1 Samueri 19:1-2
1 Samueri 19:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Sauro akataurira mwanakomana wake Jonatani namakurukota ake ose kuti vanofanira kuuraya Dhavhidhi. Asi Jonatani, mwana wake aifarira Dhavhidhi kwazvo. Jonatani akanyevera Dhavhidhi kuti, “Baba vangu, Sauro vanoda kukuuraya. Saka iwe uzozvichenjerera mangwanani undohwanda pamwe pausingaonekwe, ugarepo.
1 Samueri 19:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Sauro akataurira mwanakomana wake Jonatani navaranda vake vose kuti vauraye Dhavhidhi. Asi Jonatani aida Dhavhidhi zvikuru akamuudza akati, “Baba vangu Sauro vari kutsvaka mukana wokukuuraya. Ungware, mangwana mangwanani; uende undovanda uye ugare ikoko.
1 Samueri 19:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Sauro akataura naJonatani mwanakomana wake, navaranda vake vose, kuti vauraye Dhavhidhi. Asi Jonatani mwanakomana waSauro, wakanga achifarira Dhavhidhi kwazvo. Naizvozvo Jonatani akaudza Dhavhidhi, akati, “Sauro, baba vangu, vanotsvaka kukuuraya; naizvozvo zvino, chenjera kwazvo mangwana, ugare pakavanda, uvande
1 Samueri 19:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Sauro akataurira mwanakomana wake Jonatani namakurukota ake ose kuti vanofanira kuuraya Dhavhidhi. Asi Jonatani, mwana wake aifarira Dhavhidhi kwazvo. Jonatani akanyevera Dhavhidhi kuti, “Baba vangu, Sauro vanoda kukuuraya. Saka iwe uzozvichenjerera mangwanani undohwanda pamwe pausingaonekwe, ugarepo.
1 Samueri 19:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Sauro akataura naJonatani mŋanakomana wake, naʋaranda ʋake ʋose, kuti ʋaʋuraye Davidi. Asi Jonatani mŋanakomana waSauro, wakaŋga acifarira Davidi kwaɀo. Naiɀoɀo Jonatani akaʋudza Davidi, akati: Sauro, ɓaɓa ʋaŋgu, ʋanotȿaka kukuʋuraya; naiɀoɀo ɀino, cenjera kwaɀo maŋgwana, ugare pakaʋanda, uʋande