1 Timoti 4:11-16
1 Timoti 4:11-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Rayira nokudzidzisa zvinhu izvi. Munhu ngaarege kuvapo anozvidza uduku hwako, asi uitire vanotenda makwara, pashoko napamufambiro, naparudo, napakutenda, napakuchena kwomwoyo. Shingaira pakurava, napakurayira, napakudzidzisa, kusvikira ndichiuya. Usarega kuchengeta chipiwa chiri mauri, chawakapiwa nokuporofita, nokuiswa maoko avakuru. Shingairira zvinhu izvi, uzviite nomwoyo wose, kuti kupfuurira mberi kwako kuonekwe navanhu vose. Uzvichengete iwe nedzidziso yako. Urambire pazvinhu izvi, nokuti kana uchiita izvozvi, uchazviponesa iwe navanokunzwa.
1 Timoti 4:11-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rayira uye udzidzise zvinhu izvi. Ngakurege kuva nomunhu anokuzvidza nokuda kwouduku hwako, asi uve muenzaniso kuvatendi mukutaura, muupenyu, murudo, mukutenda uye napakuchena kwomwoyo. Kusvikira ndauya, shingaira pakuverenga Rugwaro kukereke, kuparidza nokudzidzisa. Usarega kushandisa chipo chako, chakapiwa kwauri kubudikidza neshoko rechiprofita pawakaiswa maoko pamusoro navakuru. Shingaira pazvinhu izvi, uzviite nomwoyo wako wose, kuitira kuti munhu wose aone kupfuurira mberi kwako. Uzvichengete kwazvo iwe nedzidziso yako. Utsungirire pazviri, nokuti kana ukazviita, uchazviponesa iwe navanokunzwa.
1 Timoti 4:11-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Unofanira kutaura uchidzidzisa zvinhu izvi. Ngaparege kuva nomunhu anokushora pamusana pokuti uri muduku asi iwe iva muenzaniso wakanaka kuna vatendi mukutaura nomuzviito nomurudo nomuchitendero nomuutsvene. Kusvikira ndauya, verengera vanhu Magwaro Matsvene uchiparidza uye uchidzidzisa. Usarege kuita hanya nechipo chaunacho chawakapiwa nezwi rechiporofita, dare ravakuru vakuru vesangano pavakaisa maoko avo pauri. Ita zvinhu izvi uzvipire mazviri kuti vose vaone kubudirira kwako. Zvichenjerere iwe pachako uchichenjererawo zvaunodzidzisa. Zvibatisise izvozvo nokuti nokuita izvozvo unozviponesa iwe pachako navanokunzwa.
1 Timoti 4:11-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Raira nokudzidzisa ɀinhu iɀi. Munhu ŋgaarege kuʋa’po unoɀidza ʋuɗuku bgako, asi uitire ʋanotenda makwara, pashoko napamufambire, naparuɗo, napakutenda, napakucena kwomŋoyo. Shiŋgaira pakuraʋa, napakuraira, napakudzidzisa, kuȿikira ndiciʋuya. Usarega kuceŋgeta cipiwa ciri mauri, cawakapiwa nokuprofita, nokuiswa maʋoko aʋakuru. Shiŋgairira ɀinhu iɀi, uɀiite nomŋoyo wose, kuti kupfuʋurira mberi kwako kuʋonekwe naʋanhu ʋose. Uɀiceŋgete iwe nedzidziso yako. Urambire paɀinhu iɀi, nokuti kana uciita iɀoɀi, ucaɀiponesa iwe naʋanokunzwa.
1 Timoti 4:11-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)