1 VaTesaronika 2:6-9
1 VaTesaronika 2:6-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Takanga tisingatsvaki kurumbidzwa kunobva kuvanhu, kwete kunobva kwamuri kana ani zvake. Savapostori vaKristu tingadai takava mutoro kwamuri, asi takanga tiri vanyoro pakati penyu, samai vanochengeta vana vavo vaduku. Taikudai zvikuru zvokuti takafara kuti tigoverane nemi, kwete vhangeri raMwari bedzi, asi noupenyu hweduwo, nokuti makanga madikanwa nesu kwazvo. Zvirokwazvo munorangarira, hama, kutambudzika kwedu nokuomerwa kwedu; takashanda usiku namasikati kuti tirege kuremedza munhu upi zvake patakanga tichiparidza vhangeri raMwari kwamuri.
1 VaTesaronika 2:6-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Hatina kutsvaka mbiri inobva kuvanhu, kungave kwamuri imi kana kunavamwe. Kunyange zvedu taigona, savapositori vaKristu, kunge takakuremedzai nezvokuita, asi taiva vanhu vanyoro pakati penyu saamai vanoyamwisa vari kuchengeta vana vavo. Saizvozvo pamusana pokukudai zvakanyanya kwatinoita, hatina kungoda kuti tigoverane chete zveShoko Rakanaka raMwari, asi kuti tiitewo upenyu hwedu nemi nokuti imi makanga mava vapamwoyo chaivo kwatiri. Hama, imi munoyeuka kushanda nokushingaira kwedu. Takashanda siku nesikati kuti tirege kuwana nomumwe wenyu watinoremedza patainge tichiparidza Shoko Rakanaka raMwari.
1 VaTesaronika 2:6-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
tisingatsvaki kukudzwa navanhu kana nemi, kana navamwe, kunyange taigona kukuremedzai, zvatiri vapostori vaKristu. Asi takanga tiri vanyoro pakati penyu, somureri kana achivaraidza vana vake; saizvozvo takakushuvai kwazvo, tikati zvakanaka kuti tirege kugovana nemi Vhangeri yaMwari bedzi, asi kunyange nemweya yeduwo, nokuti makanga madikanwa nesu kwazvo. Nokuti, hama dzangu, munorangarira kutambudzika nokurwa kwedu; taibata basa usiku namasikati, kuti tirege kuremedza mumwe wenyu, tikakuparidzirai Vhangeri yaMwari.
1 VaTesaronika 2:6-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hatina kutsvaka mbiri inobva kuvanhu, kungave kwamuri imi kana kunavamwe. Kunyange zvedu taigona, savapositori vaKristu, kunge takakuremedzai nezvokuita, asi taiva vanhu vanyoro pakati penyu saamai vanoyamwisa vari kuchengeta vana vavo. Saizvozvo pamusana pokukudai zvakanyanya kwatinoita, hatina kungoda kuti tigoverane chete zveShoko Rakanaka raMwari, asi kuti tiitewo upenyu hwedu nemi nokuti imi makanga mava vapamwoyo chaivo kwatiri. Hama, imi munoyeuka kushanda nokushingaira kwedu. Takashanda siku nesikati kuti tirege kuwana nomumwe wenyu watinoremedza patainge tichiparidza Shoko Rakanaka raMwari.
1 VaTesaronika 2:6-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
tisiŋgatȿaki kukudzwa naʋanhu kana nemi, kana naʋamŋe, kunyaŋge taigona kukuremedzai, ɀatiri ʋaapostora ʋaKristu. Asi takaŋga tiri ʋanyoro pakati penyu, somureri kana aciʋaraidza ʋana ʋake; saiɀoɀo takakushuʋai kwaɀo, tikati ɀakanaka kuti tirege kugoʋana nemi Evaŋgeri yaMŋari ɓedzi, asi kunyaŋge nemŋeya yeɗu ʋo, nokuti makaŋga maɗikanwa nesu kwaɀo. Nokuti, hama dzaŋgu, munoraŋgarira kutambudzika nokurwa kweɗu; taiɓata ʋusiku namasikati, kuti tirege kuremedza mumŋe wenyu, tikakuparidzirai Evaŋgeri yaMŋari.