1 Samueri 3:7-10
1 Samueri 3:7-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Samueri akanga asati amboziva Tenzi, nokuti Tenzi akanga asati ambotaura naye. Tenzi akadaidzazve Sumueri kechitatu. Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akasvikoti, “Ndanzwa muchindidaidza, zvino ndauya.” Eri akazoziva kuti ndiTenzi aidaidza mwana uyu. Saka Eri akati kuna Samueri, “Chidzokera zvako undorara, kana akakudaidzazve unodaira uchiti, ‘Taurai zvenyu imi Tenzi, ini muranda wenyu ndakateerera.’ ” Samueri akaenda zvake akarara panzvimbo yake. Tenzi akauya akamira ndokudaidza sezvaakamboita padzimwe nguva dziya achiti, “Samueri! Samueri!” Samueri ndokuti, “Taurai zvenyu, muranda wenyu ndakateerera.”
1 Samueri 3:7-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi Samueri wakanga achigere kuziva Jehovha, uye shoko raJehovha rakanga richigere kumuziviswa. Zvino Jehovha akapamhazve kudana Samueri rwechitatu. Iye akamuka, akaenda kuna Eri, akati, “Ndiri pano hangu, nokuti mandidana.” Ipapo Eri akaziva kuti ndiJehovha wakadana mwana. Saka Eri akati kuna Samueri, “Chindovata hako; zvino kana iye okudana, uti, ‘Taurai Jehovha, nokuti muranda wenyu unonzwa.’ ” Naizvozvo Samueri akaenda, akandovata panzvimbo yake. Ipapo Jehovha akauya, akamira, akadana sapanguva dzimwe dzokutanga, akati, “Samueri, Samueri!” Samueri akati, “Taurai henyu, nokuti muranda wenyu unonzwa.”
1 Samueri 3:7-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Samueri akanga asati aziva Jehovha. Shoko raJehovha rakanga risati razarurirwa kwaari. Jehovha akadana Samueri kechitatu, Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akati, “Ndiri pano, nokuti mandidana.” Ipapo Eri akaona kuti Jehovha akanga achidana mukomana uyu. Saka Eri akaudza Samueri kuti, “Enda unorara pasi, kana akakudana, uti, ‘Taurai Jehovha, nokuti muranda wenyu akateerera.’ ” Saka Samueri akaenda akandorara pasi, panzvimbo yake. Jehovha akauya akamirapo, akadana sapanguva dzimwe dzose achiti, “Samueri! Samueri!” Ipapo Samueri akati, “Taurai, nokuti muranda wenyu akateerera.”
1 Samueri 3:7-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi Samueri wakanga achigere kuziva Jehovha, uye shoko raJehovha rakanga richigere kumuziviswa. Zvino Jehovha akapamhazve kudana Samueri rwechitatu. Iye akamuka, akaenda kuna Eri, akati, “Ndiri pano hangu, nokuti mandidana.” Ipapo Eri akaziva kuti ndiJehovha wakadana mwana. Saka Eri akati kuna Samueri, “Chindovata hako; zvino kana iye okudana, uti, ‘Taurai Jehovha, nokuti muranda wenyu unonzwa.’ ” Naizvozvo Samueri akaenda, akandovata panzvimbo yake. Ipapo Jehovha akauya, akamira, akadana sapanguva dzimwe dzokutanga, akati, “Samueri, Samueri!” Samueri akati, “Taurai henyu, nokuti muranda wenyu unonzwa.”
1 Samueri 3:7-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Samueri akanga asati amboziva Tenzi, nokuti Tenzi akanga asati ambotaura naye. Tenzi akadaidzazve Sumueri kechitatu. Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akasvikoti, “Ndanzwa muchindidaidza, zvino ndauya.” Eri akazoziva kuti ndiTenzi aidaidza mwana uyu. Saka Eri akati kuna Samueri, “Chidzokera zvako undorara, kana akakudaidzazve unodaira uchiti, ‘Taurai zvenyu imi Tenzi, ini muranda wenyu ndakateerera.’ ” Samueri akaenda zvake akarara panzvimbo yake. Tenzi akauya akamira ndokudaidza sezvaakamboita padzimwe nguva dziya achiti, “Samueri! Samueri!” Samueri ndokuti, “Taurai zvenyu, muranda wenyu ndakateerera.”
1 Samueri 3:7-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi Samueri wakaŋga acigere kuziʋa Jehova, ʋuye shoko raJehova rakaŋga ricigere kumuziʋiswa. Ɀino Jehova akapamha ɀe kuɗana Samueri rwecitatu. Iye akamuka, akaenda kunaEri, akati: Ndiri pano haŋgu, nokuti mandiɗana. Ipapo Eri akaziʋa kuti ndiJehova wakaɗana mŋana. Saka Eri akati kunaSamueri: Cindoʋata hako; ɀino kana iye okuɗana, uti: Taurai Jehova, nokuti muranda wenyu unonzwa. Naiɀoɀo Samueri akaenda, akandoʋata panɀimbo yake. Ipapo Jehova akaʋuya, akamira, akaɗana sapaŋguʋa dzimŋe dzokutaŋga, akati: Samueri, Samueri! Samueri akati: Taurai henyu, nokuti muranda wenyu unonzwa.