Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Timoti 3:1-16

1 Timoti 3:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Herino shoko rechokwadi: kana munhu achitsvaka basa romutariri, anoda basa rinokudzika. Zvino mutariri anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, anozvidzora, anokudzwa, anoitira vaeni rudo, anoziva kudzidzisa, asingadhakwi, asingarwi uye ano unyoro, asina gakava, asingakariri mari. Anofanira kubata imba yake zvakanaka nokuona kuti vana vake vanomuteerera uye vachimukudza zvakanaka. (Kana munhu asingazivi kubata imba yake zvakanaka, angachengeta seiko kereke yaMwari?) Asava mutendi mutsva, nokuti angazozvikudza akazotongwa zvimwe chetezvo sadhiabhori. Anofanirawo kupupurirwa zvakanaka navari kunze, kuitira kuti arege kuzvidzwa, uye agowira mumusungo wadhiabhori. Saizvozvowo, madhikoni ngavave vanhu vanokudzwa, vanorevesa, vasinganwi waini zhinji, uye vasingatsvaki pfuma yakaipa. Vanofanira kuchengetedza zvakadzikadzika zvokutenda nehana yakanaka. Vanofanira kutanga vaedzwa, uye kana pasina chavangapomerwa, ngavashumire samadhikoni. Nenzira imwe cheteyo, vakadzi vavo ngavave vanokudzwa, vasingacheri vamwe asi vanozvidzora, vakatendeka pazvinhu zvose. Mudhikoni anofanira kuva murume ano mukadzi mumwe chete uye anofanira kugona kubata vana vake nemba yake zvakanaka. Vaya vakashumira zvakanaka vanozviwanira zita rakanaka uye nokusimbiswa kukuru pakutenda kwavo muna Kristu Jesu. Kunyange zvazvo ndine tariro yokuuya kwauri nokukurumidza, ndinokunyorera dzidziso idzi kuitira kuti, kana ndikanonoka, uchaziva kuti vanhu vanofanira kuzvibata sei mumba maMwari, inova kereke yaMwari mupenyu, mbiru nenheyo yechokwadi. Pasina kana mubvunzo, chakavanzika choumwari chikuru kwazvo: Iye akaratidzwa panyama, akaruramiswa noMweya, akaonekwa navatumwa, akaparidzwa pakati pendudzi panyika vakatenda kwaari, akakwidzwa mukubwinya.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Timoti 3

1 Timoti 3:1-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Ishoko rechokwadi, rokuti, kana munhu achitsvaka basa romutariri, anoda basa rakanaka. Naizvozvo mutariri anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwechete, akangwara, akachenjera, anomugariro wakafanira, anoitira vaeni rudo, anoziva kudzidzisa, asingadi waini, asingarwi; asi munyoro, asina gakava, asingakariri mari; anobata imba yake zvakanaka, anavana vanozviisa pasi nomugariro wose unokudzwa; (kana munhu asingazivi kubata imba yake, angachengeta seiko kereke yaMwari?) Asava mutendi mutsva, kuti arege kuzozvikudza, atongwe saDhiabhori. Uyezve, unofanira kupupurirwa zvakanaka navari kunze, kuti arege kuzvidzwa, nokubatwa mumusungo waDhiabhorosi. Saizvozvowo vashumiri ngavave vanokudzwa, vasina mazwi maviri, vasingadi waini zhinji, vasingakariri pfuma yakaipa; vanochengeta zvakavanzika zvokutenda muhana yakanaka. Naivo ngavatange kuedzwawo, ipapo vashumire, kana vasina chavangapomerwa. Saizvozvo navakadzi ngavave vanokudzwa, vasingacheri vamwe, vakasvinuka, vakatendeka pazvose. Vashumiri ngavave varume vanomukadzi mumwechete, vanobata vana vavo nedzimba dzavo zvakanaka; nokuti avo vakushumira zvakanaka, vanozviwanira zita rinokudzwa, nokutsunga kukuru pakutenda kwavo muna Kristu Jesu. Zvinhu izvi zvose ndinokunyorera, ndichiti ndichakurumidza kuuya kwauri; zvino kana ndikanonoka, ndinoda kuti uzive kuti vanhu vanofanira kufamba sei mumba maMwari, iyo kereke yaMwari mupenyu, mbiru nechitsigiro chechokwadi. Hakuna angaramba kuti chakavanzika chokunamata chikuru kwazvo, chokuti: Iye akaratidzwa panyama, akaruramiswa pamweya, akaonekwa navatumwa, akaparidzwa pakati pavahedheni, akatendwa panyika, akakwidzwa mukubwinya.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Timoti 3

1 Timoti 3:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Shoko iri nderechokwadi rinoti kana munhu akavavarira kuva mubhishopi ari kuda basa rakakosha kwazvo. Mubhishopi haafaniri kuva nechaanoshorwa nacho. Anofanira kuva murume womukadzi mumwechete asiri muraradzi, munhu anonzwisisa ane chiremera anoziva kugamuchira vaenzi uye mudzidzisi kwaye; asi chidhakwa chomunhu kana munhu anoda zvokurwa asiri munhu ane mwoyo munyoro kwete munhu wenharo kana anokarira mari. Anofanira kuva munhu anofambisa mhuri yake zvakanaka ana vana vanoteerera, ano rukudzo muna zvose. Zviripo ndezvokuti kana munhu asingazivi kufambisa mhuri yake, angachengete sei sangano raMwari. Haafaniri kuva mutendi mutsva nokuti angadaro akazvitutumadza nokuzvikudza achizowana chirango chaDhiabhori. Uyewo anofanira kuva nezita rakanaka kune vokunze angadaro akafumurwa akapinda muriva raDhiabhori. Ndizvo zvimwechetezvo navaDhikoni, vanofanira kuva vanhu vakadzikama kwete tsukukuviri dzavanhu kana zviradza zvewaini kana vanhu vanokarira upfumi. Vanosungirwa kuchengetedza zvakavandika zvechitendero nehana yakachena uye ngavatange vaongororwawo. Kana vabudirira kuti havana chinoshoreka vangapinde zvavo mubasa roudhikoni. Vakadziwo ngavave vakatsiga vasina makuhwa vasiri zvidhakwa, vakatendeka muna zvose. Madhikoni anofanira kuva murume womukadzi mumwechete uye vanhu vanochengeta vana vavo nemhuri dzavo zvakanaka. Avo vanoita basa ravo zvakanaka samadhikoni vanozviwanira zita rakanaka uye chivimbo chikuru muchitendero chavo muna Kristu Jesu. Ndiri kukunyorera tsamba iyi ndichitarisira kuuya kwauri nokukurumidza. Asi kana ndikanonotswa, iwe unenge waziva kuti munhu anofanira kuzvibata sei mumhuri yaMwari, iro sangano raMwari mupenyu, musimboti nehwaro hwaicho chokwadi. Tinopupura kuti zvakavandika zvechitendero chedu zvikuru kwazvo zvokuti: akaonekwa akaratidzwa pachena aine muviri akapembedzwa naMweya akaonekwa navatumwa akaparidzwa kumarudzi akatendwa pasi pose akazokwira kudenga aine mbiri.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Timoti 3

1 Timoti 3:1-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ishoko raɀokwaɗi, rokuti, kana munhu acitȿaka ɓasa romutariri, unoɗa ɓasa rakanaka. Naiɀoɀo mutariri unofanira kuʋa munhu usina‐caaŋgapomerwa, murume womukadzi mumŋe cete, wakaŋgwara, wakacenjera, unomugarire wakafanira, unoitira ʋaeni ruɗo, unoziʋa kudzidzisa, usiŋgaɗi waini, usiŋgarwi; asi munyoro, usinegakaʋa, usiŋgakariri mari; unoɓata imba yake ɀakanaka, unaʋana ʋanoɀiisa pasi nomugarire wose unokudzwa; (kana munhu asiŋgaziʋi kuɓata imba yake, uŋgaceŋgeta seiko kereke yaMŋari?) Asaʋa mutendi mutȿa, kuti arege kuzoɀikudza, atoŋgwe saDiaborosi. Ʋuye ɀe, unofanira kupupurirwa ɀakanaka naʋari kunze, kuti arege kuɀidzwa, nokuɓatwa mumusuŋgo waDiaborosi. Saiɀoɀo ʋo ʋashumiri ŋgaʋaʋe ʋanokudzwa, ʋasinamanzwi maʋiri, ʋasiŋgaɗi waini zhinji, ʋasiŋgakariri fuma yakaipa; ʋanoceŋgeta ɀakaʋanzika ɀokutenda muhana yakanaka. Naiʋo ŋgaʋataŋge kuidzwa ʋo, ipapo ʋashumire, kana ʋasina‐caʋaŋgapomerwa. Saiɀoɀo naʋakadzi ŋgaʋaʋe ʋanokudzwa, ʋasiŋgaceri ʋamŋe, ʋakaȿinuka, ʋakatendeka paɀose. Ʋashumiri ŋgaʋaʋe ʋarume ʋanomukadzi mumŋe cete, ʋanoɓata ʋana ʋaʋo nedzimba dzaʋo ɀakanaka; nokuti aʋo ʋakashumira ɀakanaka, ʋanoɀiwanira zita rinokudzwa, nokutsuŋga kukuru pakutenda kwaʋo munaKristu Jesu. Ɀinhu iɀi ɀose ndinokunyorera, ndiciti ndicakurumidza kuʋuya kwauri; ɀino kana ndikanonoka, ndinoɗa kuti uziʋe kuti ʋanhu ʋanofanira kufamba sei mumba maMŋari, iyo kereke yaMŋari mupenyu, mbiru necitsigiro ceɀokwaɗi. Hakuna‐uŋgaramba kuti cakaʋanzika cokunamata cikuru kwaɀo, cokuti: Iye wakaratidzwa panyama, wakaruramiswa pamŋeya, wakaʋonekwa naʋatumŋa, wakaparidzwa pakati paʋahedeni, wakatendwa panyika, wakakwidzwa mukubginya.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Timoti 3

1 Timoti 3:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)