1 Samueri 30:1-4
1 Samueri 30:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Dhavhidhi navanhu vake vakasvika kuZikiragi pazuva retatu. Zvino vaAmareki vakanga vakomba Negevhi neZikiragi. Vakanga varwisa Zikiragi vakaripisa, uye vakanga vatapa vakadzi navose vakanga varimo, vose vakuru navaduku. Havana wavakauraya, asi vakavatora vakaenda navo. Dhavhidhi navanhu vake vakati vasvika kuZikiragi, vakariwana raparadzwa nomoto, uye vakadzi vavo navanakomana navanasikana vavo vakanga vatapwa. Saka Dhavhidhi navanhu vake vakachema kwazvo kusvikira vapererwa nesimba rokuchema.
1 Samueri 30:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakati vachisvika paZikiragi nezuva retatu, vakawana kuti vaAmareki vakanga vandopambara kurutivi rwezasi, neZikiragiwo, vakakunda Zikiragi nokuripisa nomoto; vakatapa vakadzi navose vakanga varimo, vaduku navakuru; vakanga vasina kuuraya munhu, asi vakavatapa, vakaenda havo. Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakati vachisvika paguta vakariwana rapiswa nomoto, navakadzi vavo, navanakomana vavo, navanasikana vavo vatapwa. Dhavhidhi navanhu vakanga vanaye vakachema kwazvo, kusvikira vasisina simba rokuchema.
1 Samueri 30:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Dhavhidhi navanhu vake vakasvika kuZikiragi, rava zuva retatu. Vakasvikowana vaAmareki vapamba zvinhu mudunhu reNegevhu nomuguta reZikiragi. Vakanga varwisa Zikiragi variroromesa nomoto. Vakatapa vakadzi navamwe vose vaivamo kubvira kuvaduku kusvikira kuvakuru. Havana wavakauraya asi vakangokukuchana navo ndokuenda. Dhavhidhi navanhu vake vakati vachisvika muguta umu wanei raroromeswa nomoto, madzimai avo navana vavo vakomana navasikana wanei vatapwa. Dhavhidhi navanhu vaaiva navo vakazhamba kusvikira vasisina simba rokuchema.
1 Samueri 30:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Davidi naʋanhu ʋake ʋakati ʋaciȿika paZikragi nezuʋa retatu, ʋakawana kuti ʋaAmareki ʋakaŋga ʋandopambara kurutiʋi rwezasi, neZikragi ʋo, ʋakakunda Zikragi nokuripisa nomŋoto; ʋakatapa ʋakadzi naʋose ʋakaŋga ʋari’mo, ʋaɗuku naʋakuru; ʋakaŋga ʋasinokuʋuraya munhu, asi ʋakaʋatapa, ʋakaenda haʋo. Ɀino Davidi naʋanhu ʋake ʋakati ʋaciȿika paguta ʋakariwana rapiswa nomŋoto, naʋakadzi ʋaʋo, naʋanakomana ʋaʋo, naʋanasikana ʋaʋo ʋatapxa. Davidi naʋanhu ʋakaŋga ʋanaye ʋakacema kwaɀo, kuȿikira ʋasisina simba rokucema.
1 Samueri 30:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)