1 Samueri 3:19-21
1 Samueri 3:19-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Samueri akakura uye Jehovha aiva naye; uye Jehovha haana kurega kunyange shoko rake rimwe chete richiwira pasi. Uye Israeri yose kubva kuDhani kusvika kuBheerishebha vakaziva kuti Samueri akanga asimbiswa somuprofita waJehovha. Jehovha akaramba achionekwa paShiro, uye ipapo akazviratidza kuna Samueri kubudikidza neshoko rake.
1 Samueri 3:19-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Samueri akakura; Jehovha akava naye, haana kutendera kuti rimwe ramashoko ake riwire pasi. VaIsiraeri vose kubva paDani kusvikira paBheerishebha, vakaziva kuti Samueri wakanga asimbiswa kuva muporofita waJehovha. Zvino Jehovha akazviratidzazve paShiro, nokuti Jehovha wakazviratidza kuna Samueri paShiro neshoko raJehovha.
1 Samueri 3:19-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Samueri akakura. Tenzi akanga ainaye zvokuti muromo wake wakanga usingawiri pasi. Isiraeri yose zvayo, kubvira kuDhani kundosvikira kuBheerishebha vakaziva zvisina ani angapokane, kuti Samueri aiva muprofita waTenzi. Tenzi akaramba achizvionesa paShiro; Tenzi aizviratidza kuna Samueri kushiro nomushoko rake.
1 Samueri 3:19-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Samueri akakura; Jehova akaʋa naye, haana‐kutendera kuti rimŋe ramashoko ake riwire pasi. ƲaIsraeri ʋose, kubva paDani kuȿikira paBeeri‐sheba, ʋakaziʋa kuti Samueri wakaŋga asimbiswa kuʋa muprofita waJehova. Ɀino Jehova akaɀiratidza ɀe paShiro, nokuti Jehova wakaɀiratidza kunaSamueri paShiro neshoko raJehova.
1 Samueri 3:19-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)