1 Timoti 4:6-16
1 Timoti 4:6-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kana ukadzidzisa hama zvinhu izvi, uchava mushumiri akanaka waKristu Jesu, akarerwa muzvokwadi yokutenda uye nedzidziso yakanaka yawakatevera. Siyana nengano dzisina umwari uye nengano dzechembere; asi uzvirovedzere paumwari. Nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma hako asi umwari hunokosha pazvinhu zvose, hune vimbiso kune zvose muupenyu huno uye nomuupenyu hunouya. Iri ishoko rechokwadi rinofanira kutendwa zvizere uye nokuda kwaizvozvi tinoshingaira nokurwa, nokuti takaisa tariro yedu muna Mwari mupenyu, anova ndiye muponesi wavanhu vose uye zvikuru sei vaya vanotenda. Rayira uye udzidzise zvinhu izvi. Ngakurege kuva nomunhu anokuzvidza nokuda kwouduku hwako, asi uve muenzaniso kuvatendi mukutaura, muupenyu, murudo, mukutenda uye napakuchena kwomwoyo. Kusvikira ndauya, shingaira pakuverenga Rugwaro kukereke, kuparidza nokudzidzisa. Usarega kushandisa chipo chako, chakapiwa kwauri kubudikidza neshoko rechiprofita pawakaiswa maoko pamusoro navakuru. Shingaira pazvinhu izvi, uzviite nomwoyo wako wose, kuitira kuti munhu wose aone kupfuurira mberi kwako. Uzvichengete kwazvo iwe nedzidziso yako. Utsungirire pazviri, nokuti kana ukazviita, uchazviponesa iwe navanokunzwa.
1 Timoti 4:6-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kana uchiudzira hama zvinhu izvi, uchava mushumiri akanaka waKristu Jesu, wakarerwa namashoko okutenda needzidziso yakanaka, yawakatevera nomwoyo wose. Asi urambe ngano dzisina hanya naMwari nedzechembere. Uzvirovedze kunamata Mwari. Nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma hazvo, asi kunamata Mwari kunobatsira pazvinhu zvose, zvakune chipikirwa choupenyu hwazvino nohunouya. Ishoko rachokwadi, rinofanira kutendwa kwazvo. Nokuti ndizvo zvatinotambudzikira nokurwira, nokuti tariro yedu iri kuna Mwari mupenyu, Muponesi wavanhu vose, zvikuru wavanotenda. Rayira nokudzidzisa zvinhu izvi. Munhu ngaarege kuvapo anozvidza uduku hwako, asi uitire vanotenda makwara, pashoko napamufambiro, naparudo, napakutenda, napakuchena kwomwoyo. Shingaira pakurava, napakurayira, napakudzidzisa, kusvikira ndichiuya. Usarega kuchengeta chipiwa chiri mauri, chawakapiwa nokuporofita, nokuiswa maoko avakuru. Shingairira zvinhu izvi, uzviite nomwoyo wose, kuti kupfuurira mberi kwako kuonekwe navanhu vose. Uzvichengete iwe nedzidziso yako. Urambire pazvinhu izvi, nokuti kana uchiita izvozvi, uchazviponesa iwe navanokunzwa.
1 Timoti 4:6-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Izvi ukazvidzidzisa vehama unenge wava mushandi wakanaka waKristu Jesu akapiwa chokudya chamazwi echitendero norudzidziso rwakanaka rwawakatevera. Siyana nengano dzisina Mwari uye dzisina musoro. Zvidzidzise kuita zvina Mwari mukati. Kuzviswatudza muviri kune basawo asi kuzviswatudza kune zvaMwari kunobatsira nenzira dzose nokuti kunotsidzira mubayiro paupenyu hwapasi pano noupenyu hwokudenga. Iyi itsumo yakanaka uye inonyatsogamuchirika. Izvozvi ndizvo zvatinobindukira tichishingairira nokuti chitarisiro chedu chiri muna Mwari mupenyu, mununuri wavanhu vose zvikuru avo vanotenda. Unofanira kutaura uchidzidzisa zvinhu izvi. Ngaparege kuva nomunhu anokushora pamusana pokuti uri muduku asi iwe iva muenzaniso wakanaka kuna vatendi mukutaura nomuzviito nomurudo nomuchitendero nomuutsvene. Kusvikira ndauya, verengera vanhu Magwaro Matsvene uchiparidza uye uchidzidzisa. Usarege kuita hanya nechipo chaunacho chawakapiwa nezwi rechiporofita, dare ravakuru vakuru vesangano pavakaisa maoko avo pauri. Ita zvinhu izvi uzvipire mazviri kuti vose vaone kubudirira kwako. Zvichenjerere iwe pachako uchichenjererawo zvaunodzidzisa. Zvibatisise izvozvo nokuti nokuita izvozvo unozviponesa iwe pachako navanokunzwa.
1 Timoti 4:6-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana uciyeʋudzira hama ɀinhu iɀi, ucaʋa mushumiri wakanaka waKristu Jesu, wakarerwa namashoko okutenda needzidziso yakanaka, yawakateʋera nomŋoyo wose. Asi urambe ŋgano dzisinehanya naMŋari nedzecembere. Uɀiroʋedze kunamata Mŋari. Nokuti kuroʋedza muʋiri kunoɓatsira ɀishoma haɀo, asi kunamata Mŋari kunoɓatsira paɀinhu ɀose, ɀakunecipikirwa coʋupenyu bgaɀino nobgunoʋuya. Ishoko raɀokwaɗi, rinofanira kutendwa kwaɀo. Nokuti ndiɀo ɀatinotambudzikira nokurwira, nokuti tariro yeɗu iri kunaMŋari mupenyu, Muponesi waʋanhu ʋose, ɀikuru waʋanotenda. Raira nokudzidzisa ɀinhu iɀi. Munhu ŋgaarege kuʋa’po unoɀidza ʋuɗuku bgako, asi uitire ʋanotenda makwara, pashoko napamufambire, naparuɗo, napakutenda, napakucena kwomŋoyo. Shiŋgaira pakuraʋa, napakuraira, napakudzidzisa, kuȿikira ndiciʋuya. Usarega kuceŋgeta cipiwa ciri mauri, cawakapiwa nokuprofita, nokuiswa maʋoko aʋakuru. Shiŋgairira ɀinhu iɀi, uɀiite nomŋoyo wose, kuti kupfuʋurira mberi kwako kuʋonekwe naʋanhu ʋose. Uɀiceŋgete iwe nedzidziso yako. Urambire paɀinhu iɀi, nokuti kana uciita iɀoɀi, ucaɀiponesa iwe naʋanokunzwa.
1 Timoti 4:6-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)