1 Samueri 5:1-12
1 Samueri 5:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mushure mokunge vaFiristia vapamba areka yaMwari, vakaitora kubva kuEbhenezeri vakaenda nayo kuAshidhodhi. Ipapo vakatakura areka vakapinda nayo mutemberi yaDhagoni vakaiisa parutivi rwaDhagoni. Vanhu veAshidhodhi pavakamuka mangwanani-ngwanani zuva raitevera, wanei hoyo Dhagoni akawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha! Vakatora Dhagoni vakamudzosera panzvimbo yake. Asi mangwanani aitevera pavakamuka wanei hoyo Dhagoni akawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha! Musoro wake namaoko zvakanga zvadimbuka zvisisipo uye zviri pasi pachikumbaridzo chomukova, muviri wake bedzi ndiwo wakanga wangosara. Ndokusaka kusvika nanhasi kusina vaprista vaDhagoni kana vamwewo zvavo vanopinda mutemberi yaDhagoni paAshidhodhi vanotsika pachikumbaridzo chomukova. Ruoko rwaMwari rwakatambudza zvikuru vanhu veAshidhodhi nenzvimbo dzakaikomberedza; akauyisa kuparadzwa pamusoro pavo uye akavarova namamota. Vanhu veAshidhodhi pavakaona zvakanga zvichiitika vakati, “Areka yaMwari weIsraeri haifaniri kugara pano nesu nokuti ruoko rwake rwatitambudza zvikuru isu naDhagoni mwari wedu.” Saka vakadana pamwe chete vatongi vose vavaFiristia vakavabvunza vachiti, “Toitei neareka yaMwari weIsraeri?” Vakapindura vachiti, “Itai kuti areka yaMwari weIsraeri iendeswe kuGati.” Saka vakabvisa areka yaMwari weIsraeri. Asi mushure mokunge vaibvisa, ruoko rwaMwari rwakarwisana neguta iroro, uye akarivhundutsa nokuvhundutsa kukuru. Akarova vanhu veguta iroro, vakuru navadiki, namamota. Saka vakaendesa areka yaMwari kuEkironi. Areka yaMwari payakanga yava kupinda muEkironi, vanhu veEkironi vakadanidzira, vachiti, “Vauyisa areka yaMwari weIsraeri kuti vatiuraye isu navanhu vedu.” Saka vakadana pamwe chete vatongi vose vavaFiristia vakati, “Dzoserai areka yaMwari weIsraeri kwakare, regai idzokere kunzvimbo kwayo, nokuti ichatiuraya isu navanhu vedu.” Nokuti rufu rwakanga rwazadza guta nokuvhunduka; ruoko rwaMwari rwakanga rwaritambudza zvikuru. Avo vasina kufa vakarohwa namamota uye kuchema kweguta kwakakwira kudenga.
1 Samueri 5:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vaFirisitia vakatora areka yaMwari, vakabva nayo Ebheniezeri, vakaiisa Ashidhodhi, VaFirisitia vakatora areka yaMwari vakaiisa mumba maDhagoni, vakaigadzika kurutivi rwaDhagoni. Zvino veAshidhodhi vakati vachimuka mangwanani, onei Dhagoni wawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha. Vakatora Dhagoni, vakamugadzikazve panzvimbo yake. Zvino vakati vachimuka mangwanani, onei Dhagoni wawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha; nomusoro waDhagoni nezvanza zvamaoko ake ose maviri zvakanga zvavhunika, zviri pachikumbaridzo chomukova; Dhagoni wakanga asarirwa nomuviri woga. Saka vapristi vaDhagoni, navose vanopinda mumba maDhagoni, havatsiki pachikumbaridzo chaDhagoni paAshidhodhi kusvikira nhasi. Asi ruoko rwaJehovha rwakatambudza veAshidhodhi, akavaparadza nokuvarova namamota, ivo veAshidhodhi nenyika yavo. Zvino varume veAshidhodhi vakati vachiona kuti ndizvo zvavanoitirwa, vakati, “Areka yaMwari waIsiraeri ngairege kugara pakati pedu; nokuti ruoko rwake runotitambudza isu namwari wedu Dhagoni.” Naizvozvo vakatuma nhume kundounganidza kwavari madzishe ose avaFirisitia, vakati, “Tichaita seiko neareka yaMwari waIsiraeri?” Vakapindura, vakati, “Areka yaMwari waIsiraeri ngaiiswe Gati.” Vakaisa areka yaMwari ikoko. Vakati vaiisako, ruoko rwaJehovha rukavhundusa guta nokuvhundusa kukuru; akarova varume veguta, vaduku navakuru, vakapomerwa mamota. Naizvozvo ivo vakatumira areka yaMwari Ekironi. Zvino areka yaMwari yakati yasvika Ekironi, veEkironi vakachema kwazvo, vakati, “Vauya neareka yaMwari waIsiraeri kwatiri, kuzotiuraya, isu navanhu vedu.” Naizvozvo vakatuma nhume kundounganidza madzishe ose avaFirisitia, vakati, “Tumai areka yaMwari waIsiraeri, ibve, idzoserwe kunzvimbo yayo, kuti irege kutiuraya, isu navanhu vedu;” nokuti guta rose rakanga ravhunduswa nokuvhunduswa kworufu; ruoko rwaJehovha rwakavatambudza zvikuru ipapo. Varume, vasina kufa, vakarohwa namamota, kuchema kweguta kukakwira kudenga.
1 Samueri 5:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
VaFirisitia vakatora Bhokisi raMwari reChitenderano, paEbhenezeru vakaenda naro kuAshidhodhi. Vakatakura Bhokisi raMwari vakaenda naro kutemberi yaDhagoni, vakandorigadzika munyasi mechifananidzo chaDhagoni. Vagari veAshidhodhi vakafumomuka, wanei chifananidzo chaDhagoni chakati pasi zvambarara nouso pamberi peBhokisi raTenzi. Vakachisimudza vakachimisa panzvimbo yacho. Mangwana acho vakafumomukazve ndokuona chifananidzo chaDhagoni chakawirazve pasi pamberi peBhokisi raTenzi. Musoro wacho namaoko acho ari maviri akanga ari pachikumbaridzo akatyoka. Muviri wacho chete ndiwo wakanga wasara. Pamusana paizvozvi vapristi vaDhagoni navanhu vose vanopinda mutemberi yaDhagoni nanhasi uno havatsike pachikumbaridzo chaDhagoni chiri muAshidhodhi. Shamhu yaTenzi yakarova zvikuru vanhu vokuAshidhodhi navakavapoteredza, akavaonesa ndondo nedenda ramamota. Vanhu vokuAshidhodhi pavakazvionawo vakati, “Bhokisi Rechitenderano raMwari wavaIsiraeri harifaniri kuramba riinesu nokuti shamhu yake yanyanya kurwadza isu naDhagoni mwari wedu.” Vakatuma shoko rokukokorodza vatungamiriri vose vavaFirisitia rokuti, “Toiteiko nebhokisi raMwari wavaIsiraeri?” Ivo vakati, “Bhokisi raMwari wavaIsiraeri ngariendeswe kuGati.” Saka vakaenda nebhokisi raMwari wavaIsiraeri ikoko. Pavakaenda naro ikoko, Tenzi akarova guta irori neshamhu, kuranga kwacho kwaiva kwokuparadza chaiko. Akarova varume vomuguta iroro kubvira kuvakuru kusvikira kuvaduku, nedenda ramamota. Vakazoendesa bhokisi raMwari reChitendarano kuEkironi. Parakangosvika kuEkironi vanhu veko vakachemedzeka vachiti, “Vaunza bhokisi reChitenderano raMwari wavaIsiraeri kwatiri kuzotiurayisa isu navanhu vedu.” Saka vakabva vatumazve shoko ndokukokorodza vatungamiriri vose vechiFirisitia, vakati, “Bhokisi reChitendarano raMwari wavaIsiraeri ngariendeswe kumusha kwaro. Ngaridzorerwe kunzvimbo yaro kuti rirege kutiuraya isu navanhu vedu.” Vakadaro nokuti guta irori rose rakanga rayaura nokutya rufu. Tenzi akanga arirova shamhu inorwadza kwazvo. Vanhu vakanga vasina kufa vakarohwa nedenda ramamota, kuchemedzeka kweguta iri kwakasvika kudenga.
1 Samueri 5:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋaFiristia ʋakatora areka yaMŋari, ʋakabva nayo Ebeni‐ezeri, ʋakaiisa Ashdodi. ƲaFiristia ʋakatora areka yaMŋari ʋakaiisa mumba maDagoni, ʋakaigadzika kurutiʋi rwaDagoni. Ɀino ʋeAshdodi ʋakati ʋacimuka maŋgwanani, ʋonei Dagoni wawira pasi neciso pamberi peareka yaJehova. Ʋakatora Dagoni, ʋakamugadzika ɀe panɀimbo yake. Ɀino ʋakati ʋacimuka maŋgwanani, ʋonei Dagoni wawira pasi neciso pamberi peareka yaJehova; nomusoro waDagoni neɀanza ɀamaʋoko ake ose maʋiri ɀakaŋga ɀavunika, ɀiri pacikumbaridzo comukoʋa; Dagoni wakaŋga asarirwa nomuʋiri woga. Saka ʋaprista ʋaDagoni, naʋose ʋanopinda mumba maDagoni, haʋatsiki pacikumbaridzo caDagoni paAshdodi kuȿikira nhasi. Asi ruʋoko rwaJehova rwakatambudza ʋeAshdodi, akaʋaparadza nokuʋaroʋa namamota, iʋo ʋeAshdodi nenyika yaʋo. Ɀino ʋarume ʋeAshdodi ʋakati ʋaciʋona kuti ndiɀo ɀaʋanoitirwa, ʋakati: Areka yaMŋari waIsraeri ŋgairege kugara pakati peɗu; nokuti ruʋoko rwake runotitambudza isu namŋari weɗu Dagoni. Naiɀoɀo ʋakatuma nhume kundoʋuŋganidza kwaʋari madzishe ose aʋaFiristia, ʋakati: Ticaita seiko neareka yaMŋari waIsraeri? Ʋakapindura, ʋakati: Areka yaMŋari waIsraeri ŋgaiiswe Gati. Ʋakaisa areka yaMŋari ikoko. Ʋakati ʋaiisa’ko, ruʋoko rwaJehova rukavundusa guta nokuvundusa kukuru; akaroʋa ʋarume ʋeguta, ʋaɗuku naʋakuru, ʋakapomerwa mamota. Naiɀoɀo iʋo ʋakatumira areka yaMŋari Ekroni. Ɀino areka yaMŋari yakati yaȿika Ekroni, ʋeEkroni ʋakacema kwaɀo, ʋakati: Ʋaʋuya neareka yaMŋari waIsraeri kwatiri, kuzotiʋuraya, isu naʋanhu ʋeɗu. Naiɀoɀo ʋakatuma nhume kundoʋuŋganidza madzishe ose aʋaFiristia, ʋakati: Tumai areka yaMŋari waIsraeri, ibve, idzoserwe kunɀimbo yayo, kuti irege kutiʋuraya, isu naʋanhu ʋeɗu; nokuti guta rose rakaŋga ravunduswa nokuvundusa kworufu; ruʋoko rwaJehova rwakaʋatambudza ɀikuru ipapo. Ʋarume, ʋasino‐kufa, ʋakarobga namamota, kucema kweguta kukakwira kuɗeŋga.
1 Samueri 5:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)