1 Samueri 20:32-33
1 Samueri 20:32-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jonatani akabvunza baba vake akati, “Sei achifanira kuurayiwa? Chiiko chaakaita?” Asi Sauro akapotsera pfumo rake kwaari kuti amuuraye. Ipapo Jonatani akaziva kuti baba vake vakanga vachida kuuraya Dhavhidhi.
1 Samueri 20:32-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Jonatani akapindura baba wake Sauro achiti, “Chaanourayirwa chaicho chii? Chii chaakapara?” Asi Sauro akamuregedzera pfumo zvokutoda kumupfuudza zviya. Iyewo Jonatani ndokubva aziva kuti baba wake vatsunga mwoyo kuponda Dhavhidhi.
1 Samueri 20:32-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jonatani akapindura Sauro baba vake, akati kwavari, “Ko unofanira kuurayirwei? Waiteiko?” Ipapo Sauro akaposha pfumo rake kwaari, achida kumubaya. Naizvozvo Jonatani wakaziva kuti baba vake vakagara vafunga kuuraya Dhavhidhi.
1 Samueri 20:32-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jonatani akapindura baba wake Sauro achiti, “Chaanourayirwa chaicho chii? Chii chaakapara?” Asi Sauro akamuregedzera pfumo zvokutoda kumupfuudza zviya. Iyewo Jonatani ndokubva aziva kuti baba wake vatsunga mwoyo kuponda Dhavhidhi.
1 Samueri 20:32-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jonatani akapindura Sauro ɓaɓa ʋake, akati kwaʋari: Ko unofanira kuʋurayirwei? Waiteiko? Ipapo Sauro akaposha pfumo rake kwaari, aciɗa kumuɓaya. Naiɀoɀo Jonatani wakaziʋa kuti ɓaɓa ʋake ʋakagara ʋafuŋga kuʋuraya Davidi.