Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 2:12-26

1 Samueri 2:12-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Vanakomana vaEri vakanga vari vanhu vakaipa; vakanga vasina hanya naJehovha. Zvino yakanga iri tsika yavaprista kuvanhu kuti munhu paaibayira chibayiro uye nyama ichiri kubikwa, muranda womuprista aiuya neforogo ine zvibayiso zvitatu muruoko rwake. Aiinyudza mugango, kana muhadyana, kana mugate kana mupoto, ipapo muprista ozvitorera chero zvainge zvabudiswa neforogo. Aya ndiwo mabatiro avaiita nawo vaIsraeri vose vaiuya kuShiro. Asi, kunyange mafuta asati atsva, muranda womuprista aiuya achiti kumurume aibayira chibayiro, “Ipa muprista nyama yokugocha; haasi kuzogamuchira nyama yakabikwa kubva kwauri, asi mbishi chete.” Kana murume uya aiti kwaari, “Rega mafuta ambotanga atsva uye iwe ugozotora chero zvaunoda,” muranda aibva apindura achiti, “Kwete, ndipe kuno izvozvi; kana ukasandipa ndichaitora nechisimba.” Ichi chivi chamajaya aya chaiva chakakura kwazvo pamberi paJehovha, nokuti vaizvidza chipo chaJehovha. Asi Samueri aishumira pamberi paJehovha, mukomana aive akapfeka efodhi yomucheka. Gore rimwe nerimwe, mai vake vaimuitira nguo diki uye vaienda nayo kwaari pavaienda nomurume wavo kundopa chibayiro chegore. Eri aibva aropafadza Erikana nomukadzi wake achiti, “Jehovha ngaakupe vana nomukadzi uyu kuti vatore nzvimbo youyo waakakumbira uye akamupa kuna Jehovha.” Ipapo vaibva vaenda kumusha kwavo. Zvino Jehovha akava nenyasha kuna Hana; akabata pamuviri akabereka vanakomana vatatu navanasikana vaviri. Zvichakadaro, mukomana uyu Samueri akakura ari pamberi paJehovha. Zvino Eri, uyo akanga akwegura kwazvo, akanzwa zvose zvaiitwa navanakomana vake kuvaIsraeri vose zvokuti vairara namadzimai aishumira pasuo reTende Rokusangana. Saka akati kwavari, “Sei muchiita zvinhu zvakadai? Ndinonzwa navanhu vose pamusoro pezviito zvenyu zvakaipa izvi. Kwete, vana vangu; harisi shoko rakanaka randinonzwa richipararira pakati pavanhu vaJehovha. Kana munhu akatadzira mumwe munhu, Mwari angamumiririre, asi kana munhu akatadzira Jehovha, ndiani angamumiririre?” Kunyange zvakadaro, vanakomana vake havana kuteerera kutsiura kwababa vavo, nokuti kwaiva kuda kwaJehovha kuti avauraye. Zvino mukomana uyu Samueri akaramba achikura pamumhu uye napakudiwa naJehovha navanhu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Samueri 2

1 Samueri 2:12-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino vanakomana vaEri vakanga vari vanhu vakaisvoipa; havana kurangarira Jehovha. Tsika yavapristi pamberi pavanhu yakanga iri iyi, Kana ani nani akauya nechibayiro, muranda womupristi waiuya ane chibayiso chenyama china meno matatu muruoko rwake, kana nyama ichibikwa; zvino ndokubaya nacho mugango, kana muhadyana, kana mugate, kana muhari; zvose zvaibudiswa nechibayiso chenyama zvaitorwa nomupristi. Ndizvo zvavaiitira vaIsiraeri vose vaiuya paShiro. Zvino kunyange vasati vapisa mafuta, muranda womupristi waiuya, ndokuti kumunhu wakanga achibayira, “Ndipe nyama yokugochera mupristi; nokuti haangagamuchiri kwauri nyama yakabikwa, asi mbishi.” Zvino kana munhu uyo akati kwaari, “Ngavatange kupisa mafuta, ugotora hako zvose zvinodikanwa nomwoyo wako,” ipapo iye ndokuti, “Kwete, chindipa iyo zvino; kana usingadi, ndichatora nesimba.” Zvivi zvamajaya zvakanga zviri zvikuru pamberi paJehovha, nokuti vanhu vakazvidza chipiriso chaJehovha. Asi Samueri waibata pamberi paJehovha, achiri mwana wake, akasungwa chiuno neefodhi yomucheka. Namai vakewo vakamuitira nguo duku, vakauya nayo kwaari gore rimwe nerimwe, kana ouya nomurume wake kuzobayira chibayiro chegore rimwe nerimwe. Eri akaropafadza Erikana nomukadzi wake, akati, “Jehovha ngaakupe vana kumukadzi uyu panzvimbo yaiye wamakapa Jehovha.” Vakaenda kumusha kwavo. Zvino Jehovha akashanyira Hana, akava nemimba, akazobereka vanakomana vatatu navanasikana vaviri. Iye mwana Samueri akazokura pamberi paJehovha. Zvino Eri wakanga akwegura kwazvo; akanzwa zvose zvakanga zvichiitirwa vaIsiraeri vose navanakomana vake, namavatire avaiita navakadzi vaibata basa pamukova rokusangana. Akati kwavari, “Munoitireiko zvinhu zvakadai? Nokuti ndinongosinzwa kuvanhu vose ava zvakaipa zvamunoita. Kwete, vana vangu; nokuti mashoko andinonzwa haana kunaka; munodarikisa vanhu vaJehovha. Kana munhu mumwe akatadzira mumwe, mutongi uchamutonga mhosva yake, asi kana munhu akatadzira Jehovha, ndianiko uchamureverera?” Kunyange zvakadaro, havana kuteerera izwi rababa vavo, nokuti Jehovha wakanga achida kuvauraya. Iye mwana Samueri akaramba achikura, akadikanwa naJehovha uye navanhuwo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Samueri 2

1 Samueri 2:12-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zvino vanakomana vaEri vakanga vari vanhu vasina maturo vaiva vasingaremekedzi Tenzi. Zvaiitwa navapristi kuvanhu ndezvizvi zvokuti: painge munhu auya kuzopira chibayiro, mushandi womupristi aiuya neforogo ine mhandi nhatu iyo nyama ichiri kubikwa, obaya nayo mupani kana muketero kana mubhodho kana mupoto. Nyama yose yaibuda yakabayiwa neforogo yaitorwa nomupristi yova yake. Ndizvo zvavaiita kuvaIsiraeri vose vaiuya kuShiro. Zvakazenge zvava kuitikawo ndezvizvi zvokuti: mushandi womupristi aiuya kumunhu ainge achipira chibayiro iwo mafuta asati ambopiswa woti, “Ndipei nyama yokugochera mupristi nokuti mupristi haadi kuti mumupe nyama yakabikwa, asi mbishi chete.” Kwaiti kana munhu iyeyo akati, “Iye zvino izvi, chimbomiraka vatange vanyatsopisa mafuta atsve apere ugoti wotora zvako paunodira.” Mushandi uya aiti, “Aiwa. Chitondipa iye zvino uno. Kana ukaramba, ndava kuita zvechisimba.” Saizvozvo chitadzo chavanakomana vaEri chakanga chakaipa kwazvo chisingambofadzi Tenzi nokuti varume ivava vakanga vasingaremekedzi mupiro waTenzi. Izvozvo Samueri aishandira Tenzi achiri chikomana achipfeka hanzu yeefodhi yerineni. Gore negore amai vake vaimusonera kagemenzi vachimuigira pavaienda nomurume wavo kundopira chibayiro chepagore. Ipapo Eri aikomborera Erikana nomudzimai wake achiti, “Tenzi ngaakupei vana nomudzimai uyu kutsiva iyeyu waakambokumbira sechikwereti kuna Tenzi.” Vakuzobva vodzokera zvavo kumusha kwavo. Tenzi akazoshanyirazve Hana. Akava nembereko zvakare akabereka vana vakomana vatatu navasikana vaviri. Mukomana uyu Samueri akakura aina Tenzi. Eri akanga ava harahwa chaiyo. Akanzwa zvaiitwa navana vake kuvaIsiraeri vose zvokutorana navakadzi vaishanda kumusuwo wetendhe rokusanganira vachiita navo choupombwe. Akavatsiura achiti, “Munoitireiko zvinhu zvakadai? Ndinonzwa vanhu vose vachindiudza zvakaipa zvamunoita. Kweteka vanangu, zvandiri kunzwa izvi hazvina kunaka. Muri kuita kuti vanhu vaMwari vakanganise. Kana munhu akatadzira mumwe munhu, Mwari anomumiririra. Zvino kana munhu akatadzira Tenzi ndiani anomureverera?” Havana zvavo kana kumboteerera baba wavo nokuti Tenzi akanga achida zvake zvokuvaparadza. Izvozvo mukomana uyu Samueri akaramba achikura mhumhu, uye kudiwa kwake naTenzi navanhu kwakaramba kuchikura.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Samueri 2

1 Samueri 2:12-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino ʋanakomana ʋaEri ʋakaŋga ʋari ʋanhu ʋakaiȿo‐ipa; haʋana‐kuraŋgarira Jehova. Tsika yaʋaprista pamberi paʋanhu yakaŋga iri iyi: Kana aninani akaʋuya neciɓayiro, muranda womuprista waiʋuya aneciɓayiso cenyama cinameno matatu muruʋoko rwake, kana nyama iciɓikwa; ɀino ndokuɓaya naco mugaŋgo, kana muharyana, kana mugate, kana muhari; ɀose ɀaiɓuɗiswa neciɓayiso cenyama ɀaitorwa nomuprista. Ndiɀo ɀaʋaiitira ʋaIsraeri ʋose ʋaiʋuya paShiro. Ɀino kunyaŋge ʋasati ʋapisa mafuta, muranda womuprista waiʋuya, ndokuti kumunhu wakaŋga aciɓayira: Ndipe nyama yokugocera muprista; nokuti haaŋgagamuciri kwauri nyama yakaɓikwa, asi mbishi. Ɀino kana munhu uyo akati kwaari: Ŋgaʋataŋge kupisa mafuta, ugotora hako ɀose ɀinoɗikanwa nomŋoyo wako, ipapo iye ndokuti: Kwete, cindipa iyo ɀino; kana usiŋgaɗi, ndicaitora nesimba. Ɀiʋi ɀamajaya ɀakaŋga ɀiri ɀikuru pamberi paJehova, nokuti ʋanhu ʋakaɀidza cipiriso caJehova. Asi Samueri waiɓata pamberi paJehova, aciri mŋana hake, akasuŋgwa ciʋuno neefodi yomuceka. Namai ʋake ʋo ʋakamuitira ŋguʋo ɗuku, ʋakaʋuya nayo kwaari gore rimŋe nerimŋe, kana oʋuya nomurume wake kuzoɓayira ciɓayiro cegore rimŋe nerimŋe. Eri akaropafadza Erikana nomukadzi wake, akati: Jehova ŋgaakupe ʋana kumukadzi uyu panɀimbo yaiye wamakapa Jehova. Ʋakaenda kumusha kwaʋo. Ɀino Jehova akashanyira Hana, akaʋa nemimba, akazoɓereka ʋanakomana ʋatatu naʋanasikana ʋaʋiri. Iye mŋana Samueri akazokura pamberi paJehova. Ɀino Eri wakaŋga akwegura kwaɀo; akanzwa ɀose ɀakaŋga ɀiciitirwa ʋaIsraeri ʋose naʋanakomana ʋake, namaʋatire aʋaiita naʋakadzi ʋaiɓate‐ɓasa pamukoʋa wetente rokusoŋgana. Akati kwaʋari: Munoitireiko ɀinhu ɀakaɗai? Nokuti ndinoŋgosinzwa kuʋanhu ʋose aʋa ɀakaipa ɀamunoita. Kwete, ʋana ʋaŋgu; nokuti mashoko andinonzwa haana‐kunaka; munoɗarikisa ʋanhu ʋaJehova. Kana munhu mumŋe akatadzira mumŋe, mutoŋgi ucamutoŋga mhoȿa yake; asi kana munhu akatadzira Jehova, ndianiko ucamureʋerera? Kunyaŋge ɀakaɗaro, haʋana kuterera inzwi raɓaɓa ʋaʋo, nokuti Jehova wakaŋga aciɗa kuʋaʋuraya. Iye mŋana Samueri akaramba acikura, akaɗikanwa naJehova ʋuye naʋanhu ʋo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Samueri 2

1 Samueri 2:12-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)