1 Samueri 31:4
1 Samueri 31:4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Sauro akati kune wokumutakurira zvombo zvehondo, “Buritsa bakatwa rako mumuhara undibaye naro, vangadaro vanhu ava vasina kudzingiswa vakauya vakandibaya, ivo, vachindiita zvavo chiseko.” Asi wokumutakurira zvombo zvehondo uyu akaramba nokuti akatya kwazvo. Sauro ndokubva atora bakatwa rake pachake ndokuzviwisira pariri.
1 Samueri 31:4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Sauro akati kune aibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, “Vhomora munondo wako undibaye nawo, kuti ava vasina kudzingiswa varege kuuya vakandibaya uye vakandidadira.” Asi mubati wenhumbi dzake akatya akasazviita; saka Sauro akatora munondo wake akazviwisira pauri.
1 Samueri 31:4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Sauro akati kunowaibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, “Vhomora munondo wako, undibaye nawo, kuti ava vasina kudzingiswa varege kusvika vandibaye, nokundidadira.” Asi mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo wakaramba, nokuti wakanga achitya kwazvo. Naizvozvo Sauro akatora munondo wake, akazviwisira pauri.
1 Samueri 31:4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Sauro akati kune wokumutakurira zvombo zvehondo, “Buritsa bakatwa rako mumuhara undibaye naro, vangadaro vanhu ava vasina kudzingiswa vakauya vakandibaya, ivo, vachindiita zvavo chiseko.” Asi wokumutakurira zvombo zvehondo uyu akaramba nokuti akatya kwazvo. Sauro ndokubva atora bakatwa rake pachake ndokuzviwisira pariri.
1 Samueri 31:4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Sauro akati kunowaiɓata nhumbi dzake dzokurwa nadzo: Vomora munondo wako, undiɓaye nawo, kuti aʋa ʋasina‐kudziŋgiswa ʋarege kuȿika ʋandiɓaye, nokundiɗaɗira. Asi muɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo wakaramba, nokuti wakaŋga acitya kwaɀo. Naiɀoɀo Sauro akatora munondo wake, akaɀiwisira pauri.