinji vanouya, vachibva Siria mhiri kwegungwa, kuzorwa nemi; tarirai, vari paHazazonitamari,” (ndiro Enigedi). Ipapo Jehoshafati akatya, akashingaira kundobvunza Jehovha; akatara zuva rokuzvinyima zvokudya panyika yose yavaJudha. VaJudha vakaungana kuzotsvaka rubatsiro kuna Jehovha; vakabva kumaguta ose aJudha kuzotsvaka Jehovha. Jehoshafati akasimuka paungano yavaJudha navanhu veJerusaremu, mumba maJehovha, pamberi poruvazhe rutsva; akati, “Haiwa, Jehovha Mwari wamadzibaba edu, imi hamuzi Mwari ari kudenga here? Imi hamuzi mubati woushe hwose hwendudzi here? Paruoko rwenyu pane simba noushe, naizvozvo hapano munhu angakudzivisai. “Imi Mwari wedu, hamuna kudzinga here vaigara panyika ino pamberi pavanhu venyu vaIsiraeri, mukaipa vana vaAbhurahamu shamwari yenyu nokusingaperi? Vakagaramo, vakakuvakiraimo imba tsvene yezita renyu, vachiti, ‘Kana tikawirwa nezvakaipa, kana munondo wokutonga, kana denda, kana nzara, tichamira pamberi peimba ino napamberi penyu, (nokuti zita renyu riri muimba ino), tigochema kwamuri tiri pakutambudzika kwedu; ipapo muchatinzwa nokutirwira.’ “Zvino tarirai vana vaAmoni navaMoabhu navapagomo reSeiri, vamusina kutendera vaIsiraeri kupinda pakati pavo nguva yavakabva panyika yeIjipiti, asi vakavarega, vakasavaparadza; tarirai votitsiva, vachiuya kuzotidzinga panyika yenyu, yamakatipa ive nhaka yedu. “Haiwa, Mwari wedu, hamungavatongi here? Nokuti hatine simba rokurwa navazhinji ava vanouya kuzorwa nesu; hatizivi chatingaita, asi meso edu akatarira kwamuri.” Ipapo vaJudha vose vakamira pamberi paJehovha, pamwechete nepwere dzavo, navakadzi vavo, navana vavo. Mweya waJehovha ukauya pamusoro paJahazieri, mwanakomana waZekariya, mwanakomana waBhenaya, mwanakomana waJeieri, mwanakomana waMatanya, muRevhi, wavanakomana vaAsafi, pakati peungano; iye akati, “Tererai, imi vaJudha mose, nemi mugere paJerusaremu, nemi mambo Jehoshafati; zvanzi naJehovha kwamuri, ‘Musatya, kana kuvhunduka nokuda kwavanhu ava vazhinji; nokuti kurwa hakuzi kwenyu, asi ndokwaMwari. Burukai mangwana mundorwa navo; tarirai vanokwira napamukwidza weZizi; muchavawana pakuguma kwomupata, pamberi perenje reJerueri. Imi hamungafaniri henyu kurwapo; zvigadzireipo, murambe mumire henyu, muone kurwirwa kwenyu naJehovha, imi vaJudha naveJerusaremu; musatya kana kuvhunduswa; budai mangwana mundorwa navo, nokuti Jehovha anemi.’ ” Ipapo Jehoshafati akakotamisa musoro wake, chiso chakatarira pasi; vaJudha vose navakanga vagere Jerusaremu vakawira pasi pamberi paJehovha, vakanamata Jehovha. NavaRevhi vavana vavaKohati, navana vavaKora, vakasimuka vakarumbidza Jehovha Mwari waIsiraeri nezwi guru kwazvo. Vakamuka mangwanani, ndokubudira kurenje reTekoa; zvino vakati vachibuda, Jehoshafati akamira, akati, “Chindinzwai imi vaJudha nemi mugere Jerusaremu; tendai Jehovha Mwari wenyu, mugosimbiswa; tendai vaporofita vake, mugokunda.” Zvino akati arangana navanhu, akagadza vaifanira kuimbira Jehovha, nokumurumbidza nenguo tsvene, vakafamba pamberi pehondo, achiti, “Vongai Jehovha, nokuti nyasha dzake hadziperi.” Zvino vakati vachitanga kuimba nokurumbidza, Jehovha akaisa vavandiri kuzorwa navana vaAmoni, navaMoabhu, navapagomo reSeiri, ivo vakanga vauya kuzorwa navaJudha; vakakundwa. Nokuti vana vaAmoni navaMoabhu vakamukira vakanga vagere pagomo reSeiri kuti vavauraye nokuvaparadza chose; zvino vakati vapedza avo vakanga vagere paSeiri, mumwe nomumwe ndokubatsira pakuurayana. Zvino vaJudha vakati vachisvika kurusvingo rwenharirire rwokurenje, vakatarira vanhu vazhinji, ndokuona zvavazvitunha zvawira pasi, kwakanga kusina akapukunyuka. Zvino Jehoshafati navanhu vake vakati vachisvika kuzotora zvavakanga vapamba, vakawana pakati pavo pfuma zhinji, nezvipfeko, nezvinhu zvinokosha, vakazvitorera izvo, asi vakakoniwa kuzvitakura zvose nokuwanda kwazvo; vakaita mazuva matatu vachitora mhambara, nokuda kwokuwanda kwazvo. Zvino pazuva rechina vakaungana pamupata weBheraka; nokuti vakandokudza Jehovha ipapo; naizvozvo zita renzvimbo iyo rakatumidzwa Mupata weBheraka kusvikira zuva ranhasi. Ipapo vanhu vose vaJudha naveJerusaremu vakadzoka, Jehoshafati akavatungamirira, vakadzokera Jerusaremu nomufaro; nokuti Jehovha akanga avafadza pamusoro pavavengi vavo. Vakasvika Jerusaremu nemitengerangwa, nembira, nehwamanda, kusvikira paimba yaJehovha. Ipapo ushe hwose hwenyika iyo hwakatya Mwari kwazvo, pakunzwa kwavo kuti Jehovha akarwa navavengi vaIsiraeri. Zvino ushe hwaJehoshafati hwakava norugare; nokuti Mwari wake akamuzorodza pamativi ose.

2 Makoronike 20:1-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mushure maizvozvi, vaMoabhu navaAmoni vaine vamwe vechiMeuni vakauya kuzorwisa Jehoshafati. Kwakauya vanhu kuna Jehoshafati vakamuudza kuti, “Kuri kuuya gurusvusvu ravanhu uku kuzokurwisai richibva kumhiri kwegungwa, richibva kuEdhomu. Kutaura kuno vatova kuHazazonitamari” (ndiko kunonzi kuEngedhi). Jehoshafati akapindwa nokutya akazvipira kutsvaka Tenzi, akatumira chirevo chokuti vanhu vatsanye munyika yose yaJudha. VokwaJudha vakaunganidzana kutsvaka kubatsirwa naTenzi. Vakakotonoka mumaguta ose okwaJudha kuzotsvaka kubatsirwa naTenzi. Jehoshafati akamira mugungano revokwaJudha novemuJerusaremu, mumba yaTenzi paruvanze rutsva ruya, akati, “Tenzi, Mwari wamadzibaba edu, imi hamusirimi Mwari here mudenga'mu? Inga wani umambo hwose hwamarudzi avanhu huri mumaoko enyu. Uyewo ukuru nesimba zviri mumaoko enyu, zvokuti hapana angamirisane nemi. Imi Mwari wedu hamusirimi here makadzingira kunze vanhu venyu vaIsiraeri vagari venyika ino mukaipa narini wose kuzvizvarwa zvaAbhurahamu shamwari yenyu. Mavakadai kugara vakatokuvakirai mairi nzvimbo inoera, nzvimbo ine zita renyu, vachiti kana dai kuri kuti tawirwa nenyatwa, ingave hondo iri shamhu yokuranga, kana denda, kana nzara, kana tikamira pamberi pemba ino, mberi kwenyu, pamusana pokuti zita renyu riri pamba iyoyi tikachema kwamuri tiri munhamo dzedu, imi muchateerera motiponesa. “Chionaiwo zvino, vanhu vokuAmnoni nevokuMoabhu nezvokugomo reSeiri vaya vane nyika dzamakarambidza kupinda pavakabuda kunyika yeIjipiti vaye vavakanyenyeredza vakarega kuvaparadza. Hezvi vauya kuzotitsiva nokutiburitsa munhaka yenyu yamakatipa kuti tigare. Nhai Mwari wedu mucharega here kuvaranga? Nokuti isu simba rokumirisana negurusvusvu revanhu riri kuuya kuzotirwisa hatina. Chokuita hatichaziva, chedu isu kwava kungotarisira kwamuri.” Izvozvo vanhu vokwaJudha vose vakanga vamire mberi kwaTenzi nepwere dzavo namadzimai avo navana vavo. Mweya waTenzi wakauya pana Johazieri mwanakomana waZekariya, Zekariya aberekwa naBhenaya, Bhenaya mwanakomana waJeieri, Jeieri aberekwa nomurevhi Mataniya mumwe wavana vokwaAsafu ari mukati megungano ravanhu. Akati, “Teererai munzwe, imi mose vaJudha nemi vagari vomuJerusaremu nemi mambo Jehoshafati! Tenzi ari kuti kwamuri musatye henyu, musapazamiswe musoro negurusvusvu revanhu racho nokuti hamusirimi mucharwisa, asi kuti Mwari ndiye acharwisa. Mangwana dzikai mundovarwisa. Izvozvo vachakuvingai nokumukwidza weZizi. Muchavawana vava kwakaperera bani racho, kumabvazuva kwerenje reJerueri. Zvokurwa, hamutomborwa zvenyu ipapa. Chenyu imi kurongana mongomira zvenyu muone kukurira kwaTenzi achiitiremi, iwe Judha newe Jerusaremu. Musatye, musapazamiswe musoro nazvo. Mangwana chaiwo vabudirei, Tenzi achava nemi.” Jehoshafati ndokubva atsikitsira pasi nouso, Judha yose navagari vomuJerusaremu vakati pasi zvambarara mberi kwaTenzi. VaRevhi vemba yokwaKohati nevokwaKora vakasimuka vachirumbidza nezwi guru Tenzi, Mwari weIsiraeri. Vakamuka rungwanagwana vakaenda kurenje reTekoa. Pavakanga vava kuenda Jehoshafati akasimuka akati, “Judha we-e newe mugari womuJerusaremu imbonditeerai munzwe! Vimbai naTenzi, Mwari wenyu, achaita kuti mugadzikane. Vimbai navaporofita vake zvikufambirei zvakanaka.” Kuzoti apedza kubvunza mazano kuvanhu, akasarudza vokuimbira Tenzi nokumurumbidza vakapfeka hanzu dzinoera vari mberi kwehondo vachiti, “Tendai Tenzi uye nokuti mwoyochena wake hauperi.” Pavakatanga kuimba nokurumbidza, Tenzi akaisa vokuhwandira vaAmoni navaMoabhu nevokuGomo reSeiri vakanga vauya kuzorwisa vokwaJudha ndokubva vakurirwa. Chakaitika ndechokuti, vechiAmoni nevechiMoabhu vakamukira vagari vokuGomo reSeiri vakavatsvaira. Pavakapedza kuuraya vagari vokuSeiri ava, vose vakatobatsira nokuurayana. VokwaJudha pavakasvika pokuongorora vari panharire yomurenje vakatarisa kugurusvusvu ravanhu riya onei wangova murakatira wezvitunha pasi pasina nomumwechete akanga apunyuka. Pakaenda Jehoshafati navanhu vake kundotora zvinhu zvokupamba kwavari, vakasvikowana kuna matanga namatanga emombe nemidziyo nehanzu nezvinhu zvinokosha kwazvo zvavakatora zvavo kuita zvavo, kusvikira pokuti kutakura zvimwe vakanga vasisagoni. Vakaita mazuva matatu ese vachitora zvavo zvinhu zvokupamba, zvakanga zvakawanda. Pazuva rechina vakaungana muBani rokurumbidza nokuti imomo ndomavakarumbidza Tenzi ndokusaka pakatumidzwa zita rokuti Bani rokurumbidza kusvikira pari nhasi. Vakazodzoka, munhu wose zvake wokwaJudha nowomuJerusaremu, izvozvo Jehoshafati achivatungamirira vachidzokera Jerusaremu, vasingagone nokufara nokuti Tenzi akanga aita kuti vafarire zvakanga zvaitwa vavengi vake. Vakasvika kuJerusaremu kumba yaTenzi madimbwa achiridzwa, zvipendani zvichidandaura, iwo mabhosvo achirira. Umambo hwenyika dzose hwakabatwa nokutya Mwari, pavakanga vanzwa kuti uku Tenzi akarwisa vavengi veIsiraeri. Nokudaro umambo hwaJehoshafati hwakava norunyararo nokuti Mwari wake akamupa runyararo kumativi ose.

2 Makoronike 20:1-30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Shure kwaiɀoɀo ʋana ʋaMoabi, naʋana ʋaAmoni, naʋamŋe ʋaʋaAmoni pamŋe cete naʋo, ʋakaȿika kuzorwa naJehoshafati. Ipapo ʋamŋe ʋakaȿika, ʋakaʋudza Jehoshafati, ʋaciti: Ʋanhu ʋazhinji ʋanoʋuya, ʋacibva Siria mhiri kweguŋgwa, kuzorwa nemi; tarirai, ʋari paHazazoni‐tamari (ndiro Enigedi). Ipapo Jehoshafati akatya, akashiŋgaira kundobvunza Jehova; akatara zuʋa rokuɀinyima ɀokudya panyika yose yaʋaJuda. ƲaJuda ʋakaʋuŋgana kuzotȿaka ɓetsero kunaJehova; ʋakabva kumaguta ose aJuda kuzotȿaka Jehova. Jehoshafati akasimuka paʋuŋgano yaʋaJuda naʋanhu ʋeJerusarema, mumba maJehova, pamberi poruʋazhe rutȿa; akati: Haiwa, Jehova Mŋari wamadziɓaɓa eɗu, imi hamuzi Mŋari uri kuɗeŋga here? Imi hamuzi muɓati woʋushe bgose bgendudzi here? Paruʋoko rwenyu panesimba noʋushe, naiɀoɀo hapanomunhu uŋgakudziʋisai. Imi Mŋari weɗu, hamuna‐kudziŋga here ʋaigara panyika ino pamberi paʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, mukaipa ʋana ʋaAbrahama shamŋari yenyu nokusiŋgaperi? Ʋakagara’mo, ʋakakuʋakirai’mo imba tȿene yezita renyu, ʋaciti: Kana tikawirwa neɀakaipa, kana munondo wokutoŋga, kana ɗenda, kana nzara, ticamira pamberi peimba ino napamberi penyu, (nokuti zita renyu riri muimba ino), tigocema kwamuri tiri pakutambudzika kweɗu; ipapo mucatinzwa nokutirwira. Ɀino tarirai ʋana ʋaAmoni naʋaMoabi naʋapagomo reSeiri, ʋamusina‐kutendera ʋaIsraeri kupinda pakati paʋo ŋguʋa yaʋakabva panyika yeEgipita, asi ʋakaʋarega, ʋakasaʋaparadza; tarirai ʋotitsiʋa, ʋaciʋuya kuzotidziŋga panyika yenyu, yamakatipa iʋe nhaka yeɗu. Haiwa, Mŋari weɗu, hamuŋgaʋatoŋgi here? Nokuti hatinesimba rokurwa naʋazhinji aʋa ʋanoʋuya kuzorwa nesu; hatiziʋi catiŋgaita, asi meso eɗu akatarira kwamuri. Ipapo ʋaJuda ʋose ʋakamira pamberi paJehova, pamŋe cete nepxere dzaʋo, naʋakadzi ʋaʋo, naʋana ʋaʋo. Mŋeya waJehova ukaʋuya pamsoro paJahazieri, mŋanakomana waZekaria, mŋanakomana waBenaya, mŋanakomana waJeieri, mŋanakomana waMatanya, muRevi, waʋanakomana ʋaAsafi, pakati peʋuŋgano; iye akati: Tererai, imi ʋaJuda mose, nemi mugere paJerusarema, nemi mambo Jehoshafati; ɀanzi naJehova kwamuri: Musatya, kana kuvunduka nokuɗa kwaʋanhu aʋa ʋazhinji; nokuti kurwa hakuzi kwenyu, asi ndokwaMŋari. Ƃurukai maŋgwana mundorwa naʋo; tarirai ʋanokwira napamukwidza weZizi; mucaʋawana pakuguma kwomupata, pamberi perenje reJerueri. Imi hamuŋgafaniri henyu kurwa’po; ɀigadzirei’po, murambe mumire henyu, muʋone kurwirwa kwenyu naJehova, imi ʋaJuda naʋeJerusarema; musatya kana kuvunduswa; ɓuɗai maŋgwana mundorwa naʋo, nokuti Jehova unemi. Ipapo Jehoshafati akakotamisa musoro wake, ciso cakatarira pasi; ʋaJuda ʋose naʋakaŋga ʋagere Jerusarema ʋakawira pasi pamberi paJehova, ʋakanamata Jehova. NaʋaRevi ʋaʋana ʋaʋaKohati, naʋana ʋaʋaKora, ʋakasimuka ʋakarumbidza Jehova Mŋari waIsraeri nenzwi guru kwaɀo. Ʋakamuka maŋgwanani, ndokuɓuɗira kurenje reTekoa; ɀino ʋakati ʋaciɓuɗa, Jehoshafati akamira, akati: Cindinzwai imi ʋaJuda nemi mugere Jerusarema; tendai Jehova Mŋari wenyu, mugosimbiswa; tendai ʋaprofita ʋake, mugokunda. Ɀino wakati araŋgana naʋanhu, akagadza ʋaifanira kuimbira Jehova, nokumurumbidza neŋguʋo tȿene, ʋakafamba pamberi pehondo, ʋaciti: Ʋoŋgai Jehova, nokuti nyasha dzake hadziperi. Ɀino ʋakati ʋacitaŋga kuimba nokurumbidza, Jehova akaisa ʋaʋandiri kuzorwa naʋana ʋaAmoni, naʋaMoabi, naʋapagomo reSeiri, iʋo ʋakaŋga ʋaʋuya kuzorwa naʋaJuda; ʋakakundwa. Nokuti ʋana ʋaAmoni naʋaMoabi ʋakamukira ʋakaŋga ʋagere pagomo reSeiri kuti ʋaʋaʋuraye nokuʋaparadza cose; ɀino ʋakati ʋapedza aʋo ʋakaŋga ʋagere paSeiri, mumŋe nomumŋe ndokuɓatsira pakuʋurayana. Ɀino ʋaJuda ʋakati ʋaciȿika kuruȿiŋgo rwenharirire rwokurenje, ʋakatarira ʋanhu ʋazhinji, ndokuʋona ɀaʋaɀitunha ɀawira pasi, kwakaŋga kusina‐wakapukunyuka. Ɀino Jehoshafati naʋanhu ʋake ʋakati ʋaciȿika kuzotora ɀaʋaŋgapamba, ʋakawana pakati paʋo fuma zhinji, neɀisimiro, neɀinhu ɀinokosha, ʋakaɀitorera iɀo, asi ʋakakoniwa kuɀitakura ɀose nokuwanda kwaɀo; ʋakaita mazuʋa matatu ʋacitora mhambara, nokuɗa kwokuwanda kwaɀo. Ɀino pazuʋa recinna ʋakaʋuŋgana pamupata weBeraka; nokuti ʋakandokudza Jehova ipapo; naiɀoɀo zita renɀimbo iyo rakatumidzwa Mupata weBeraka kuȿikira zuʋa ranhasi. Ipapo ʋanhu ʋose ʋaJuda naʋeJerusarema ʋakadzoka, Jehoshafati akaʋatuŋgamirira, ʋakadzokera Jerusarema nomufaro; nokuti Jehova wakaŋga aʋafadza pamsoro paʋaʋeŋgi ʋaʋo. Ʋakaȿika Jerusarema nemiteŋgeranwa, nembira, nehwamanda, kuȿikira paimba yaJehova. Ipapo ʋushe bgose bgenyika iyo bgakatya Mŋari kwaɀo, pakunzwa kwaʋo kuti Jehova wakarwa naʋaʋeŋgi ʋaIsraeri. Ɀino ʋushe bgaJehoshafati bgakaʋa norugare; nokuti Mŋari wake wakamuzorodza pamatiʋi ose.

2 Makoronike 20:1-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)