1 VaTesaronika 4:1-12
1 VaTesaronika 4:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pakupedzisira, hama, takakurayirai kuti munofanira kurarama sei kuitira kuti mugofadza Mwari, sezvamuri kurarama. Zvino tinokukumbirai uye tinokukurudzirai muna She Jesu kuti murambe muchiita izvi uye muchiwedzera. Nokuti munoziva zvatakakurayirai nesimba raIshe Jesu. Kuda kwaMwari kuti muitwe vatsvene: kuti murege upombwe; kuti mumwe nomumwe wenyu adzidze kudzora muviri wake nenzira tsvene uye inokudzwa, asingaiti mukuchiva sezvinoitwa navahedheni, vasingazivi Mwari; uye kuti pane izvozvi parege kuva nomunhu anotadzira hama yake kana kumutorera chinhu. Ishe acharanga vanhu nokuda kwezvivi zvakadaro zvose, sezvatakakuudzai kare uye tikakuyambirai. Nokuti Mwari haana kutidanira kutsvina, asi kuti tirarame upenyu hutsvene. Naizvozvo, uyo anoramba kurayira uku haasi kuramba munhu asi Mwari, iye anokupai Mweya wake Mutsvene. Zvino kana rwuri rudo kuhama, hatitsvaki kukunyorerai, nokuti imi pachenyu makadzidziswa naMwari kuti mudanane. Uyezve, munoda hama dzose muMasedhonia yose. Asi tinokukurudzirai, hama, kuti muite izvozvo uye muchiwedzera. Shingairirai kuti mugare upenyu hworunyararo, muchibata basa renyu namaoko enyu, sezvatakakuudzai, kuitira kuti upenyu hwamazuva ose huwane kukudzwa navari kunze uye kuitira kuti murege kusendamira kuno mumwe munhu.
1 VaTesaronika 4:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo pakupedzisira, hama dzangu, tinokumbira kwamuri, nokukurayirai muna Ishe Jesu, kuti, sezvamadzidza kwatiri mutoo wamunofanira kufamba nokufadza Mwari nawo, sezvamunofambawo, kuti muwanze nokunzwisisa panaizvozvo. Nokuti munoziva mirayiro yatakakupai naIshe Jesu. Nokuti kuda kwaMwari ndihwo utsvene hwenyu, murege upombwe; kuti mumwe nomumwe wenyu azive kuzviwanira mudziyo wake noutsvene nokukudzwa, asingaiti nokukara kwokuchiva, savahedheni, vasingazivi Mwari; munhu ngaarege kuitira hama yake zvakaipa kana kumunyengera pachinhu ichi, nokuti Ishe ndiye mutsivi wezvinhu izvozvo zvose, sezvatakakuudzaiwo nokukupupurirai kwazvo. Nokuti Mwari haana kutidanira tsvina, asi utsvene. Naizvozvo anoramba izvozvo, haarambi munhu, asi Mwari, anokupai Mweya wake, iwo Mutsvene. Zvino, kana ruri rudo pakati pehama, hamufaniri kuti munyorerwe, nokuti imi mumene makadzidziswa naMwari kuti mudane; nokuti ndizvo zvamunoitira hama dzose dzeMakedhonia yose, asi tinokurayirai, hama dzangu, kuti muwanze nokuwanzisisa panaizvozvi; shingairirai kuva norugare, mumwe nomumwe abate zvake, muchibata basa namaoko enyu, sezvatakakurairai; kuti mufambe nomutoo wakafanira kuna vari kunze, musingashayiwi chinhu.
1 VaTesaronika 4:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pokupedzisira hama dzangu, isu muna Tenzi Jesu tinokukumbirai tichikukurudzirai kuti sokudzidza kwamakaita kwatiri, mugariro wamunofanira kuita, mufadze Mwari, sezvamuri kungoita. Itai saizvozvo zviri zvakatowandisisa. Imi munoziva zvatakakutaurirai musimba raTenzi Jesu. Izvi ndizvo zvinoda Mwari zvokuti imi muve vatsvene musiane noupombwe. Mumwe nomumwe wenyu ngaazive kuchengeta muviri wake muutsvene nomukuuremekedza kwete nehavi dzomuviri dzoruchiva sezvinoita vechirudzi vasingazivi Mwari uye kuti panyaya iyoyi hapafaniri kuva nomunhu anonyengedza kana kukanganisira mumwe wake. Nokuti sezvatakambokuyambirai, Tenzi anotsividza mune zvose izvi, uye nokuti Mwari haana kutidaidzira zvetsvina izvi asi zvoutsvene. Naizvozvo munhu anoramba izvi haasi kuramba vanhu asi ari kuramba Mwari anopa Mweya Mutsvene wake kwamuri. Panyaya yorudo navamwe vanamati, hazvimboda kuti munhu akunyorerei, nokuti imi pachenyu makadzidziswa naMwari kudana. Ichokwadi kuti munoda vehama vose vari muMasedhonia yose asi chatinokukurudzirai, hama, kuita izvozvo zvakatowanda kwazvo uye kuvavarira kugara upenyu hwenyu chinyararire, muzive zvenyu, muchizvishandira namaoko enyu sokukuudzai kwatakaita kuti vokunze vakuremekedzei murege kupona nokubatsirwa navo.
1 VaTesaronika 4:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo pakupedzisira, hama dzaŋgu, tinokumbira kwamuri, nokukurairai munaShe Jesu, kuti, seɀamakadzidza kwatiri mutoʋo wamunofanira kufamba nokufadza Mŋari nawo, seɀamunofamba ʋo, kuti muwanze nokuwanzisisa panaiɀoɀo. Nokuti munoziʋa mirairo yatakakupai naShe Jesu. Nokuti kuɗa kwaMŋari ndibgo ʋutȿene bgenyu, murege ʋupombge; kuti mumŋe nomumŋe wenyu aziʋe kuɀiwanira mudziyo wake noʋutȿene nokukudzwa, asiŋgaiti nokukara kwokuciʋa, saʋahedeni, ʋasiŋgaziʋi Mŋari; munhu ŋgaarege kuitira hama yake ɀakaipa kana kumunyeŋgera pacinhu ici, nokuti Ishe ndiye mutsiʋi weɀinhu iɀoɀo ɀose, seɀatakakuʋudzai ʋo nokukupupurirai kwaɀo. Nokuti Mŋari haana‐kutiɗanira tȿina, asi muʋutȿene. Naiɀoɀo unoramba iɀoɀo, haarambi munhu, asi Mŋari, unokupai Mŋeya wake, iwo Mutȿene. Ɀino, kana ruri ruɗo pakati pehama, hamufaniri kuti munyorerwe, nokuti imi mumene makadzidziswa naMŋari kuti muɗane; nokuti ndiɀo ɀamunoitira hama dzose dzeMakedonia yose, asi tinokurairai, hama dzaŋgu, kuti muwanze nokuwanzisisa panaiɀoɀi; shiŋgairirai kuʋa norugare, mumŋe nomumŋe aɓate ɀake, muciɓate‐ɓasa namaʋoko enyu, seɀatakakurairai; kuti mufambe nomutoʋo wakafanira kunaʋari kunze, musiŋgashaiwi cinhu.
1 VaTesaronika 4:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)