1 Samueri 8:4-7
1 Samueri 8:4-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka vakuru vose veIsraeri vakaungana pamwe chete vakauya kuna Samueri paRama. Vakati kwaari, “Makwegura, uye vana venyu havafambi munzira dzenyu; naizvozvo gadzai mambo kuti atitungamirire, sezvakaita mamwe marudzi ose.” Asi pavakati, “Tipei mambo kuti atitungamirire,” izvi hazvina kufadza Samueri; saka akanyengetera kuna Jehovha. Uye Jehovha akamuudza kuti: “Teerera zvose zvinotaura vanhu kwauri; havana kuramba iwe, asi varamba ini samambo wavo.
1 Samueri 8:4-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakuru vaIsiraeri vose vakaungana, vakauya kuna Samueri paRama, vakati kwaari, “Tarirai, imi makwegura, asi vanakomana venyu havafambi nenzira dzenyu, zvino tigadzirirei mambo ungatitonga, sezvinoitwa kundudzi dzose.” Asi shoko iro harina kufadza Samueri, iro rokuti, “Tipei mambo ungatitonga.” Samueri akanyengetera kuna Jehovha. Ipapo Jehovha akati kuna Samueri, “Teerera hako zvose zvinotaura vanhu kwauri, nokuti havana kukuramba iwe, asi vakandiramba ini, kuti ndirege kuva mambo wavo.
1 Samueri 8:4-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo vakuru vakuru vose veIsiraeri vakakokorodzana vakaenda kuna Samueri kuRama vakasvikoti kwaari, “Chionaika imi makwegura. Uye chimwe nechichi ndechokuti vanakomana venyu havasi kutevedzera tsika dzenyu. Zvino chitisarudzirai mambo wokutitonga sezvakangoitawo mamwe marudzi ose.” Asi chichemo chavo chokuti, “Tisarudzirei mambo wokutitonga,” hachina kufadza Samueri, ndokubva anamata kuna Tenzi. Tenzi akati kuna Samueri, “Gamuchira zvako zvose zvavari kukumbira nokuti haasiri iwe wavari kuramba, asi wavari kuramba chaiye kuti ave mambo wavo, ndini.
1 Samueri 8:4-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakuru ʋaIsraeri ʋose ʋakaʋuŋgana, ʋakaʋuya kunaSamueri paRama, ʋakati kwaari: Tarirai, imi makwegura, asi ʋanakomana ʋenyu haʋafambi nenzira dzenyu; ɀino tigadzirei mambo uŋgatitoŋga, seɀinoitwa kundudzi dzose. Asi shoko iro harina‐kufadza Samueri, iro rokuti: Tipei mambo uŋgatitoŋga. Samueri akanyeŋgetera kunaJehova. Ipapo Jehova akati kunaSamueri: Terera hako ɀose ɀinotaura ʋanhu kwauri, nokuti haʋana‐kukuramba iwe, asi ʋakandiramba ini, kuti ndirege kuʋa mambo waʋo.
1 Samueri 8:4-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)