Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 19:1-24

1 Samueri 19:1-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Sauro akataurira mwanakomana wake Jonatani navaranda vake vose kuti vauraye Dhavhidhi. Asi Jonatani aida Dhavhidhi zvikuru akamuudza akati, “Baba vangu Sauro vari kutsvaka mukana wokukuuraya. Ungware, mangwana mangwanani; uende undovanda uye ugare ikoko. Ini ndichabuda ndigondomira nababa vangu mumunda maunenge uri. Ndichataura navo pamusoro pako ndigozokuudza zvandinenge ndaona.” Jonatani akataura zvakanaka pamusoro paDhavhidhi kuna Sauro baba vake akati kwavari, “Mambo ngaarege kuita zvakaipa kumuranda wake Dhavhidhi; haana kukutadzirai, uye zvaakaita zvakakubatsirai zvikuru kwazvo. Akabata upenyu hwake mumaoko ake paakauraya muFiristia. Jehovha akakundira vaIsraeri vose nokukunda kukuru, uye imi makazviona mukafara. Zvino munoitireiko zvakaipa kumunhu asina mhosva saDhavhidhi nokumuuraya pasina chikonzero?” Sauro akateerera kuna Jonatani akaita mhiko iyi achiti, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, Dhavhidhi haangaurayiwi.” Saka Jonatani akadana Dhavhidhi sapamazuva akare akamuudza zvose zvavakanga vataurirana. Akauya naye kuna Sauro, uye Dhavhidhi akava naSauro. Hondo yakavapozve, Dhavhidhi akabuda akaenda akandorwa navaFiristia. Akavauraya nokuuraya kukuru zvokuti vakatiza pamberi pake. Asi mweya wakaipa wakabva kuna Jehovha wakauya pamusoro paSauro paakanga agere mumba make ane pfumo rake muruoko rwake. Dhavhidhi paakanga achiridza mbira, Sauro akaedza kumubayira kumadziro nepfumo rake, asi Dhavhidhi akamunzvenga Sauro akabayira pfumo mukati mamadziro. Usiku ihwohwo Dhavhidhi akatiza, akapunyuka. Sauro akatuma vanhu kumba kwaDhavhidhi kuti vairinde uye kuti vamuuraye mangwanani. Asi Mikari, mukadzi waDhavhidhi, akamuudza kuti, “Kana ukasatiza noupenyu hwako manheru ano, mangwana uchaurayiwa.” Saka Mikari akaburutsa Dhavhidhi napawindo, iye akatiza akapunyuka. Ipapo Mikari akatora chidhori akachiradzika pamubhedha, akachifukidza nejira akaisa mvere dzembudzi kumusoro wacho. Sauro akati atuma vanhu kundobata Dhavhidhi, Mikari akati, “Ari kurwara.” Ipapo Sauro akadzorera vanhu kwakare kuti vandoona Dhavhidhi akataura kwavari akati, “Uyai naye kuno kwandiri ari pamubhedha wake kuti ndigomuuraya.” Asi varume vakati vapinda, vakaona kuti pakanga pane chidhori pamubhedha, uye kuti pamusoro wacho paiva nemvere dzembudzi. Sauro akati kuna Mikari, “Seiko wakandinyengera kudai uchiendesa muvengi wangu kure kuti apunyuke?” Mikari akamuudza kuti, “Iye ati kwandiri, ‘Ndirege ndiende hangu. Ndichakuurayireiko iwe?’ ” Dhavhidhi akati atiza, apunyuka, akaenda kuna Samueri kuRama akamuudza zvose zvakanga zvaitwa kwaari naSauro. Ipapo iye naSamueri vakaenda kuNayoti vakandogarako. Shoko rakasvika kuna Sauro richiti, “Dhavhidhi ari kuNayoti paRama.” Saka akatuma vanhu kundomubata. Asi vakati vaona boka ravaprofita vachiprofita, naSamueri amire ipapo somutungamiri wavo, Mweya waMwari wakauya pamusoro pavanhu vaSauro, naivowo vakaprofita. Sauro akaudzwa nezvazvo, akatumazve vamwe varume, naivowo vakaprofita. Pakupedzisira, iye akaendawo kuRama akaenda kutsime guru rapaSeku. Zvino akabvunza akati, “Samueri naDhavhidhi varipiko?” Ivo vakati, “Uko kuNayoti paRama.” Saka Sauro akaenda kuNayoti paRama. Asi Mweya waMwari wakauya kunyange pamusoro pake, akafamba achiprofita kusvikira kuNayoti. Akabvisa nguo dzake akaprofitawo pamberi paSamueri uye akavata pasi akashama zuva rose nousiku hwose. Naizvozvo vanhu vanoti, “NaSaurowo ari pakati pavaprofita here?”

1 Samueri 19:1-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Sauro akataura naJonatani mwanakomana wake, navaranda vake vose, kuti vauraye Dhavhidhi. Asi Jonatani mwanakomana waSauro, wakanga achifarira Dhavhidhi kwazvo. Naizvozvo Jonatani akaudza Dhavhidhi, akati, “Sauro, baba vangu, vanotsvaka kukuuraya; naizvozvo zvino, chenjera kwazvo mangwana, ugare pakavanda, uvande; ini ndichabuda, ndichandomira kuna baba vangu mumunda, mauri, nditaurirane nababa vangu pamusoro pako; kana ndichinge ndikaona chinhu, ndichakuudza.” Ipapo Jonatani akareverera Dhavhidhi zvakanaka kuna Sauro baba vake, akati kwavari, “Mambo ngaarege kutadzira Dhavhidhi muranda wake, nokuti iye haana kukutadzirai imi, asi wakakuitirai zvakanaka kwazvo; nokuti wakabata upenyu hwake mumaoko ake, akauraya muFirisitia; Jehovha akakundisa vaIsiraeri nokukunda kukuru; imi makazviona, mukafara; naizvozvo muchatadzireiko ropa risine mhosva, mukauraya Dhavhidhi asine mhaka hake?” Sauro akaterera izwi raJonatani, Sauro akapika akati, “NaJehovha mupenyu, haangaurawi!” Zvino Jonatani akadana Dhavhidhi, Jonatani akamuzivisa zvinhu izvo zvose. Jonatani akaenda naDhavhidhi kuna Sauro, akagara pamberi pake sapakutanga. Zvino kurwa kukavapozve, Dhavhidhi akabuda kundorwa navaFirisitia, akavauraya nokuuraya kukuru, vakatiza pamberi pake. Mweya wakaipa, wakanga watumwa naJehovha, ukauya pamusoro paSauro, agere mumba make ane pfumo rake muruoko rwake; Dhavhidhi akaridza noruoko rwake. Sauro akaidza kubayira Dhavhidhi pamadziro nepfumo; Dhavhidhi akatiza, akapukunyuka usiku uhwo. Ipapo Sauro akatuma nhume kumba kwaDhavhidhi kumurinda nokumuuraya mangwanani; Mikari mukadzi waDhavhidhi, akamuudza akati, “Kana ukasaponesa upenyu hwako usiku hwuno, uchaurawa mangwana.” Naizvozvo Mikari akaburutsa Dhavhidhi pasi napawindo; akaenda, akatiza, akapukunyuka. Mikari akatora terafimi, akairadzika panhoo, akaisa mutsamiro wemvere dzembudzi pamusoro wayo, akaifukidza nejira. Zvino Sauro wakati achituma nhume kuzobata Dhavhidhi, iye akati, “Unorwara.” Ipapo Sauro akatuma nhume kuzotarira Dhavhidhi akati, “Uyai naye kwandiri ari panhoo, ndimuuraye.” Zvino nhume dzakati dzichipinda, dzikaona terafimi iri panhoo nomutsamiro wemvere dzembudzi pamusoro wayo. Sauro akati kuna Mikari, “Wandinyengereiko kudai, ukarega muvengi wangu achienda, akapukunyuka?” Mikari akapindura Sauro achiti, Iye wakati kwandiri, “Ndirege, ndiende; ndichakuurayireiko?” Dhavhidhi akatiza, akapukunyuka, akasvika kuna Samueri paRama, akamuudza zvose zvaakanga aitirwa naSauro. Iye naSamueri vakandogara Naioti. Zvino Sauro wakaudzwa, zvichinzi, “Tarirai, Dhavhidhi uri Naioti paRama.” Sauro akatuma nhume kundobata Dhavhidhi; asi idzo dzakati dzichiona boka ravaporofita vachiporofita, naSamueri amire ari mutungamiriri wavo, Mweya waMwari akauya pamusoro penhume dzaSauro, naidzo dzikaporofitawo. Zvino Sauro wakati achiudzwa izvozvo, akatumazve dzimwe nhume, naidzo dzikaporofitawo. Ipapo Sauro akatumazve nhume rwechitatu, naidzo dzikaporofitawo. Zvino naiye akaendawo Rama, akasvika patsime guru riri paSeku, akabvunza akati, “VanaSamueri naDhavhidhi varipiko?” Mumwe akati, “Tarirai, vari Naioti paRama.” Iye akaendako Naioti paRama, Mweya waMwari wakauya pamusoro pakewo, akafamba achiporofita kudzimara asvika Naioti paRama. Akabvisawo nguo dzake, akaporofita pamberi paSamueri, akavata pasi, asakafuka, zuva iro rose nousiku uhwo hwose. Naizvozvo vanoti, “Sauro uri pakati pavaporofitawo here?”

1 Samueri 19:1-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Sauro akataurira mwanakomana wake Jonatani namakurukota ake ose kuti vanofanira kuuraya Dhavhidhi. Asi Jonatani, mwana wake aifarira Dhavhidhi kwazvo. Jonatani akanyevera Dhavhidhi kuti, “Baba vangu, Sauro vanoda kukuuraya. Saka iwe uzozvichenjerera mangwanani undohwanda pamwe pausingaonekwe, ugarepo. Ini ndichabuda ndigoenda kundomira zvangu nababa wangu mumunda maunenge uri. Ndichakurukura nababa vangu nezvako, kana paine chandinenge ndanzwa ndichakutaurira.” Jonatani akakurukura nababa wake Sauro achirumbidza Dhavhidhi achiti kwavari, “Dai mambo marega zvenyu kukanganisira muranda wenyu Dhavhidhi nokuti iye haana kumbokutadzirai, uyewo nokuti zvaanga achikuitirai, zvakanaka kwazvo. Chandinodariro ndechokuti akaisa upenyu hwake munjonzi yorufu akauraya muFirisitia uya, Tenzi akanunura chaizvo Isiraeri yose. Inga imi makazvionawo wani mukapembera kufara. Seiko muchida kutadzira munhu asina mhosva, muchida kuuraya Dhavhidhi pasina chikonzero?” Sauro akateerera zvaitaurwa naJonatani akabva apika achiti, “NaTenzi mupenyu chaiye, haambofa akaurayiwa.” Jonatani akadaidza Dhavhidhi akamutaurira zvose izvozvi. Jonatani akaenda naDhavhidhi kuna Sauro, Dhavhidhi akamushandira sezvaasiita. Kwakamuka zvakare imwe hondo, Dhavhidhi akaenda akandorwa navaFirisitia akauraya vakawanda kwazvo pakati pavo vamwe vakadzvamuka kumutiza. Mweya wakaipa wakabva kuna Tenzi wakauya pana Sauro agere mumba make pfumo rake riri mumaoko, Dhavhidhi achiridza zvake dimbwa. Sauro akati regai ndibayirire Dhavhidhi kumadziro nepfumo. Asi Dhavhidhi akanzvenga Sauro akandobayirira pfumo rake kumadziro, Dhavhidhi akatiza akapunyuka. Sauro akatumira vanhu kumba kwaDhavhidhi kuti vamugarire vazomuuraya mangwanani acho. Zvino mukadzi waDhavhdhi, Mikari akamubayira zani achiti, “Kana ukarega kuzviponesa zvako usiku hwanhasi, mangwana uri kuurayiwa.” Mikari akaburitsa Dhavhidhi napahwindo ndokubva atiza akapunyuka. Mikari akatora chifananidzo akachirarisa pamubhedha akaisa chichira chemvere dzembudzi kumusoro kwacho akachifugidza nejira. Sauro paakatuma vanhu kuzobata Dhavhidhi Mikari akati, “Ari kurwara.” Sauro akadzosera vanhu ivava kundoona Dhavhidhi achiti, “Uyai naye kwandiri ari pamubhedha ipapo, ndimuuraye.” Kuzoti vanhu vaya vasvikako wanei chifananidzo ndochiri pamubhedha nechichira chemvere dzembudzi chiri kumusoro. Sauro akabvunza Mikari kuti, “Wandinyengedzerei kudai kurega zvako muvengi wangu achipunyuka?” Mikari akapindura Sauro achiti, “Aiwa, iye akanditi, ‘Chitondirega ndiende, ungapafe pano.’ ” Dhavhidhi akatiza akapunyuka akasvika kuna Samueri kuRama, akamurondedzera zvose zvaakaitirwa naSauro. Iye naSamueri vakaenda kundogara zvavo kuNaioti. Shoko rakasvika kuna Sauro rokuti Dhavhidhi ari paNaioti kuRama. Sauro ndokutuma nhume kundobata Dhavhidhi. Asi pavakasvikoona boka ravaporofita richiporofita, richitungamirirwa naSamueri akanga amirepo, Mweya waMwari wakauyawo panhumwa dzaSauro dziya dzikabva dzaporofitawo. Shoko irori parakasvika kuna Sauro, akatumirazve dzimwe nhumwa ikoko, naidzowo dzakasvikowirawo mukuporofita. Sauro akatumirako dzimwe nhumwa rwechitatu ivowo vakasvikowirawo mukuporofita. Akazoenda iye pachake kuRama ikoko. Akasvika patsime guru kwaSeku akabvunza kuti, “Samueri naDhavhidhi vari kupi?” Mumwewo akati, “Vari paNaioti kuRama uku.” Naizvozvo akabvapo ndokuenda kuNaioti kuRama. Mweya waMwari wakauyawo paari akafamba nzira yose achiporofita kudzamara asvika paNaioti kuRama. Iye akakatanurawo hanzu dzake, akaporofitawo ari paiva naSamueri, akanga akati umburu kurara asina chaakapfeka muswere wose wezuva nousiku hwose. Ndokusaka kune tsumo inoti, “Sauro avawo mumwe wavaporofita nhai?”

1 Samueri 19:1-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Sauro akataura naJonatani mŋanakomana wake, naʋaranda ʋake ʋose, kuti ʋaʋuraye Davidi. Asi Jonatani mŋanakomana waSauro, wakaŋga acifarira Davidi kwaɀo. Naiɀoɀo Jonatani akaʋudza Davidi, akati: Sauro, ɓaɓa ʋaŋgu, ʋanotȿaka kukuʋuraya; naiɀoɀo ɀino, cenjera kwaɀo maŋgwana, ugare pakaʋanda, uʋande; ini ndicaɓuɗa, ndicandomira kunaɓaɓa ʋaŋgu mumunda, mauri, nditaurirane naɓaɓa ʋaŋgu pamsoro pako; kana ndiciŋge ndikaʋona cinhu, ndicakuʋudza. Ipapo Jonatani akareʋerera Davidi ɀakanaka kunaSauro ɓaɓa ʋake, akati kwaʋari: Mambo ŋgaarege kutadzira Davidi muranda wake, nokuti iye haana‐kukutadzirai imi, asi wakakuitirai ɀakanaka kwaɀo; nokuti wakaɓata ʋupenyu bgake mumaʋoko ake, akaʋuraya muFiristia; Jehova akakundisa ʋaIsraeri nokukunda kukuru; imi makaɀiʋona, mukafara; naiɀoɀo mucatadzireiko ropa risinemhoȿa, mukaʋuraya Davidi asinemhaka hake? Sauro akaterera inzwi raJonatani, Sauro akapika, akati: NaJehova mupenyu, haaŋgaʋurawi! Ɀino Jonatani akaɗana Davidi, Jonatani akamuziʋisa ɀinhu iɀo ɀose. Jonatani akaenda naDavidi kunaSauro, akagara pamberi pake sapakutaŋga. Ɀino kurwa kukaʋa’po ɀe, Davidi akaɓuɗa kundorwa naʋaFiristia, akaʋaʋuraya nokuʋuraya kukuru, ʋakatiza pamberi pake. Mŋeya wakaipa, wakaŋga watumŋa naJehova, ukaʋuya pamsoro paSauro, agere mumba make anepfumo rake muruʋoko rwake; Davidi akaridza noruʋoko rwake. Sauro akaidza kuɓayira Davidi pamadziro nepfumo; Davidi akatiza, akapukunyuka ʋusiku ubgo. Ipapo Sauro akatuma nhume kumba kwaDavidi kumurinda nokumuʋuraya maŋgwanani; Mikari mukadzi waDavidi, akamuʋudza, akati: Kana ukasaponesa ʋupenyu bgako ʋusiku bguno, ucaʋurawa maŋgwana. Naiɀoɀo Mikari akaɓurusa Davidi pasi napawindi; akaenda, akatiza, akapukunyuka. Mikari akatora terafimi, akairadzika panhoʋo, akaisa mutsamiro wemvere dzembudzi pamusoro wayo, akaifukidza nejira. Ɀino Sauro wakati acituma nhume kuzoɓata Davidi, iye akati: Unorwara. Ipapo Sauro akatuma nhume kuzotarira Davidi, akati: Ʋuyai naye kwandiri ari panhoʋo, ndimuʋuraye. Ɀino nhume dzakati dzicipinda, dzikaʋona terafimi iri panhoʋo nomutsamiro wemvere dzembudzi pamusoro wayo. Sauro akati kunaMikari: Wandinyeŋgereiko kuɗai, ukarega muʋeŋgi waŋgu acienda, akapukunyuka? Mikari akapindura Sauro, aciti: Iye wakati kwandiri: Ndirege, ndiende; ndicakuʋurayireiko? Davidi akatiza, akapukunyuka, akaȿika kunaSamueri paRama, akamuʋudza ɀose ɀaakaŋga aitirwa naSauro. Iye naSamueri ʋakandogara Naioti. Ɀino Sauro wakaʋudzwa, ɀicinzi: Tarirai, Davidi uri Naioti paRama. Sauro akatuma nhume kundoɓata Davidi; asi idzo dzakati dziciʋona ɓoka raʋaprofita ʋaciprofita, naSamueri amire ari mutuŋgamiriri waʋo, Mŋeya waMŋari akaʋuya pamsoro penhume dzaSauro, naidzo dzikaprofita ʋo. Ɀino Sauro wakati aciʋudzwa iɀoɀo, akatuma ɀe dzimŋe nhume, naidzo dzikaprofita ʋo. Ipapo Sauro akatuma ɀe nhume rwecitatu, naidzo dzikaprofita ʋo. Ɀino naiye akaenda ʋo Rama, akaȿika patsime guru riri paSeku, akabvunza, akati: ƲanaSamueri naDavidi ʋaripiko? Mumŋe akati: Tarirai, ʋari Naioti paRama. Iye akaenda’ko Naioti paRama, Mŋeya waMŋari akaʋuya pamsoro pake ʋo, akafamba aciprofita kudzimana aȿika Naioti paRama. Akabvisa ʋo ŋguʋo dzake, akaprofita pamberi paSamueri, akaʋata pasi, asakafuka, zuʋa iro rose noʋusiku ubgo bgose. Naiɀoɀo ʋanoti: Sauro uri pakati paʋaprofita ʋo here?

1 Samueri 19:1-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)