1 VaTesaronika 3:1-7
1 VaTesaronika 3:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka patakanga tisingagoni kuramba takatsunga, takafunga kuti zvaiva nani kuti tisare toga paAtene. Takatuma Timoti, anova ndiye hama yedu nomushandi waMwari pamwe chete nesu pakuparadzira vhangeri raKristu, kuti akusimbisei nokukukurudzirai mukutenda kwenyu, kuti parege kuva nomunhu anozungunutswa nemiedzo iyi. Munozviziva chose kuti takanga takanangana nayo. Chokwadi ndechokuti, pataiva nemi, takaramba tichikuudzai kuti tichatambudzwa. Uye zvakabva zvaita saizvozvo, sezvamunoziva kwazvo. Nokuda kwaizvozvo, pandakanga ndisisagoni kutsunga, ndakatuma shoko kuti ndizive nezvokutenda kwenyu. Ndakatya kuti zvimwe muedzi angadaro akakuedzai uye kubata kwedu kukava pasina. Asi Timoti achangosvika kwatiri zvino achibva kwamuri uye akauya namashoko akanaka ezvokutenda kwenyu norudo rwenyu. Akatiudza kuti munogara muchifunga zvakanaka nezvedu uye kuti munoshuva kutiona, sezvatinoshuva nesuwo kukuonai. Naizvozvo, hama, mukusuwa kwedu kwose uye nokutambudzwa kwedu, takakurudzirwa pamusoro penyu nokuda kwokutenda kwenyu.
1 VaTesaronika 3:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Saka zvatakanga tisingagoni kutsunga, takati zvakanaka kuti tisiyiwe tiri toga paAteni; tikatuma Timoti, hama yedu, mushumiri waMwari paVhangeri yaKristu, kuti akusimbisei, nokukutsungisai mwoyo pakutenda kwenyu; kuti kurege kuva nomunhu anozununguswa nenhamo idzi, nokuti munoziva mumene kuti takagadzirirwa izvozvo. Nokuti tichiri kwamuri takambokuudzai kuti tichatambudzwa; sezvazvakaitika, nemi munoziva. Saka iniwo, zvandakanga ndisingachagoni kutsunga, ndakamutuma kuti ndizive kutenda kwenyu, ndichiti zvimwe muedzo wakakuedzai, izvo zvatakabata zvikava pasina. Asi zvino Timoti akati asvika kwatiri achangobva kwamuri, akatiudza mashoko akanaka okutenda kwenyu norudo rwenyu, uye kuti munongositifunga nomurangariro wakanaka, muchida kutiona isu sesuo tichida kukuonai imi; saka, hama dzangu, takanyaradzwa pamusoro penyu pakutambudzika kwedu kwose nenhamo nokutenda kwenyu
1 VaTesaronika 3:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Patakanga tisisakwanisi kutirira izvi takasarudza kusiiwa tiri toga kuAteni. Takatumira hama yedu Timoti muranda waMwari nomubatsiri wedu munezve Shoko Rakanaka raKristu kuzokusimbisai muchitendero chenyu uye kuzokukurudzirai. Uku kwakanga kuri kuti pasave nomumwe wenyu anodzokera shure nokuda kwamatambudziko iwaya. Imi pachenyu munoziva kuti iwoyu ndiwo mugove wedu nokuti patanga tinemi, takanga takuudzai kuti, tichazotambudzika sokuitikawo kwazvakazoita, sokuzivawo kwamunoita. Pamusana paizvozvi, pandakanga ndisisakwanisi kutirira, ndakatumira munhu kuti ndizive pamuri nechitendero chenyu ndichityira kuti zvimwe muedzi angadaro akakuedzai, basa redu rikashaya maturo. Zvino nokudzoka kwakaita Timoti achibva kwamuri akatiunzira dama rakanaka nezverudaviro rwenyu norudo rwenyu. Akatitaurira kuti imi munogara muchitifunga munezvakanaka nguva dzose uye kuti munokarira kutiona sokusuwirawo kwatinoita kukuonai. Nechikonzero ichochi, hama dzangu, munhamo namatambudziko edu, takanyaradzwa nechitendero chenyu.
1 VaTesaronika 3:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Saka ɀatakaŋga tisiŋgagoni kutsuŋga, takati ɀakanaka kuti tisiyiwe tiri toga paAtene; tikatuma Timotio, hama yeɗu, mushumiri waMŋari paEvaŋgeri yaKristu, kuti akusimbisei, nokukutsuŋgisai mŋoyo pakutenda kwenyu; kuti kurege kuʋa nomunhu unozunuŋguswa nenhamo idzi, nokuti munoziʋa mumene kuti takagadzirirwa iɀoɀo. Nokuti ticiri kwamuri takambokuʋudzai kuti ticatambudzwa; seɀaɀakaitika, nemi munoziʋa. Saka ini ʋo, ɀandakaŋga ndisicagoni kutsuŋga, ndakamutuma kuti ndiziʋe kutenda kwenyu, ndiciti ɀimŋe muidzi wakakuidzai, iɀo ɀatakaɓata ɀikaʋa pasina. Asi ɀino Timotio wakati aȿika kwatiri acaŋgobva kwamuri, akatiʋudza mashoko akanaka okutenda kwenyu noruɗo rwenyu, ʋuye kuti munoŋgositifuŋga nomuraŋgariro wakanaka, muciɗa ɀikuru kutiʋona isu, sesu ʋo ticiɗa kukuʋonai imi; saka, hama dzangu, takanyaradzwa pamsoro penyu pakutambudzika kweɗu kwose nenhamo nokutenda kwenyu
1 VaTesaronika 3:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)