Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 3:1-18

1 Samueri 3:1-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mukomana uyu Samueri aishumira pamberi paJehovha ari pasi paEri. Mumazuva iwayo shoko raJehovha rakanga risinganzwiki zvakanyanya, kwakanga kusina zviratidzo zvizhinji. Rimwe zuva usiku, Eri akanga akavata panzvimbo yake yamazuva ose, uye meso ake akanga oonera madzerere, asisagoni kuona zvakanaka. Mwenje waMwari wakanga usati wadzimwa, uye Samueri akanga akarara pasi mutemberi yaJehovha, maiva neareka yaMwari. Ipapo Jehovha akadana Samueri. Samueri akadavira achiti, “Ndiri pano.” Akamhanya kuna Eri akasvikoti, “Ndiri pano, nokuti mandidana.” Eri akati, “Handina kukudana; dzokera unorara.” Saka akaenda akanorara. Jehovha akadana zvakare achiti, “Samueri!” Uye Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akati, “Ndiri pano, nokuti mandidana.” Eri akati, “Mwanakomana wangu, handina kukudana; dzokera unorara.” Zvino Samueri akanga asati aziva Jehovha. Shoko raJehovha rakanga risati razarurirwa kwaari. Jehovha akadana Samueri kechitatu, Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akati, “Ndiri pano, nokuti mandidana.” Ipapo Eri akaona kuti Jehovha akanga achidana mukomana uyu. Saka Eri akaudza Samueri kuti, “Enda unorara pasi, kana akakudana, uti, ‘Taurai Jehovha, nokuti muranda wenyu akateerera.’ ” Saka Samueri akaenda akandorara pasi, panzvimbo yake. Jehovha akauya akamirapo, akadana sapanguva dzimwe dzose achiti, “Samueri! Samueri!” Ipapo Samueri akati, “Taurai, nokuti muranda wenyu akateerera.” Zvino Jehovha akati kuna Samueri, “Tarira, ndava kuda kuita chimwe chinhu muIsraeri chichaita kuti nzeve dzavose vanochinzwa dziunge. Panguva iyoyo ndichaitira Eri zvose zvandakataura pamusoro peimba yake kubva kumavambo kusvika kumagumo. Nokuti ndakamuudza kuti ndichatonga mhuri yake nokusingaperi nokuda kwechivi chaaiziva pamusoro pacho, vanakomana vake vakazvigadzirira kutukwa asi iye haana kuvadzora. Naizvozvo ndakatsidza kuimba yaEri ndichiti, ‘Mhosva yeimba yaEri haingayananisirwi nechibayiro kana nechipo.’ ” Samueri akarara kusvika mangwanani uye akazozarura misuo yeimba yaJehovha. Akatya kuudza Eri chiratidzo chake, asi Eri akamudana akati, “Samueri, mwanakomana wangu.” Samueri akapindura akati, “Ndiri pano.” Eri akabvunza akati, “Wakaudzweiko naJehovha? Usandivanzira hako. Mwari ngaakurange zvakanyanya kana ukandivanzira kana chinhu chimwe zvacho chaakakuudza.” Saka Samueri akamuudza zvose, akasamuvanzira chinhu. Ipapo Eri akati, “NdiJehovha, regai aite zvaanoona zvakanaka.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Samueri 3

1 Samueri 3:1-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino mwana Samueri waibatsira Jehovha pamberi paEri. Asi shoko raJehovha rakanga richinzwika kashoma pamazuva iwayo; Jehovha wakanga asingazviratidzi pachena. Zvino nenguva iyo Eri wakati avata pasi panzvimbo yake, (Meso ake zvino akanga oonera madzerere, asingagoni kuona kwazvo,) mwenje waMwari usati wadzimwa, naSamueri akanga avata pasi patemberi yaJehovha, pakanga pane areka yaMwari; Jehovha akadana Samueri. Iye akati, “Ndiripano hangu.” Akamhanyira kuna Eri, akati, “Ndiripano hangu, nokuti mandidana.” Eri akati, “Handina kukudana, chivata hakozve.” Iye akandovatazve. Ipapo Jehovha akapamhazve kudana, akati, “Samueri!” Samueri akamuka, akaenda kuna Eri, akati, “Ndiripano hangu, nokuti mandidana.” Akapindura akati, “Handina kukudana, mwana wangu; chivata hakozve.” Asi Samueri wakanga achigere kuziva Jehovha, uye shoko raJehovha rakanga richigere kumuziviswa. Zvino Jehovha akapamhazve kudana Samueri rwechitatu. Iye akamuka, akaenda kuna Eri, akati, “Ndiri pano hangu, nokuti mandidana.” Ipapo Eri akaziva kuti ndiJehovha wakadana mwana. Saka Eri akati kuna Samueri, “Chindovata hako; zvino kana iye okudana, uti, ‘Taurai Jehovha, nokuti muranda wenyu unonzwa.’ ” Naizvozvo Samueri akaenda, akandovata panzvimbo yake. Ipapo Jehovha akauya, akamira, akadana sapanguva dzimwe dzokutanga, akati, “Samueri, Samueri!” Samueri akati, “Taurai henyu, nokuti muranda wenyu unonzwa.” Jehovha akati kuna Samueri, “Tarira, ndichaita chinhu pakati paIsiraeri, nzeve dzomumwe nomumwe unochinzwa dzichawunga. Nomusi uyo ndichaitira Eri zvose zvandakataura pamusoro paimba yake, kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira. Nokuti ndakamuudza kuti ndichatongesa imba yake nokusingaperi pamusoro pezvakaipa zvaakanga achiziva hake; nokuti vanakomana vake vakanga vachizvigadzirira kutukwa, asi iye haana kuvadzivisa. “Saka ndakapika pamusoro peimba yaEri, kuti zvakaipa zveimba yaEri hazvingayananiswi nezvibayiro kana nezvipiriso nokusingaperi.” Zvino Samueri akavata kusvikira mangwana, akazarura mikova yeimba yaJehovha. Asi Samueri wakatya kuzivisa Eri zvaakanga aratidzwa. Zvino Eri akadana Samueri, akati “Samueri, mwana wangu.” Iye akati, “Ndiripano hangu.” Akati, “Chinyiko chawakaudzwa naJehovha? Usandivanzira hako chinhu icho; Mwari ngaakurove, arambe achidaro, kana ukandivanzira chinhu chimwe pazvinhu zvose zvaakakuudza.” Ipapo Samueri akamurondedzera zvose‐zvose, haana kumuvanzira chinhu chimwe. Eri akati, “NdiJehovha, ngaaite hake sezvaanoda.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Samueri 3

1 Samueri 3:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mukomana Samueri aishandira Tenzi ari mumaoko aEri. Mazuva iwayo Tenzi akanga asisataure-taure kuvanhu. Kunyeverawo vanhu nezviratidzo kwakanga kwava kushoma chaizvo. Panguva iyoyo zvakaitika kuti mumwe musi Eri akanga arere mumba make, izvozvo meso ake akanga ava kuonera madzerere asisanyatsoona. Rambi raMwari rakanga risati radzima. Samueri akanga arerewo muTemberi yaTenzi maiva nebhokisi raMwari reChitenderano. Ipapo Tenzi ndopaakadaidza Samueri achiti, “Samueri! Samueri!” Samueri akapindura achiti, “Ndiri pano.” Samueri akamhanyira kuna Eri akasvikoti, “Ndanzwa muchindidaidza, zvino ndauya.” Asi Eri akati, “Handina kukudaidza, dzokera undorara zvako.” Akabva adzokera zvake kundorara. Tenzi akadaidzazve achiti, “Samueri!” Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akandoti, “Ndanzwa muchindidaidza, zvino ndauya.” Asi Eri akati, “Handina kukudaidza, mwanangu, dzokera undorara zvako.” Samueri akanga asati amboziva Tenzi, nokuti Tenzi akanga asati ambotaura naye. Tenzi akadaidzazve Sumueri kechitatu. Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akasvikoti, “Ndanzwa muchindidaidza, zvino ndauya.” Eri akazoziva kuti ndiTenzi aidaidza mwana uyu. Saka Eri akati kuna Samueri, “Chidzokera zvako undorara, kana akakudaidzazve unodaira uchiti, ‘Taurai zvenyu imi Tenzi, ini muranda wenyu ndakateerera.’ ” Samueri akaenda zvake akarara panzvimbo yake. Tenzi akauya akamira ndokudaidza sezvaakamboita padzimwe nguva dziya achiti, “Samueri! Samueri!” Samueri ndokuti, “Taurai zvenyu, muranda wenyu ndakateerera.” Ipapo Tenzi akataurira Samueri achiti, “Chinzwa ndava kuzoita chimwe chinhu muIsiraeri chokuti munhu wose anochinzwa anounga nzeve. Pazuva iroro ndichaitira zvose zvandakayambira veimba yake kubvira pakutanga kusvikira pakupedzisira. Ndinenge ndichimuudza pachena kuti ndicharanga imba yake narini, ndinenge ndichimurangira zvitadzo zvaanoziva nokuti vana vake vakaita unhubu, asi iye haana kuvadzora. Saka ini ndakapika kune veimba yaEri ndichiti, ‘Kana narini zvake chitadzo chavo hachizofi chakapfupirwa nezvibayiro kana kuripwa nomupiro.’ ” Samueri akarara zvake kusvikira kwaedza ndokuzondozarura misuo yeimba yaTenzi. Izvozvo Samueri akanga achitya kutaurira Eri zvaakanga aoneswa. Eri akadaidza Samueri achiti, “Nhai Samueri mwanangu.” Iye ndokudavira achiti, “Ndiri pano.” Eri akati, “Chii chawataurirwa naMwari? Rega zvako kundivanza. Mwari ngaawane zvaanoita newe kana ukandivanzira chimwe chinhu pane zvaakakutaurira.” Saka Samueri akavataurira zvose, hapana chaakamuvanzira. Eri akati, “NdiTenzi, anoita zvaanoona kuti ndizvo zvakanaka kwaari.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Samueri 3

1 Samueri 3:1-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino mŋana Samueri waiɓatira Jehova pamberi paEri. Asi shoko raJehova rakaŋga ricinzwika kashoma pamazuʋa iwayo; Jehova wakaŋga asiŋgaɀiratidzi pacena. Ɀino neŋguʋa iyo Eri wakati aʋata pasi panɀimbo yake, (meso ake ɀino akaŋga oʋonera madzerere, asiŋgagoni kuʋona kwaɀo,) mŋenje waMŋari usati wadzimŋa, naSamueri akaŋga aʋata pasi patembere yaJehova, pakaŋga paneareka yaMŋari; Jehova akaɗana Samueri. Iye akati: Ndiri pano haŋgu. Akamhanyira kunaEri, akati: Ndiri pano haŋgu, nokuti mandiɗana. Eri akati: Handina‐kukuɗana, ciʋata hako ɀe. Iye akandoʋata ɀe. Ipapo Jehova akapamha ɀe kuɗana, akati: Samueri! Samueri akamuka, akaenda kunaEri, akati: Ndiri pano haŋgu, nokuti mandiɗana. Akapindura, akati: Handina‐kukuɗana, mŋana waŋgu; ciʋata hako ɀe. Asi Samueri wakaŋga acigere kuziʋa Jehova, ʋuye shoko raJehova rakaŋga ricigere kumuziʋiswa. Ɀino Jehova akapamha ɀe kuɗana Samueri rwecitatu. Iye akamuka, akaenda kunaEri, akati: Ndiri pano haŋgu, nokuti mandiɗana. Ipapo Eri akaziʋa kuti ndiJehova wakaɗana mŋana. Saka Eri akati kunaSamueri: Cindoʋata hako; ɀino kana iye okuɗana, uti: Taurai Jehova, nokuti muranda wenyu unonzwa. Naiɀoɀo Samueri akaenda, akandoʋata panɀimbo yake. Ipapo Jehova akaʋuya, akamira, akaɗana sapaŋguʋa dzimŋe dzokutaŋga, akati: Samueri, Samueri! Samueri akati: Taurai henyu, nokuti muranda wenyu unonzwa. Jehova akati kunaSamueri: Tarira, ndicaita cinhu pakati paIsraeri, nzeʋe dzomumŋe nomumŋe unocinzwa dzicawuŋga. Nomusi uyo ndicaitira Eri ɀose ɀandakataura pamsoro peimba yake, kubva pakutaŋga kuȿikira pakupedzisira. Nokuti ndakamuʋudza kuti ndicatoŋgesa imba yake nokusiŋgaperi pamsoro peɀakaipa ɀaakaŋga aciziʋa hake; nokuti ʋanakomana ʋake ʋakaŋga ʋaciɀigadzirira kutukwa, asi iye haana‐kuʋadziʋisa. Saka ndakapika pamsoro peimba yaEri, kuti ɀakaipa ɀeimba yaEri haɀiŋgayananiswi neɀiɓayiro kana neɀipiriso nokusiŋgaperi. Ɀino Samueri akaʋata kuȿikira maŋgwana, akazarura mikoʋa yeimba yaJehova. Asi Samueri wakatya kuziʋisa Eri ɀaakaŋga aratidzwa. Ɀino Eri akaɗana Samueri, akati: Samueri, mŋana waŋgu. Iye akati: Ndiri pano haŋgu. Akati: Cinyiko cawakaʋudzwa naJehova? Usandiʋanzira hako cinhu ico; Mŋari ŋgaakuroʋe, arambe aciɗaro, kana ukandiʋanzira cinhu cimŋe paɀinhu ɀose ɀaakakuʋudza. Ipapo Samueri akamurondedzera ɀose‐ɀose, haana‐kumuʋanzira cinhu cimŋe. Eri akati: NdiJehova, ŋgaaite hake seɀaanoɗa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Samueri 3

1 Samueri 3:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)