1 Samueri 31:5-6
1 Samueri 31:5-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mubati wenhumbi dzake dzokurwa akati aona kuti Sauro afa, iyewo akawira pamunondo wake akafa. Saka Sauro navanakomana vake vatatu nomubati wenhumbi dzake dzokurwa uye navanhu vake vose vakafa pamwe chete pazuva iroro.
1 Samueri 31:5-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo wakati achiona kuti Sauro wafa, naiye akazviwisira pamunondo wakewo, akafa pamwechete naye. Naizvozvo Sauro akafa, pamwechete navanakomana vake vatatu, nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, navanhu vake vose nomusi iwoyo.
1 Samueri 31:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Uya aimutakurira zvombo zvehondo achionawo kuti Sauro afa, naiyewo akazviwisira pabakatwa rake, akafawo pamwechete naye. Uku ndokufa kwakaita Sauro navana vake vakomana vatatu, neaimutakurira zvombo zvehondo zvake, navarwi vake vose musi wakarewo pamwechete.
1 Samueri 31:5-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino muɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo wakati aciʋona kuti Sauro wafa, naiye akaɀiwisira pamunondo wake ʋo, akafa pamŋe cete naye. Naiɀoɀo Sauro akafa, pamŋe cete naʋanakomana ʋake ʋatatu, nomuɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, naʋanhu ʋake ʋose nomusi iwoyo.
1 Samueri 31:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)