1 VaTesaronika 4:3-8
1 VaTesaronika 4:3-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kuda kwaMwari kuti muitwe vatsvene: kuti murege upombwe; kuti mumwe nomumwe wenyu adzidze kudzora muviri wake nenzira tsvene uye inokudzwa, asingaiti mukuchiva sezvinoitwa navahedheni, vasingazivi Mwari; uye kuti pane izvozvi parege kuva nomunhu anotadzira hama yake kana kumutorera chinhu. Ishe acharanga vanhu nokuda kwezvivi zvakadaro zvose, sezvatakakuudzai kare uye tikakuyambirai. Nokuti Mwari haana kutidanira kutsvina, asi kuti tirarame upenyu hutsvene. Naizvozvo, uyo anoramba kurayira uku haasi kuramba munhu asi Mwari, iye anokupai Mweya wake Mutsvene.
1 VaTesaronika 4:3-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti kuda kwaMwari ndihwo utsvene hwenyu, murege upombwe; kuti mumwe nomumwe wenyu azive kuzviwanira mudziyo wake noutsvene nokukudzwa, asingaiti nokukara kwokuchiva, savahedheni, vasingazivi Mwari; munhu ngaarege kuitira hama yake zvakaipa kana kumunyengera pachinhu ichi, nokuti Ishe ndiye mutsivi wezvinhu izvozvo zvose, sezvatakakuudzaiwo nokukupupurirai kwazvo. Nokuti Mwari haana kutidanira tsvina, asi utsvene. Naizvozvo anoramba izvozvo, haarambi munhu, asi Mwari, anokupai Mweya wake, iwo Mutsvene.
1 VaTesaronika 4:3-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Izvi ndizvo zvinoda Mwari zvokuti imi muve vatsvene musiane noupombwe. Mumwe nomumwe wenyu ngaazive kuchengeta muviri wake muutsvene nomukuuremekedza kwete nehavi dzomuviri dzoruchiva sezvinoita vechirudzi vasingazivi Mwari uye kuti panyaya iyoyi hapafaniri kuva nomunhu anonyengedza kana kukanganisira mumwe wake. Nokuti sezvatakambokuyambirai, Tenzi anotsividza mune zvose izvi, uye nokuti Mwari haana kutidaidzira zvetsvina izvi asi zvoutsvene. Naizvozvo munhu anoramba izvi haasi kuramba vanhu asi ari kuramba Mwari anopa Mweya Mutsvene wake kwamuri.
1 VaTesaronika 4:3-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti kuɗa kwaMŋari ndibgo ʋutȿene bgenyu, murege ʋupombge; kuti mumŋe nomumŋe wenyu aziʋe kuɀiwanira mudziyo wake noʋutȿene nokukudzwa, asiŋgaiti nokukara kwokuciʋa, saʋahedeni, ʋasiŋgaziʋi Mŋari; munhu ŋgaarege kuitira hama yake ɀakaipa kana kumunyeŋgera pacinhu ici, nokuti Ishe ndiye mutsiʋi weɀinhu iɀoɀo ɀose, seɀatakakuʋudzai ʋo nokukupupurirai kwaɀo. Nokuti Mŋari haana‐kutiɗanira tȿina, asi muʋutȿene. Naiɀoɀo unoramba iɀoɀo, haarambi munhu, asi Mŋari, unokupai Mŋeya wake, iwo Mutȿene.
1 VaTesaronika 4:3-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)