Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaTesaronika 2:1-20

1 VaTesaronika 2:1-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Munoziva, hama, kuti kushanya kwedu kwamuri hakuna kuva pasina. Takanga tambotambudzika uye tikatukwa muFiripi, sezvamunoziva, asi norubatsiro rwaMwari wedu hatina kurega kukuparidzirai vhangeri rake pakati pokupikiswa kukuru. Nokuti chikumbiro chatinoita hachibvi pakukanganisa kana pamufungo usina kunaka, uye hatisi kuedza kukunyengerai. Asi, tinotaura savanhu vakatenderwa naMwari kuti tipiwe vhangeri. Hatisi kuedza kufadza vanhu asi Mwari, iye anoedza mwoyo yedu. Munozviziva kuti isu hatibati kumeso, uye hatina kuisa chifukidzo chokufukidza kukarira pfuma, Mwari ndiye chapupu chedu. Takanga tisingatsvaki kurumbidzwa kunobva kuvanhu, kwete kunobva kwamuri kana ani zvake. Savapostori vaKristu tingadai takava mutoro kwamuri, asi takanga tiri vanyoro pakati penyu, samai vanochengeta vana vavo vaduku. Taikudai zvikuru zvokuti takafara kuti tigoverane nemi, kwete vhangeri raMwari bedzi, asi noupenyu hweduwo, nokuti makanga madikanwa nesu kwazvo. Zvirokwazvo munorangarira, hama, kutambudzika kwedu nokuomerwa kwedu; takashanda usiku namasikati kuti tirege kuremedza munhu upi zvake patakanga tichiparidza vhangeri raMwari kwamuri. Imi muri zvapupu, uye naMwariwo, kuti takanga tiri vatsvene sei, vakarurama uye vasina chavangapomerwa pakati penyu imi vanotenda. Nokuti munoziva kuti takabata mumwe nomumwe wenyu sababa vanobata vana vavo, tichikukurudzirai tichikunyaradzai uye tichikukurudzirai kuti murarame zvakafanira kuna Mwari, iye anokudanai kuumambo hwake nokukubwinya kwake. Nesuwo tinotenda Mwari nguva dzose, nokuti pamakagamuchira shoko raMwari, ramakanzwa kwatiri, makarigamuchira, kwete seshoko ravanhu, asi sezvariri, iro shoko raMwari, riri kubata mamuri imi vanotenda. Nokuti imi, hama, makava vateveri vekereke dzaMwari dziri muJudhea, dziri muna Kristu Jesu: Makatambudzwa navanhu vomunyika menyu, saizvozvo kereke idzodzo dzakatambudzwawo navaJudha, ivo vakauraya Ishe Jesu uye navaprofita uye vakatidzinga nesuwo. Havana kufadza Mwari uye vanorwa navanhu vose mukushinga kwavo kutidzivisa kuti titaure kuvahedheni kuti vaponeswe. Nenzira iyi vanoramba vachiunganidza zvivi zvavo kusvikira kumagumo. Kutsamwa kwaMwari kwazosvika pamusoro pavo pakupedzisira. Asi, hama, patakanga taparadzaniswa nemi kwechinguva chiduku (pakuonekwa, kwete mupfungwa), mukushuva kwedu kukuru takaedza chose kukuonai. Nokuti takanga tichida kuuya kwamuri, chokwadi, ini Pauro, ndakada kuita izvozvo, nguva nenguva, asi Satani akatidzivisa. Nokuti tariro yedu ndeipiko, mufaro wedu kana korona yatichazvirumbidza nayo pamberi paIshe wedu Jesu paanouya? Ko, hamusimi here? Zvirokwazvo ndimi kubwinya kwedu nomufaro wedu.

1 VaTesaronika 2:1-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Nokuti nemi, hama dzangu, munoziva kuti kupinda kwedu kwamuri hakuna kuva pasina. Asi takati tatambudzika nokuitirwa zvakaipa muFiripi, sezvamunoziva, takatsunga muna Mwari wedu, tikakuparidzirai Vhangeri yaMwari pakati pokudziviswa kukuru. Nokuti kurayira kwedu hakuna kubva pakurashika, kana pakufunga kwakaipa, kana pakunyengera; asi sezvatakatendiwa naMwari, kuti tipiwe Vhangeri, ndizvo zvatinotaura; tisingaiti kuti tifadze vanhu, asi Mwari anoedza mwoyo yedu. Nokuti, sezvamunoziva, hatina kutongoreva namashoko okubata kumeso, kana namano-mano okukarira pfuma, Mwari chapupu; tisingatsvaki kukudzwa navanhu kana nemi, kana navamwe, kunyange taigona kukuremedzai, zvatiri vapostori vaKristu. Asi takanga tiri vanyoro pakati penyu, somureri kana achivaraidza vana vake; saizvozvo takakushuvai kwazvo, tikati zvakanaka kuti tirege kugovana nemi Vhangeri yaMwari bedzi, asi kunyange nemweya yeduwo, nokuti makanga madikanwa nesu kwazvo. Nokuti, hama dzangu, munorangarira kutambudzika nokurwa kwedu; taibata basa usiku namasikati, kuti tirege kuremedza mumwe wenyu, tikakuparidzirai Vhangeri yaMwari. Imi muri zvapupu, naMwariwo, kuti taifamba noutsvene nokururama, tisina chatingapomerwa kwamuri, imi vanotenda. Sezvamunoziva kuti takaita nemi, mumwe nomumwe wenyu, sababa vanoita navana vavo, tichikurayirai, tichikusimbisai, tichikupupurirai, kuti mufambe zvakafanira Mwari, iye anokudanirai kuushe hwake nokubwinya kwake. Saka isuo tinoramba tichivonga Mwari, kuti panguva yamakagamuchira shoko, iro shoko raMwari, ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko ravanhu, asi seshoko raMwari, (riri iro zvirokwazvo) rinobatawo mukati menyu, imi munotenda. Nokuti imi, hama dzangu, makava vateveri vekereke raMwari riri muJudhea muna Kristu Jesu; nokuti nemiwo makatambudzwa saizvozvo novekwenyu, sezvavakatambudzwa ivo navaJudha. Ndivo vakauraya Ishe Jesu navaPorofita, vakatidzinga isu, vasingafadzi Mwari, vachirwa navanhu vose; vanotidzivisa kuti tirege kuparidzira vahedheni, kuti vaponeswa; kuti varambe vachizadzisa zvivi zvavo; asi kutsamwa kwakaburukira pamusoro pavo kusvikira pakuguma. Zvino isu, hama dzangu, zvatakaparadzaniswa nemi chinguva chiduku pamuviri, pasati pari pamwoyo, takashingairira zvikuru nokushuva kukuru kuti tionane nemi pachiso; naizvozvo taida kuuya kwamuri, ini Pauro, kamwe uyezve rwechipiri, asi Satani akatidzivisa. Nokuti tariro yedu ndeipiko, kana mufaro, kana korona yokuzvirumbidza nayo? Hamuzimi here, pamberi paIshe wedu Jesu pakuuya kwake? Nokuti imi muri kubwinya kwedu nomufaro wedu.

1 VaTesaronika 2:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Hama dzangu imi pachenyu munoziva kuti kukushanyirai kwedu kwakanga kusiri kusina maturo. Kunyange zvedu takambenge tatambudzika uye tanyadziswa kuFiripi, sokuziva kwenyu, takaita chivindi muna Mwari wedu; takakuparidzai Shoko Rakanaka raMwari pakati pavanhu vairwisana zvikuru nezvataiita. Kukukurudzirai kwedu hakubvi mune zvemanomano kana mune zvisina kuchena kana kuda kunyengedza. Asi sokuonekwa kwatakaitwa naMwari kuti takakodzera kuti Shoko Rakanaka riiswe mumaoko medu, naizvozvo tinotaura kwete kuti tifadze vanhu, asi kuti tifadze Mwari anoongorora zvatiri. Sezvamunoziva, hatina kushandisa mazwi okubata vanhu kumeso kana mazwi okufukidza kuda upfumi kwedu. Mwari angatipupurirewo. Hatina kutsvaka mbiri inobva kuvanhu, kungave kwamuri imi kana kunavamwe. Kunyange zvedu taigona, savapositori vaKristu, kunge takakuremedzai nezvokuita, asi taiva vanhu vanyoro pakati penyu saamai vanoyamwisa vari kuchengeta vana vavo. Saizvozvo pamusana pokukudai zvakanyanya kwatinoita, hatina kungoda kuti tigoverane chete zveShoko Rakanaka raMwari, asi kuti tiitewo upenyu hwedu nemi nokuti imi makanga mava vapamwoyo chaivo kwatiri. Hama, imi munoyeuka kushanda nokushingaira kwedu. Takashanda siku nesikati kuti tirege kuwana nomumwe wenyu watinoremedza patainge tichiparidza Shoko Rakanaka raMwari. Imi, pamwechete naMwari, munotova zvapupu zvokuti maitiro edu kwamuri vatendi, takanga tiri vatsvene zvakadii, takarurama zvakadii tisina chatingapomerwe zvakadii. Imi munoziva kuti ini, sababa ana vana vake, ndakakukurudzirai mumwe nomumwe wenyu ndichikunyaradzai nokukukurudzirai kuti mugare upenyu hunokodzerana naMwari anokudaidzirai kuti mupinde muumambo hwake nomumbiri yake. Tinotendawo Mwari nguva dzose pamusoro pezvizvi zvokuti pamakagashira shoko raMwari ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko ravanhu, asi sezvariri, seshoko raMwari riri kushanda mamuri imi vatendi. Imi hama, makasanganawo nezvakawira masangano aMwari okuJudhea muna Kristu Jesu nokuti imi makarwadziwawo nezvinhu zvakabva kuvanhu vomunyika menyu sezvavakaitwawo navaJudha. Vakauraya Tenzi Jesu navaporofita uye vakatitandanisa; vanotsamwisa Mwari vachiita zvinorwisana navanhu vose nokutidzivisa kutaura kune vechirudzi kuti vaponeswe. Naizvozvo vanotozadzikisa ukuru hwezvitadzo zvavo. Asi pokupedzisira Mwari avakuvavinga nehasha dzake. Hama, patakamboti paradzaniswei kwechinguva pakuonana kwete mupfungwa, taitodisisa kwazvo tikaita shungu dzokukuonai uso nouso. Taida kuuya kwamuri. Iyeni Pauro ndaida kuuya kakatowanda, asi Satani akatidzivisa. Ko chitarisiro chedu chii norufaro rwedu chii kana chiremba chedu chokudada nacho pamberi paTenzi wedu Jesu paanouya chii? Hamusirimi here, nokuti imi ndimi mbiri yedu norufaro rwedu?

1 VaTesaronika 2:1-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Nokuti nemi, hama dzaŋgu, munoziʋa kuti kupinda kweɗu kwamuri hakuna‐kuʋa pasina. Asi takati tatambudzika nokuitirwa ɀakaipa paFiripi, seɀamunoziʋa, takatsuŋga munaMŋari weɗu, tikakuparidzirai Evaŋgeri yaMŋari pakati pokudziʋiswa kukuru. Nokuti kuraira kweɗu hakuna‐kubva pakurashika, kana pakufuŋga kwakaipa, kana pakunyeŋgera; asi seɀatakatendiwa naMŋari, kuti tipiwe Evaŋgeri, ndiɀo ɀatinotaura; tisiŋgaiti kuti tifadze ʋanhu, asi Mŋari unoidza mŋoyo yeɗu. Nokuti, seɀamunoziʋa, hatina‐kutoŋgoreʋa namashoko okuɓata kumeso, kana namano‐mano okukarira fuma, Mŋari capupu; tisiŋgatȿaki kukudzwa naʋanhu kana nemi, kana naʋamŋe, kunyaŋge taigona kukuremedzai, ɀatiri ʋaapostora ʋaKristu. Asi takaŋga tiri ʋanyoro pakati penyu, somureri kana aciʋaraidza ʋana ʋake; saiɀoɀo takakushuʋai kwaɀo, tikati ɀakanaka kuti tirege kugoʋana nemi Evaŋgeri yaMŋari ɓedzi, asi kunyaŋge nemŋeya yeɗu ʋo, nokuti makaŋga maɗikanwa nesu kwaɀo. Nokuti, hama dzaŋgu, munoraŋgarira kutambudzika nokurwa kweɗu; taiɓata ʋusiku namasikati, kuti tirege kuremedza mumŋe wenyu, tikakuparidzirai Evaŋgeri yaMŋari. Imi muri ɀapupu, naMŋari ʋo, kuti taifamba noʋutȿene nokururama, tisina‐catiŋgapomerwa kwamuri, imi ʋanotenda. Seɀamunoziʋa kuti takaita nemi, mumŋe nomumŋe wenyu, saɓaɓa ʋanoita naʋana ʋaʋo, ticikurairai, ticikusimbisai, ticikupupurirai, kuti mufambe ɀakafanira Mŋari, iye unokuɗanirai kuʋushe bgake nokubginya kwake. Saka isu ʋo tinoramba ticiʋoŋga Mŋari, kuti paŋguʋa yamakagamucira shoko, iro shoko raMŋari, ramakanzwa kwatiri, hamuna‐kurigamucira seshoko raʋanhu, asi seshoko raMŋari, (riri iro ɀirokwaɀo) rinoɓata ʋo mukati menyu, imi munotenda. Nokuti imi, hama dzaŋgu, makaʋa ʋateʋeri ʋekereke dzaMŋari dziri muJudea munaKristu Jesu; nokuti nemi ʋo makatambudzwa saiɀoɀo noʋokwenyu, seɀaʋakatambudzwa iʋo naʋaJuda. Ndiʋo ʋakaʋuraya Ishe Jesu naʋaprofita, ʋakatidziŋga isu, ʋasiŋgafadzi Mŋari, ʋacirwa naʋanhu ʋose; ʋanotidziʋisa kuti tirege kuparidzira ʋahedeni, kuti ʋaponeswe; kuti ʋarambe ʋacizadzisa ɀiʋi ɀaʋo; asi kutsamŋa kwakaɓurukira pamsoro paʋo kuȿikira pakuguma. Ɀino isu, hama dzaŋgu, ɀatakaparadzaniswa nemi ciŋguʋa ciɗuku pamuʋiri, pasati pari pamŋoyo, takashiŋgairira ɀikuru nokushuʋa kukuru kuti tiʋonane nemi paciso; naiɀoɀo taiɗa kuʋuya kwamuri, ini Pauro, kamŋe ʋuye ɀe rwecipiri, asi Satani wakatidziʋisa. Nokuti tariro yeɗu ndeipiko, kana mufaro, kana korona yokuɀirumbidza nayo? Hamuzimi here, pamberi paShe weɗu Jesu pakuʋuya kwake? Nokuti imi muri kubginya kweɗu nomufaro weɗu.

1 VaTesaronika 2:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)