Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 23:15-29

1 Samueri 23:15-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Dhavhidhi paakanga ari paHoreshi muRenje reZifi, akanzwa kuti Sauro akanga auya kuzomuuraya. Uye Jonatani mwanakomana waSauro akaenda kuna Dhavhidhi paHoreshi akamubatsira kuti awane simba muna Mwari. Akati kwaari, “Usatya. Baba vangu Sauro havasi kuzokubata. Iwe uchava mambo weIsraeri, uye ini ndichava wechipiri kwauri. Kunyange baba vangu Sauro vanozviziva izvi.” Vaviri ava vakaita sungano pamberi paJehovha. Ipapo Jonatani akaenda kumba asi Dhavhidhi akasara paHoreshi. VaZifi vakaenda kuna Sauro paGibhea vakati, “Ko, Dhavhidhi haana kuvanda here pakati pedu munhare yapaHoreshi, pachikomo cheHakira, zasi kweJeshimoni? Zvino, imi mambo, burukai pamunodira kuita izvozvo, uye richava basa redu isu kumuisa kwamuri imi mambo.” Sauro akapindura akati, “Jehovha ngaakuropafadzei nokuda kwehanya yamunayo pamusoro pangu. Endai mundonyatsogadzirira. Mutsvakisise muone kunogaroenda Dhavhidhi uye kuti ndiani akamuonako. Ivo vanondiudza kuti iye munhu ano unyengeri kwazvo. Mutsvakisisei pamusoro penzvimbo dzose dzokuvanda dzaanovanda mugodzoka kwandiri neshoko rakananga. Ipapo ndichaenda nemi; kana ari munharaunda, ndichamutsvakisisa pakati pedzimba dzaJudha.” Saka vakasimuka vakaenda kuZifi pamberi paSauro. Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakanga vari muRenje reMaoni, muArabha zasi kweJeshimoni. Sauro navanhu vake vakatanga kutsvaka, uye Dhavhidhi akati azvinzwa akaburuka akaenda kune rimwe dombo uye akagara muRenje reMaoni. Sauro akati anzwa izvi, akaenda kuRenje reMaoni achitevera Dhavhidhi. Sauro akaenda ari kuno rumwe rutivi rwegomo, uye Dhavhidhi navanhu vake vakaenda nokuno rumwe rutivi, vachikurumidza kuti vatize kubva kuna Sauro. Sauro navarwi vake paakanga ava pedyo naDhavhidhi navanhu vake kuti avabate, nhume yakasvika kuna Sauro, ikati, “Uyai nokukurumidza! VaFiristia vava kupamba nyika.” Ipapo Sauro akarega kudzinganisa Dhavhidhi akaenda kundosangana navaFiristia. Ndokusaka vakatumidza nzvimbo iyi kuti Sera Hamarekoti. Zvino Dhavhidhi akakwidza kubva ipapo akandogara munhare dzeEni Gedhi.

1 Samueri 23:15-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Dhavhidhi akaona kuti Sauro wakanga abuda kuzotsvaka kumuuraya, Dhavhidhi akagara murenje reZifi mudondo. Ipapo Jonatani mwanakomana waSauro, akasimuka, akaenda kuna Dhavhidhi mudondo, akamusimbisa muna Mwari. Akati kwaari, “Usatya, nokuti ruoko rwababa vangu Sauro harungakuwani, uchava mambo waIsiraeri, neni ndichava muduku kwauri; nababa vangu Sauro vanozviziva.” Ivo vaviri vakaita sungano pamberi paJehovha; Dhavhidhi akagara mudondo, Jonatani akadzokera kumba kwake. Zvino vaZifi vakakwira kuna Sauro paGibhea vakati, “Ko Dhavhidhi haazinovanda kwatiri, panhare mudondo, mugomo reHakira riri kurutivi rwezasi rwerenje here?” Naizvozvo zvino, mambo burukai, sezvinoda mwoyo wenyu; kana tirisu ndiro basa redu kuti timuise pamaoko amambo. Ipapo Sauro akati, “Imi muropafadzwe naJehovha, nokuti makandinzwira tsitsi. Chiendai henyu, mucherekedze kwazvo, muzive nokuona kwaari, kwaanogara, uye kuti ndianiko wakamuonako; nokuti ndaudzwa kuti unamano kwazvo. Naizvozvo tarisisai, muzive zvakanaka nzvimbo dzake dzose dzaanovanda kwadziri, mugodzokerazve kwandiri, zvirokwazvo, ndiende nemi; zvino kana achinge ari munyika iyo, ndichandomutsvakisisa pakati pezviuru zvavaJudha. Ipapo vakasimuka, vakaenda Zifi pamberi paSauro, asi Dhavhidhi navanhu vake vakanga vari murenje reMaoni paArabha kurutivi rwezasi rwerenje.” Zvino Sauro navanhu vake vakaenda kundomutsvaka. Dhavhidhi akaudzwa izvozvo; naizvozvo akaburukira kudombo, akandogara murenje reMaoni. Zvino Sauro wakati achinzwa, akatevera Dhavhidhi kurenje reMaoni. Sauro akaenda nechokuno kwegomo, Dhavhidhi navanhu vake vakaenda necheseri kwegomo; Dhavhidhi akakurumidza kubva, nokutya Sauro; nokuti Sauro navanhu vake vakanga vakomba Dhavhidhi navanhu vake, kuti vavabate. Asi nhume yakasvika kuna Sauro, ikati, “Kurumidzai, muuye, nokuti vaFirisitia vopambara nyika.” Naizvozvo Sauro akadzoka pakutevera Dhavhidhi, akandorwa navaFirisitia. Naizvozvo vakapatumidza zita rokuti Serahamarekoti. Dhavhidhi akakwira, akabvapo, akandogara munhare dzapaEnigedhi.

1 Samueri 23:15-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Dhavhidhi akazviona kuti Sauro ari kutsvaka kumuuraya. Izvozvo Dhavhidhi aiva zvake kurenje reZifu paHoreshi. Jonatani, mwana waSauro akasimuka akaenda kuna Dhavhidhi kuHoreshi, akamusimbisa muna Mwari. Akamuti, “Usatye zvako nokuti baba vangu havambofa vakakunonga. Iwe ndiwe uchatova mambo weIsiraeri iniwo ndiri mutevedzeri wako. Baba vangu Sauro vanotozvizivawo.” Pauviri hwavo kudaro vakaita chitsidzirano pana Tenzi. Dhavhidhi akasara kuHoreshi, Jonatani akaenda zvake kumusha. Kune vamwe vanhu vokuZifu vakaenda kuna Sauro kuGibhea vakati, “Ko inga iye Dhavhidhi ariko wani kwedu uku kwaari kuhwanda zvake mumapako kuHoreshi muchikomo cheHakira chiri kuchamhembe kweJeshimoni? Ko zvino manga madii zvenyu kuuyako nhai mambo chero pamunenge madira kuuya. Chedu isu kunezenge kwangova kumuisa mumaoko enyu mambo.” Sauro akati, “Tenzi ngaakukomborerei nokuti ndimi vanhu vazondiitirawo tsiye nyoro. Chiendai mundonyatsotarisa muone chaipo paanohwanda mupazive, muzivewo nyakumuonapo wacho nokuti zvinonzi Dhavhidhi akasvinuka kwazvo. Naizvozvo imika monyatsocherechedzawo kwose kwaanohwanda, mudzoke kwandiri mava kunyatsozviziva. Ndipo pandichazoendawo nemi, kana iye achinge ari mudunhu iroro, ndichamuvhima mumhuri dzose dzokwaJudha ndikamunonga chete.” Ivava vakabva pana Sauro vakasimuka vakafanoenda kuZifu. Izvozvo Dhavhidhi navarume vaaiva navo vakanga vari kurenje reMaoni, kuArabha, kuchamhembe kweJeshimoni. Sauro navarume vaaiva navo vakaenda kundomuvhima. Vamwewo ndokunyevera Dhavhidhi, iye ndokubva adzika kumangondo kurenje reMaoni. Shoko iri parakasvika munzeve dzaSauro, akabva aronda Dhavhidhi kurenje reMaoni ikoko. Sauro akaenda nokune rimwe divi regomo, uyuwo Dhavhidhi ari kune rimwe diviwo regomo iroro. Pakanga Dhavhidhi ari mushishi rokutiza Sauro, Sauro navanhu vake vakanga zvino vakwinyirirawo kubata Dhavhidhi navanhu vake. Ndopakabva pasvikawo nhumwa kuna Sauro dzichiti, “Chitokurumidzai zvenyu kudzoka. Uku nyika yapindwa nevaFirisitia.” Sauro akabva adzoka mukuronda Dhavhidhi ovinga vaFirisitia. Naizvozvo nzvimbo iyoyo yakatumidzwa zita rokuti, “Chikomochopatsana.” Dhavhidhi akakwidza obva ipapo akandogara kumapako okuEnigedhi.

1 Samueri 23:15-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Davidi akaʋona kuti Sauro wakaŋga aɓuɗa kuzotȿaka kumuʋuraya, Davidi akagara murenje reZifi muɗondo. Ipapo Jonatani mŋanakomana waSauro, akasimuka, akaenda kunaDavidi muɗondo, akamusimbisa munaMŋari. Akati kwaari: Usatya, nokuti ruʋoko rwaɓaɓa ʋaŋgu Sauro haruŋgakuwani; ucaʋa mambo waIsraeri, neni ndicaʋa muɗuku kwauri; naɓaɓa ʋaŋgu Sauro ʋanoɀiziʋa. Iʋo ʋaʋiri ʋakaita suŋgano pamberi paJehova; Davidi akagara muɗondo, Jonatani akadzokera kumba kwake. Ɀino ʋaZifi ʋakakwira kunaSauro paGibea, ʋakati: Ko Davidi haazinoʋanda kwatiri, panhare muɗondo, mugomo reHakira riri kurutiʋi rwezasi rwerenje here? Naiɀoɀo ɀino, mambo ɓurukai, seɀinoɗa mŋoyo wenyu; kana tiri’su ndiro ɓasa reɗu kuti timuise pamaʋoko amambo. Ipapo Sauro akati: Imi muropafadzwe naJehova, nokuti makandinzwira tsitsi. ciendai henyu, mucerekedze kwaɀo, muziʋe nokuʋona kwaari, kwaanogara, ʋuye kuti ndianiko wakamuʋona’ko; nokuti ndaʋudzwa kuti unamano kwaɀo. Naiɀoɀo tarisisai, muziʋe ɀakanaka nɀimbo dzake dzose dzaanoʋanda kwadziri, mugodzokera ɀe kwandiri ɀirokwaɀo, ndiende nemi; ɀino kana aciŋge ari munyika iyo, ndicandomutȿakisisa pakati peɀuru ɀaʋaJuda. Ipapo ʋakasimuka, ʋakaenda Zifi pamberi paSauro, asi Davidi naʋanhu ʋake ʋakaŋga ʋari murenje reMaoni paAraba kurutiʋi rwezasi rwerenje. Ɀino Sauro naʋanhu ʋake ʋakaenda kundomutȿaka. Davidi akaʋudzwa iɀoɀo; naiɀoɀo akaɓurukira kuɗombo, akandogara murenje reMaoni. Ɀino Sauro wakati aciɀinzwa, akateʋera Davidi kurenje reMaoni. Sauro akaenda necoʋuno kwegomo, Davidi naʋanhu ʋake ʋakaenda neceseri kwegomo; Davidi akakurumidza kubva, nokutya Sauro; nokuti Sauro naʋanhu ʋake ʋakaŋga ʋakomba Davidi naʋanhu ʋake, kuti ʋaʋaɓate. Asi nhume yakaȿika kunaSauro, ikati: Kurumidzai, muʋuye, nokuti ʋaFiristia ʋopambara nyika. Naiɀoɀo Sauro akadzoka pakuteʋera Davidi, akandorwa naʋaFiristia. Naiɀoɀo ʋakapatumidza Sera‐hamarekoti. Davidi akakwira, akabva’po, akandogara munhare dzapaEni‐gedi.

1 Samueri 23:15-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)