1 Samueri 27:1-12
1 Samueri 27:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi Dhavhidhi akafunga mumwoyo make, akati, “Rimwe ramazuva ano ndichaparadzwa noruoko rwaSauro. Chinhu chiri nani chandingaita ndechokutizira kunyika yavaFiristia. Ipapo Sauro acharega kunditsvaka muIsraeri yose, uye ndichapukunyuka muruoko rwake.” Saka Dhavhidhi akabva navarume mazana matanhatu vakanga vanaye akaenda kuna Akishi mwanakomana waMaoki mambo weGati. Dhavhidhi navanhu vake vakandogara muGati naAkishi. Murume mumwe nomumwe akanga ane mhuri yake, uye Dhavhidhi akanga ana vakadzi vake vaviri vanoti: Ahinoami weJezireeri naAbhigairi weKarimeri, chirikadzi yaNabhari. Sauro akati anzwa kuti Dhavhidhi akanga atizira kuGati, haana kuzomutsvakazve. Ipapo Dhavhidhi akati kuna Akishi, “Kana ndawana nyasha pamberi penyu, regai ndipiwe hangu nzvimbo mune rimwe ramaguta omunyika kuti ndigareko. Muranda wenyu angagara seiko muguta ramambo nemi?” Saka musi iwoyo, Akishi akamupa Zikiragi, uye rikava guta ramadzimambo eJudha kusvikira nhasi. Dhavhidhi akagara munyika yavaFiristia kwegore nemwedzi mina. Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakaenda vakandopamba vaGeshuri, vaGeziri, navaAmareki. (Kubva kare vanhu ava vakanga vachigara munyika yaisvika kuShuri neIjipiti.) Dhavhidhi aiti akarwisa nzvimbo, akanga asingasiyi murume kana mukadzi ari mupenyu, asi aitora makwai nemombe, mbongoro, nengamera, nenguo. Ipapo akadzokera kuna Akishi. Akishi aiti amubvunza kuti, “Wanga waenda kundopamba kupiko nhasi?” Dhavhidhi aiti, “Kurutivi rweZasi kweJudha kana kuti kurutivi rweZasi kweJerameeri kana kuti kurutivi rweZasi kweKeni.” Haana kusiya murume kana mukadzi ari mupenyu kuti auye navo kuGati, nokuti akafunga mumwoyo make kuti, “Vangazotirevera vachiti, ‘Izvi ndizvo zvaitwa naDhavhidhi.’ ” Uye aya ndiwo akanga ari maitiro ake pakugara kwake kwose munyika yavaFiristia. Akishi akavimba naDhavhidhi akati mumwoyo make, “Ava munhu anovengwa kwazvo navanhu vokwake, ivo vaIsraeri, zvokuti achava muranda wangu nokusingaperi.”
1 Samueri 27:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Dhavhidhi akati mumwoyo make, “Mumwe musi ndichaparadzwa hangu noruoko rwaSauro; zviri nani kwazvo kwandiri kuti nditizire kunyika yavaFirisitia; Sauro uchazoora mwoyo pamusoro pangu, akarega kunditsvaka panyika yose yaIsiraeri; saizvozvo ndichapukunyuka paruoko rwake.” Dhavhidhi akasimuka, akayambuka, iye navarume vana mazana matanhatu vaakanga anavo, akaenda kuna Akishi, mwanakomana waMaoki, mambo weGati. Dhavhidhi akagara naAkishi paGati, iye navanhu vake, munhu mumwe nomumwe ane mhuri yake, iye Dhavhidhi ana vakadzi vake vaviri, Ahinoamu muJezereeri, naAbhigairi muKarimeri, waiva mukadzi waNabhari. Sauro akaudzwa kuti Dhavhidhi watizira Gati, akasazomutsvakazve. Zvino Dhavhidhi akati kuna Akishi, “Zvino kana ndakanzwirwa tsitsi nemi, ngandipiwe hangu pokugara pane rimwe guta renyika ino, ndigarepo, nokuti muranda uchagarireiko pamuzinda pamwechete nemi?” Naizvozvo Akishi akamupa Zikiragi nomusi iwoyo; naizvozvo Zikiragi nderamadzimambo aJudha kusvikira nhasi. Zvino mazuva akagara Dhavhidhi panyika yavaFirisitia akasvika gore rose nemwedzi mina. Dhavhidhi navanhu vake vakakwira vakandopambara vaGeshuri navaGirizi, navaAmareki; nokuti marudzi iwayo ndiwo akanga agere panyika iyo kare, kana munhu achienda Shuri kusvikira panyika yeIjipiti. Dhavhidhi akakunda nyika iyo, haana kurega murume kana mukadzi ari mupenyu, akatapa makwai, nemombe, nembongoro, namakamera, nenguo; akadzoka, akasvika kuna Akishi. Akishi akati, “Mandopambara kupiko nhasi?” Dhavhidhi akati, “Kurutivi rwezasi rwavaJudha, nokurutivi rwezasi rwavaJerameeri, nokurutivi rwezasi rwavaKeni.” Dhavhidhi haana kurega murume kana mukadzi ari mupenyu, kuti auye navo paGati, achiti, “Ngavarege kutiudzisira, vachiti, ‘Dhavhidhi wakaita zvokuti nezvokuti, ndiyo tsika yake nguva yose achigere munyika yavaFirisitia.’ ” Akishi akatenda Dhavhidhi achiti, “Wazvivengesa kwazvo navanhu vake Isiraeri; naizvozvo uchava muranda wangu nokusingaperi.”
1 Samueri 27:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Dhavhidhi akazviti nechomumwoyo, “Pangu pachandiperera chete rimwe zuva naSauro uyu. Hapana chimwe chandingaite asi kutokurumidza kutizira kunyika yevaFirisitia. Sauro achabva anetawo nazvo zvokundivhima izvi munyika yose yeIsiraeri, ndigopunyuka mumaoko ake.” Nokudaro Dhavhidhi navanhu vake mazana matanhatu vaaiva navo akasimuka akayambukira kwaAkishi mambo wokuGati, mwanakomana waMaoki. Dhavhidhi akaita musha kuGati achigara naAkishi, iye pamwechete navanhu vake, mumwe nomumwe nemhuri yake. Aiva navakadzi vake vaviri, Abhinoamu wokuJezireeri naAbhigairi wokuKarimeri, chirikadzi yaNabhari. Shoko parakasvika kuna Sauro rokuti Dhavhidhi akatizira kuGati, Sauro akabva aregera zvokumutsvaka. Dhavhidhi akati kuna Akishi, “Kana muchida zvenyu, ndipeiwo nzvimbo yokugara mune rimwe guta renyu rokumaruwa ndigare zvangu ikoko. Zvinenge zvisina kunaka kuti ini muranda wenyu ndigare pamwechete nemi mumuzinda wenyu.” Musi iwoyo, Akishi akamupa guta reZikiragi, nokudaro Zikiragi rakabva rava guta ramadzimambo okwaJudha kusvikira pari nhasi. Dhavhidhi akagara munyika yavaFirisitia gore nemwedzi mina. Dhavhidhi navarwi vake vakakwira kundopamba vaGeshuri nevaGeziri navaAmereki nokuti vanhu ivava kubvira pasichigare ndivo vaigara kumatunhu okunge tava kuenda kuShuru nokuIjipiti. Dhavhidhi paakarwisa matunhu iwayo, haana kumbosiya munhu, murume kana mukadzi, ari mupenyu. Aituta hwai nemombe namadhongi nenghamera nezvokupfeka obva adzokera kuna Akishi. Akishi aizomubvunza kuti, “Ko wanga waenda kundorwisa kupiko nhasi?” Dhavhidhi aiti, “Ndandorwisa Negevhu yokwaJudha,” kana kuti “Negevhu yokwaJerahimeeri neNegevhu yokuvaKeni.” Dhavhidhi haaimbosiya munhu ari mupenyu, murume kana mukadzi kuitira kuti pasawane anounza shoko kuGati rokuti ndizvo zviri kuitwa naDhavhidhi izvi. Ndiko kaiva katsika kaDhavhidhi ikaka nguva yose yaaigara mumatunhu avaFirisitia. Akishi akavimba naDhavhidhi achiti, “Dhavhidhi anyatsozvivengesa chaizvo navanhu vake vechiIsiraeri, saka achagara ari muranda wangu narini.”
1 Samueri 27:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Davidi akati mumŋoyo make: Mumŋe musi ndicaparadzwa haŋgu noruʋoko rwaSauro; ɀirinani kwaɀo kwandiri kuti nditizire kunyika yaʋaFiristia; Sauro ucazoʋora mŋoyo pamsoro paŋgu, akarega kunditȿaka panyika yose yaIsraeri; saiɀoɀo ndicapukunyuka paruʋoko rwake Davidi akasimuka, akayambuka, iye naʋarume ʋanamazana matanhatu ʋaakaŋga anaʋo, akaenda kunaAkishi, mŋanakomana waMaoki, mambo weGati. Davidi akagara naAkishi paGati, iye naʋanhu ʋake, munhu mumŋe nomumŋe anemhuri yake, iye Davidi anaʋakadzi ʋake ʋaʋiri, Ahinoami muJezreeri, naAbigairi muKarmeri, waiʋa mukadzi waNabari. Sauro akaʋudzwa kuti Davidi watizira Gati, akasazomutȿaka ɀe. Ɀino Davidi akati kunaAkishi: Ɀino kana ndakanzwirwa tsitsi nemi, ŋgandipiwe haŋgu pokugara panerimŋe guta renyika ino, ndigare’po, nokuti muranda ucagarireiko pamuzinda pamŋe cete nemi? Naiɀoɀo Akishi akamupa Zikragi nomusi iwoyo; naiɀoɀo Zikragi nderamadzimambo aJuda kuȿikira nhasi. Ɀino mazuʋa akagara Davidi panyika yaʋaFiristia akaȿika gore rose nemŋedzi minna. Davidi naʋanhu ʋake ʋakakwira ʋakandopambara ʋaGeshuri naʋaGirzi, naʋaAmareki; nokuti marudzi iwayo ndiwo akaŋga agere panyika iyo kare, kana munhu acienda Shuri kuȿikira panyika yeEgipita. Davidi akakunda nyika iyo, haana‐kurega murume kana mukadzi ari mupenyu, akatapa makwai, neŋombe, nemboŋgoro, namakamera, neŋguʋo; akadzoka, akaȿika kunaAkishi. Akishi akati: Mandopambara kupiko nhasi? Davidi akati: Kurutiʋi rwezasi rwaʋaJuda, nokurutiʋi rwezasi rwaʋaJerameeri, nokurutiʋi rwezasi rwaʋaKeni. Davidi haana‐kurega murume kana mukadzi ari mupenyu, kuti aʋuye naʋo paGati, aciti: Ŋgaʋarege kutiʋudzisira, ʋaciti: Davidi wakaita ɀokuti neɀokuti, ndiyo tsika yake ŋguʋa yose acigere munyika yaʋaFiristia. Akishi akatenda Davidi, aciti: Waɀiʋeŋgesa kwaɀo naʋanhu ʋake Israeri; naiɀoɀo ucaʋa muranda waŋgu nokusiŋgaperi.
1 Samueri 27:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)