Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 30:1-31

1 Samueri 30:1-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Dhavhidhi navanhu vake vakasvika kuZikiragi pazuva retatu. Zvino vaAmareki vakanga vakomba Negevhi neZikiragi. Vakanga varwisa Zikiragi vakaripisa, uye vakanga vatapa vakadzi navose vakanga varimo, vose vakuru navaduku. Havana wavakauraya, asi vakavatora vakaenda navo. Dhavhidhi navanhu vake vakati vasvika kuZikiragi, vakariwana raparadzwa nomoto, uye vakadzi vavo navanakomana navanasikana vavo vakanga vatapwa. Saka Dhavhidhi navanhu vake vakachema kwazvo kusvikira vapererwa nesimba rokuchema. Vakadzi vaDhavhidhi vari vaviri vakanga vatapwa, Ahinoami weJezireeri naAbhigairi, chirikadzi yaNabhari weKarimeri. Dhavhidhi akatambudzika zvikuru nokuti vanhu vakanga vachitaura zvokuda kumutaka namabwe; mumwe nomumwe akanga ane shungu mumweya make nokuda kwavanakomana navanasikana vake. Asi Dhavhidhi akawana simba muna Jehovha Mwari wake. Ipapo Dhavhidhi akati kuna Abhiatari muprista, mwanakomana waAhimereki, “Ndivigirewo efodhi kuno.” Abhiatari akaenda nayo kwaari, ipapo Dhavhidhi akabvunza kuna Jehovha akati, “Ndingatevera here vapambi ava? Ndichavabata here?” Akapindura akati, “Vatevere. Zvirokwazvo uchavabata uye uchakunda mukuvanunura.” Dhavhidhi navarume mazana matanhatu vaiva naye vakasvika parukova rweBhesori, vamwe vakasara ipapo, nokuti varume mazana maviri vakanga vaneta kwazvo kuti vayambuke rukova. Asi Dhavhidhi namazana mana avarume vakaramba vachitevera. Vakawana muIjipita ari mumunda ndokubva vauya naye kuna Dhavhidhi. Vakamupa mvura yokunwa nezvokudya kuti adye, chimedu chekeke ramaonde akaoma uye makeke maviri amazambiringa akaomeswa. Akadya akasimba, nokuti akanga asina kudya chipi zvacho kana kunwa mvura kwamazuva matatu nousiku hutatu. Dhavhidhi akamubvunza akati, “Uri waaniko iwe, uye unobvepi?” Iye akati, “Ndiri muIjipita, mutapwa womumwe muAmareki. Tenzi wangu akandisiya pandakanga ndorwara mazuva matatu apfuura. Takapamba Zasi kwenyika yavaKereti uye nenyika yeJudha neZasi kwenyika yaKarebhu. Uye takapisa Zikiragi.” Dhavhidhi akamubvunza akati, “Ungagona kunditungamirira here kuti ndiburuke ndiende kuvapambi ava.” Iye akapindura akati, “Ndipikirei pamberi paMwari kuti hamuzondiurayi kana kundiisa kuna tenzi wangu, ini ndigokutungamirirai kwavari.” Akatungamirira Dhavhidhi ikoko, vakavawana vakapararira munzvimbo yose, vachidya, vachinwa uye vachifara nokuda kwokuwanda kwezvavakanga vapamba kubva munyika yavaFiristia nokuJudha. Dhavhidhi akarwa navo panguva yorubvunzavaeni kusvikira madekwana ezuva rakatevera, uye hakuna mumwe wavo akapunyuka, kunze kwamajaya mazana mana akatasva ngamera akatiza. Dhavhidhi akadzosa zvose zvakanga zvatorwa navaAmareki, pamwe chete navakadzi vake vaviri. Hakuna chakashayikwa: vaduku navakuru, mukomana kana musikana, chakapambwa kana chipi zvacho chavakanga vatora. Dhavhidhi akadzosa zvose. Akatora makwai ose nemombe dzose, uye vanhu vake vakazvitinha mberi kwezvimwe zvipfuwo, achiti, “Izvi ndizvo zvakapambwa naDhavhidhi.” Ipapo Dhavhidhi akasvika kuvarume vaya mazana maviri vakanga vaneta kwazvo pakumutevera uye vakanga vasiyiwa mumashure parukova rweBhesori. Vakabuda kuti vazosangana naDhavhidhi uye navanhu vakanga vanaye. Dhavhidhi navanhu vake vakati vaswedera kwavari, vakavakwazisa. Asi vanhu vose vakaipa nevemhirizhonga pakati pavateveri vaDhavhidhi vakati, “Nemhaka yokuti havana kuenda nesu, hatidi kugovana navo zvatakapamba zvatakawana. Kunyange zvakadaro, murume mumwe nomumwe ngaatore hake mukadzi wake navana aende.” Dhavhidhi akati, “Kwete hama dzangu, hamufaniri kuita izvozvo pane zvatakapiwa naJehovha. Ndiye akatidzivirira akaisa mumaoko edu varwi vakauya kuzorwa nesu. Ndianiko achateerera kune zvamunoreva? Mugove womunhu akasara achichengeta nhumbi unofanira kuva wakaenzana nowouyo akaenda kuhondo.” Dhavhidhi akaita izvi kuti uve mutemo nomurayiro kuvaIsraeri kubva pazuva iroro kusvikira nhasi. Dhavhidhi akati asvika muZikiragi, akatumira zvimwe zvezvakapambwa kuvakuru veJudha, avo vakanga vari shamwari dzake, achiti, “Hecho chipo chenyu chamapiwa chabva pane zvakapambwa zvavavengi vaJehovha.” Akachitumira kuna vaya vakanga vari muBheteri, Ramoti Negevhi neJariri; kuna avo vakanga vari muAroeri, Sifimoti, Eshitemoa neRakari; kuna avo vakanga vari mumaguta avaJerameeri navaKeni; kuna avo vakanga vari muHorima, Bhori Ashani, Ataki neHebhuroni; uye kuna avo vakanga vari mune dzimwe nzvimbo dzose dzakanga dzafambwa naDhavhidhi navanhu vake.

1 Samueri 30:1-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakati vachisvika paZikiragi nezuva retatu, vakawana kuti vaAmareki vakanga vandopambara kurutivi rwezasi, neZikiragiwo, vakakunda Zikiragi nokuripisa nomoto; vakatapa vakadzi navose vakanga varimo, vaduku navakuru; vakanga vasina kuuraya munhu, asi vakavatapa, vakaenda havo. Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakati vachisvika paguta vakariwana rapiswa nomoto, navakadzi vavo, navanakomana vavo, navanasikana vavo vatapwa. Dhavhidhi navanhu vakanga vanaye vakachema kwazvo, kusvikira vasisina simba rokuchema. Navakadzi vaviri vaDhavhidhi vakanga vatapwawo, vanaAhinoamu muJezereeri naAbhigairi waiva mukadzi waNabhari muKarimeri. Dhavhidhi akatambudzika zvikuru, nokuti vanhu vakanga voda kumutaka namabwe, nokuti mwoyo yavanhu vose yakanga ine shungu, mumwe nomumwe pamusoro pavanakomana vake, navanasikana vake; asi Dhavhidhi wakatsvaka simba rake kuna Jehovha Mwari wake. Zvino Dhavhidhi akati kuna Abhihatari mupristi, mwanakomana waAhimereki, “Douya hako pano neefodhi.” Abhihatari akaenda neefodhi kuna Dhavhidhi. Dhavhidhi akabvunza Jehovha, akati, “Kana ndikatevera boka iro, ndingavabata here?” Akamupindura akati, “Tevera hako, nokuti uchavabata kwazvo, uye ucharwira zvose.” Naizvozvo Dhavhidhi akaenda, iye navarume vana mazana matanhatu vaakanga anavo, vakasvika parukova Bhesori, pakasara vamwe vaakasiya. Asi Dhavhidhi wakateverera, iye navanhu vana mazana mana, nokuti vana mazana maviri vakanga vasara shure, nokuti vakanga vaneta kwazvo, vasingagoni kuyambuka rukova Bhesori. Vakawana muIjipiti kusango, vakauya naye kuna Dhavhidhi, vakamupa zvokudya, akadya, vakamupawo mvura yokunwa; vakamupawo chimedu chebundu ramawonde namasumbu maviri amadzambiringa akawomeswa; zvino wakati adya, mweya wake ukararamazve mukati make, nokuti wakanga asina kudya zvokudya, kana kunwa mvura, mazuva matatu nousiku hutatu. Dhavhidhi akati kwaari, “Uri waaniko? Unobvepiko?” Iye akati, “Ndiri jaya rakabva Ijipiti, muranda womunhu wavaAmareki; tenzi wangu wakandisiya, nokuti mazuva matatu akapfuura ndakarwara. Takanga tandopambara kurutivi rwezasi rwavaKereti, nokunyika yaJudha, nokurutivi rwezasi rwaKarebhi, tikapisawo Zikiragi nomoto.” Dhavhidhi akati kwaari, “Ungandiburutsira kuboka iro here?” Iye akati, “Ndipikirei naMwari kuti hamungandiurayi, kana kundiisa mumaoko atenzi wangu. Ipapo ndingakuburutsirai kuboka iro.” Zvino wakati amuburutsirako vakavawana vakapararira pasi pose, vachidya nokunwa, nokutamba pakati pezvizhinji zvavakanga vapamba, zvavakanga vatora kunyika yavaFirisitia nokunyika yavaJudha. Dhavhidhi akarwa navo kubva parubvunzavaeni kusvikira madeko ezuva repiri; kwakanga kusina munhu wakapukunyuka, asi majaya ana mazana mana, akanga akatasva makamera, ndiwo akatiza. Dhavhidhi akarwira zvose zvakanga zvatorwa navaAmareki; Dhavhidhi akarwirawo vakadzi vake vaviri. Vakanga vasina kurashikirwa nechinhu, kunyange chiduku kana chikuru, kana vanakomana, kana vanasikana, kana nhumbi; kana chinhu chipi nechipi chavakanga vatora; Dhavhidhi wakazvidzosa zvose. Dhavhidhi akatorawo makwai nemombe dzose, vakazvitinha pamberi pezvimwe zvipfuwo, vakati, “Ndizvo zvakapambwa naDhavhidhi.” Zvino Dhavhidhi akasvika kuvarume vana mazana maviri, vaya vakanga vasingagoni kutevera Dhavhidhi nokuneta kwavo, vavakanga vasiya kurukova Besori; ivo vakandosangana naDhavhidhi, nokusanganawo navanhu vakanga vanaye; zvino Dhavhidhi wakati aswedera kwavari, akavakwazisa. Ipapo vanhu vose vakashata, navanhu vakaisvoipa, vakanga vaenda naDhavhidhi, vakapindura vakati, “Zvavasina kuenda nesu, hatingavapi chinhu chimwe chezvakapambwa zvatakandorwira, asi mumwe nomumwe ngaapiwe mukadzi wake navana vake, vavaperekedze, vaende navo.” Ipapo Dhavhidhi akati, “Hamungaiti kudaro, hama dzangu, nezvatakapiwa naJehovha, iye wakatichengeta, akaisa boka rakanga rauya kuzorwa nesu pamaoko edu. Ndianiko ungakuteererai pashoko rakadai? Nokuti mugove wowakaenda kundorwa, uchafanana nomugove wowakasara panhumbi; migove yavo inofanira kufanana.” Zvino kubva pazuva iro iye akatema kuti uve mutemo nomurayiro kuvaIsiraeri kusvikira zuva ranhasi. Zvino Dhavhidhi wakati asvika Zikiragi, akatuma zvimwe zvakanga zvapambwa kuvakuru vavaJudha, idzo hama dzake akati, “Hecho chipo chenyu chezvakapambwa kuvavengi vaJehovha; kuna vakanga vari Bhetieri, nokuna vakanga vari Ramoti kurutivi rwezasi, nokuna vakanga vari Jatiri, nokuna vakanga vari Aroeri, nokuna vakanga vari Sifimoti, nokuna vakanga vari Eshitemoa; nokuna vakanga vari Rakari, nokuna vakanga vari kumaguta avaJerameeri, nokuna vakanga vari pamaguta avaKeni, nokuna vakanga vari Horima, nokuna vakanga vari Korashani, nokuna vakanga vari Ataki, nokuna vakanga vari Hebhuroni, nokuna vose vakanga vari panzvimbo dzaifamba Dhavhidhi amene navanhu vake.”

1 Samueri 30:1-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Dhavhidhi navanhu vake vakasvika kuZikiragi, rava zuva retatu. Vakasvikowana vaAmareki vapamba zvinhu mudunhu reNegevhu nomuguta reZikiragi. Vakanga varwisa Zikiragi variroromesa nomoto. Vakatapa vakadzi navamwe vose vaivamo kubvira kuvaduku kusvikira kuvakuru. Havana wavakauraya asi vakangokukuchana navo ndokuenda. Dhavhidhi navanhu vake vakati vachisvika muguta umu wanei raroromeswa nomoto, madzimai avo navana vavo vakomana navasikana wanei vatapwa. Dhavhidhi navanhu vaaiva navo vakazhamba kusvikira vasisina simba rokuchema. Vakadzi vaDhavhidhi vaviri, Ahinoamu wokuJezireeri naAbhigairi chirikadzi yaNabhari vokuKaremeri vakanga atapwawo. Dhavhidhi akasuruvara kwazvo nokuti vamwe vakanga votoda zvokumutaka namabwe pamusana pokuti vanhu vose vakanga vasuruvara kwazvo vofunga zvino vana vavo vakomana navasikana. Asi Dhavhidhi akawana simba rake muna Tenzi, Mwari wake. Dhavhidhi akati kumupristi Abhiatari mwanakomana waAhimereki, “Uya kuno neefodhi.” Abhiatari akabva auya neefodhi kuna Dhavhidhi. Dhavhidhi akada kunzwa kuti Tenzi anoti kudii nezvinhu izvi akati, “Ndoronda here chikwata ichi? Ndichavabata here?” Mwari ndokumuti, “Varonde zvako unovabata chete ugovanunura.” Dhavhidhi akabva asimukawo namazana matanhatu avarwi vaakanga ainawo. Vakasvika kukakova keBhesori vamwe vavo vakasara ipapo. Asi iye Dhavhidhi navamwe vavo mazana mana vakaramba vachironda. Vamwe mazana maviri vakasarapo, vakanga vaneta kwazvo, vakatadza kuyambuka kakova keBhesori. Kune vamwe vakawana mumwe muIjipiti musango vakauya naye kuna Dhavhidhi. Vakamupa chingwa akadya, vakamupawo mvura yokunwa. Vakamupawo chimedu chechambwa chamakuyu nechisumbu chamagirepisi akaomeswa. Paakanga apedza kudya kudaro, simba rake rakabva radzoka pakare nokuti akanga apedza mazuva matatu, siku nesikati asina kana kuisa chinhu mukanwa kana kunwa mvura zvayo. Dhavhidhi akamubvunza kuti, “Uri wokwaaniko iwe? Unobva kupi?” Iye ndokuti, “Ndiri mukomana wokuIjipiti. Ndiri muranda womumwe muAmareki. Tenzi wangu akangonditiwo njo pano apa ndarwara mazuva matatu apera aya. Takanga tatorwisa dunhu reNegevhu rokuvaKereti, nedunhu reNegevhu rokwaJudha nedunhu reNegevhu rokwaKarebhu, tikapisawo Zikiragi nomoto.” Dhavhidhi akamuti, “Ungakwanise here kundisvitsa kune chikwata ichochi.” Iye akati, “Chimbonditsidziraiwo naMwari kuti hamundiuraye kana kundiisa mumaoko atenzi wangu ndigokusvitsai zvenyu kune chikwata ichocho.” Akadzika naye ikoko wanei vaAmareki vakaita zvavo rurasademo, vakapararira nenzvimbo iyoyo yose vachiti uku runodya, uku runonwa, uku runotamba pamusana pezvose zvavakanga vapamba kunyika yavaFirisitia nokunyika yokwaJudha. Dhavhidhi akavarakatisa kuuraya kubvira parubvunzavaeni kusvikira manheru eramangwana racho. Hakuna akapunyuka kusara kwamajaya mazana mana akatasva ngamera akatiza. Dhavhidhi akadzosa zvose zvakanga zvapambwa navaAmareki, akanunura vakadzi vake vaviri. Hapana chakashayikwa, kana kai zvako kubvira kuvana vakomana navasikana kusvikira kune zvakanga zvapambwa kunyange nezvakanga zvatorwa. Dhavhidhi akadzoka nazvo zvose. Dhavhidhi akavatorerawo mombe dzose nezvimwe zvipfuwo izvozvo. Vanhu vakatinha zvipfuwo izvozvo zviri mberi kwake vachiti, “Izvi ndizvo zvakapambwa naDhavhidhi.” Dhavhidhi akasvika pana varume vaya mazana maviri vakanga vaneta zvokuti vakanga vasisakwanise kuenda naDhavhidhi, vakanga vambosiyiwa vaya pakakova keBhesori. Vakauya kuzochingurana naDhavhidi pamwechete navanhu vaiva naye. Dhavhidhi paakasvika kwavari akavakwazisa. Asi kwaiva navamwe vakaipa mwoyo vomuchokoto pavanhu vakanga vaenda naDhavhidhi vakakonora vachiti, “Pamusana pokuti vanhu ava havana kuenda nesu, hapana chatinovapa pazvinhu zvatakapamba zvatakadzosa izvi asi kuti munhu ngaangotora mukadzi wake navana vake aende.” Asi Dhavhidhi akati, “Kweteka hama dzangu, hamungadaro nezvinhu zvatakangopiwa zvedu naTenzi. Inga Mwari akatichengeta wani akaisa chikwata chavavengi vedu mumaoko edu. Ndiani angabangoteerera zvamuri kutaura? Chiripo chaicho ndechokuti chawana aenda kundorwa ndicho chichawanawo anosara pazvinhu, mugove wavo mumwechete.” Kubvira musi iwoyo zvichienda mberi Dhavhidhi akabva ati uve murao nomutemo weIsiraeri kusvikira pari nhasi. Dhavhidhi paakasvika kuZikiragi akatumira zvimwe zvaakanga apamba kushamwari dzake, vakuru vakuru vokwaJudha achiti, “Hecho chikomborero chezvakapambwa kuvavengi vaTenzi.” Vaakatumira ndeava vanoti: vokuBhetieri, novokudunhu reNegevhu rokuRamoti, kwouya vokuJatiri, novokuAroeri, novokuSifumoti, novokuEshitemoa, kwoti vokuRakari, novokumaguta okuJerahimeeri, novokumaguta okuvaKeni, kwouyawo vokuHoruma, novokuBhorashani, novokuAtaki, kwozoti vokuHebhuroni nokumwe kwose zvako kwaimboshanyirwa naDhavhidhi navarwi vake.

1 Samueri 30:1-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Davidi naʋanhu ʋake ʋakati ʋaciȿika paZikragi nezuʋa retatu, ʋakawana kuti ʋaAmareki ʋakaŋga ʋandopambara kurutiʋi rwezasi, neZikragi ʋo, ʋakakunda Zikragi nokuripisa nomŋoto; ʋakatapa ʋakadzi naʋose ʋakaŋga ʋari’mo, ʋaɗuku naʋakuru; ʋakaŋga ʋasinokuʋuraya munhu, asi ʋakaʋatapa, ʋakaenda haʋo. Ɀino Davidi naʋanhu ʋake ʋakati ʋaciȿika paguta ʋakariwana rapiswa nomŋoto, naʋakadzi ʋaʋo, naʋanakomana ʋaʋo, naʋanasikana ʋaʋo ʋatapxa. Davidi naʋanhu ʋakaŋga ʋanaye ʋakacema kwaɀo, kuȿikira ʋasisina simba rokucema. Naʋakadzi ʋaʋiri ʋaDavidi ʋakaŋga ʋatapxa ʋo, ʋana Ahinoami muJezreeri naAbigairi waiʋa mukadzi waNabari muKarmeri. Davidi akatambudzika ɀikuru, nokuti ʋanhu ʋakaŋga ʋoɗa kumutaka namabge, nokuti mŋoyo yaʋanhu ʋose yakaŋga ineshuŋgu, mumŋe nomumŋe pamsoro paʋanakomana ʋake naʋanasikana ʋake; asi Davidi wakatȿaka simba rake kunaJehova Mŋari wake. Ɀino Davidi akati kunaAbiatari muprista, mŋanakomana waAhimereki: Ƌoʋuya hako pano neefodi. Abiatari akaenda neefodi kunaDavidi. Davidi akabvunza Jehova, akati: Kana ndikateʋera ɓoka iro, ndiŋgaʋaɓata here? Akamupindura, akati: Teʋera hako, nokuti ucaʋaɓata kwaɀo, ʋuye ucarwira ɀose. Naiɀoɀo Davidi akaenda, iye naʋarume ʋanamazana matanhatu ʋaakaŋga anaʋo, ʋakaȿika parukoʋa Besori, pakasara ʋamŋe ʋaakasiya. Asi Davidi wakateʋerera, iye naʋanhu ʋanamazana manna, nokuti ʋanamazana maʋiri ʋakaŋga ʋasara shure, nokuti ʋakaŋga ʋaneta kwaɀo, ʋasiŋgagoni kuyambuka rukoʋa Besori. Ʋakawana muEgipita kusaŋgo, ʋakaʋuya naye kunaDavidi, ʋakamupa ɀokudya, akadya, ʋakamupa ʋo mvura yokunwa; ʋakamupa ʋo cimeɗu ceɓundu ramaʋonde namasumbu maʋiri amazambiriŋga akawomeswa; ɀino wakati adya, mŋeya wake ukararama ɀe mukati make, nokuti wakaŋga asina‐kudya ɀokudya, kana kunwa mvura, mazuʋa matatu noʋusiku ʋutatu. Davidi akati kwaari: Uri waaniko? Unobvepiko? Iye akati: Ndiri jaya rakabva Egipita, muranda womunhu waʋaAmareki; tenzi waŋgu wakandisiya, nokuti mazuʋa matatu akapfuʋura ndakarwara. Takaŋga tandopambara kurutiʋi rwezasi rwaʋaKereti, nokunyika yaJuda, nokurutiʋi rwezasi rwaKarebi, tikapisa ʋo Zikragi nomŋoto. Davidi akati kwaari: Uŋgandiɓurusira kuɓoka iro here? Iye akati: Ndipikirei naMŋari kuti hamuŋgandiʋurayi, kana kundiisa mumaʋoko atenzi waŋgu. Ipapo ndiŋgakuɓurusirai kuɓoka iro. Ɀino wakati amuɓurusira’ko, ʋakaʋawana ʋakapararira pasi pose, ʋacidya, nokunwa, nokutamba pakati peɀizhinji ɀaʋakaŋga ʋapamba, ɀaʋakaŋga ʋatora kunyika yaʋaFiristia nokunyika yaʋaJuda. Davidi akarwa naʋo kubva parubvunza‐ʋaeni kuȿikira maɗeko ezuʋa repiri; kwakaŋga kusinomunhu wakapukunyuka, asi majaya anamazana manna, akaŋga akataȿa makamera, ndiwo akatiza. Davidi akarwira ɀose ɀakaŋga ɀatorwa naʋaAmareki; Davidi akarwira ʋo ʋakadzi ʋake ʋaʋiri. Ʋakaŋga ʋasina‐kurashikirwa necinhu, kunyaŋge ciɗuku kana cikuru, kana ʋanakomana, kana ʋanasikana, kana nhumbi, kana cinhu cipi necipi caʋakaŋga ʋatora; Davidi wakaɀidzosa ɀose. Davidi akatora ʋo makwai neŋombe dzose, ʋakaɀitinha pamberi peɀimŋe ɀipfuwo, ʋakati: Ndiɀo ɀakapambga naDavidi. Ɀino Davidi akaȿika kuʋarume ʋanamazana maʋiri, ʋaya ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kuteʋera Davidi nokuneta kwaʋo, ʋaʋakaŋga ʋasiya kurukoʋa Besori; iʋo ʋakandosoŋgana naDavidi, nokusoŋgana ʋo naʋanhu ʋakaŋga ʋanaye; ɀino Davidi wakati asweɗera kwaʋari, akaʋakwazisa. Ipapo ʋanhu ʋose ʋakashata, naʋanhu ʋakaiȿo‐ipa, ʋakaŋga ʋaenda naDavidi, ʋakapindura, ʋakati: Ɀaʋasina‐kuenda nesu, hatiŋgaʋapi cinhu cimŋe ceɀakapambga ɀatakandorwira, asi mumŋe nomumŋe ŋgaapiwe mukadzi wake naʋana ʋake, ʋaʋaperekedze, ʋaende naʋo. Ipapo Davidi akati: Hamuŋgaiti kuɗaro, hama dzaŋgu, neɀatakapiwa naJehova, iye wakaticeŋgeta, akaisa ɓoka rakaŋga raʋuya kuzorwa nesu pamaʋoko eɗu. Ndianiko uŋgakutererai pashoko rakaɗai? Nokuti mugoʋe wowakaenda kundorwa, ucafanana nomugoʋe wowakasara panhumbi; migoʋe yaʋo inofanira kufanana. Ɀino kubva pazuʋa iro iye akatema kuti uʋe mutemo nomurairo kuʋaIsraeri kuȿikira zuʋa ranhasi. Ɀino Davidi wakati aȿika Zikragi, akatuma ɀimŋe ɀakaŋga ɀapambga kuʋakuru ʋaʋaJuda, idzo hama dzake, akati: Heco cipo cenyu ceɀakapambga kuʋaʋeŋgi ʋaJehova; kunaʋakaŋga ʋari Beti‐eri, nokunaʋakaŋga ʋari Ramoti kurutiʋi rwezasi, nokunaʋakaŋga ʋari Jatiri, nokunaʋakaŋga ʋari Aroeri, nokunaʋakaŋga ʋari Sifmoti, nokunaʋakaŋga ʋari Eshtemoa; nokunaʋakaŋga ʋari Rakari, nokunaʋakaŋga ʋari kumaguta aʋaJerameeri, nokunaʋakaŋga ʋari pamaguta aʋaKeni, nokunaʋakaŋga ʋari Horma, nokunaʋakaŋga ʋari Korashani, nokunaʋakaŋga ʋari Ataki, nokunaʋakaŋga ʋari Hebroni, nokunaʋose ʋakaŋga ʋari panɀimbo dzaifamba Davidi amene naʋanhu ʋake.

1 Samueri 30:1-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)