1 Samueri 2:1-2
1 Samueri 2:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Hana akadetemba kunamata achiti: “Mwoyo wangu unofara naTenzi naiye Tenzi ndasimbaradzwa nomuromo wangu ndavakutotafurirawo vavengi vangu nokuti ndinofara nokununura kwenyu. Hapana anoera saTenzi. Hakuna mumwe kusiya imi. Hakuna rimwe bako kunze kwaMwari wedu.
1 Samueri 2:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Hana akanyengetera achiti: “Mwoyo wangu unofara muna Jehovha; muna Jehovha runyanga rwangu rwasimudzirwa kumusoro. Muromo wangu unotaura usingatyi pamusoro pavavengi vangu, nokuti ndinofarira ruponeso rwenyu. “Hakuna mutsvene akaita saJehovha; hakuna mumwe kunze kwenyu; hakuna Dombo rakaita saMwari wedu.
1 Samueri 2:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hana akanyengetera, akati, “Mwoyo wangu unofarira Jehovha, Runyanga rwangu rwakakwiridzwa muna Jehovha; Muromo wangu wakashamira vavengi vangu; Nokuti ndinofarira ruponeso rwenyu. Hakuna mutsvene wakafanana naJehovha; Nokuti hakuna mumwe kunze kwenyu. Uye hakuna dombo rakafanana naMwari wedu.
1 Samueri 2:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hana akadetemba kunamata achiti: “Mwoyo wangu unofara naTenzi naiye Tenzi ndasimbaradzwa nomuromo wangu ndavakutotafurirawo vavengi vangu nokuti ndinofara nokununura kwenyu. Hapana anoera saTenzi. Hakuna mumwe kusiya imi. Hakuna rimwe bako kunze kwaMwari wedu.
1 Samueri 2:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Hana akanyeŋgetera, akati: Mŋoyo waŋgu unofarira Jehova, Runyaŋga rwaŋgu rwakakwiridzwa munaJehova; Muromo waŋgu wakashamira ʋaʋeŋgi ʋaŋgu; Nokuti ndinofarira ruponeso rwenyu. Hakunomutȿene wakafanana naJehova; Nokuti hakunomumŋe kunze kwenyu. Ʋuye hakuneɗombo rakafanana naMŋari weɗu.