1 Timoti 4:10-13
1 Timoti 4:10-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
uye nokuda kwaizvozvi tinoshingaira nokurwa, nokuti takaisa tariro yedu muna Mwari mupenyu, anova ndiye muponesi wavanhu vose uye zvikuru sei vaya vanotenda. Rayira uye udzidzise zvinhu izvi. Ngakurege kuva nomunhu anokuzvidza nokuda kwouduku hwako, asi uve muenzaniso kuvatendi mukutaura, muupenyu, murudo, mukutenda uye napakuchena kwomwoyo. Kusvikira ndauya, shingaira pakuverenga Rugwaro kukereke, kuparidza nokudzidzisa.
1 Timoti 4:10-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti ndizvo zvatinotambudzikira nokurwira, nokuti tariro yedu iri kuna Mwari mupenyu, Muponesi wavanhu vose, zvikuru wavanotenda. Rayira nokudzidzisa zvinhu izvi. Munhu ngaarege kuvapo anozvidza uduku hwako, asi uitire vanotenda makwara, pashoko napamufambiro, naparudo, napakutenda, napakuchena kwomwoyo. Shingaira pakurava, napakurayira, napakudzidzisa, kusvikira ndichiuya.
1 Timoti 4:10-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Izvozvi ndizvo zvatinobindukira tichishingairira nokuti chitarisiro chedu chiri muna Mwari mupenyu, mununuri wavanhu vose zvikuru avo vanotenda. Unofanira kutaura uchidzidzisa zvinhu izvi. Ngaparege kuva nomunhu anokushora pamusana pokuti uri muduku asi iwe iva muenzaniso wakanaka kuna vatendi mukutaura nomuzviito nomurudo nomuchitendero nomuutsvene. Kusvikira ndauya, verengera vanhu Magwaro Matsvene uchiparidza uye uchidzidzisa.
1 Timoti 4:10-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ndiɀo ɀatinotambudzikira nokurwira, nokuti tariro yeɗu iri kunaMŋari mupenyu, Muponesi waʋanhu ʋose, ɀikuru waʋanotenda. Raira nokudzidzisa ɀinhu iɀi. Munhu ŋgaarege kuʋa’po unoɀidza ʋuɗuku bgako, asi uitire ʋanotenda makwara, pashoko napamufambire, naparuɗo, napakutenda, napakucena kwomŋoyo. Shiŋgaira pakuraʋa, napakuraira, napakudzidzisa, kuȿikira ndiciʋuya.
1 Timoti 4:10-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)