1 Samueri 17:20-39
1 Samueri 17:20-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Dhavhidhi akafumomuka akasiya hwai dziine mumwe wokudzichengeta. Akatora mbuva iya woenda sokuudzwa kwaangakanga aitwa naJese. Akasvika pamatendhe izvozvo varwi vakanga vachitobuda vachienda kundoronganirana hondo, ngondo ichirira. VaIsiraeri navaFirisitia vakanga zvino vamirisana chikwata nechikwata chavarwi zvakatarisana. Dhavhidhi akasiya zvinhu zvake mumaoko omuchengeti wezvinhu, akamhanyira kwaiva navarwi akandobvunzana upenyu navakoma vake. Paaitaura kudaro murume uya, shasha yavaFirisitia yainzi Goriati, akabuda mukati mehondo yechiFirisitia ndokupamhidza kutaura twake twuya. Dhavhidhi ndokunzwa achitaura. Varwi vose zvavo veIsiraeri pavakamuona vakamutiza vachitya kwazvo. Varwi veIsiraeri vakataurirana vachiti, “Muri kuona here murume uyo? Uyu ndiye munhu ari kuzovirimira Isiraeri kwazvo. Munhu anenge amuuraya, mambo achamupa upfumi hwakawanda kwazvo nokumupawo mukunda wake. Achatiwo mhuri yokwake igare zvayo isina chainomanikidzwa kuita muIsiraeri.” Dhavhidhi akati kuvarume vaiva vamire naye, “Munhu anenge auraya muFirisitia uyu achibvisa nyadzi pavaIsiraeri achaitirweiko nokuti ndiani muFirisitia iyeyu asina zvake kudzingiswa anobva atodai kudhadhairira hondo yaMwari mupenyu?” Ivavowo vakamupindura zvimwechetezvo vakati, “Ndizvo zvichaitirwa anenge amuuraya.” Zvino paitaura Dhavhidhi navamwe varume vaya, mukoma wake mukuru Eriabhu akazvinzwa akamuvirukura nehasha achiti, “Ko wavingei kuno? Hwai dziya shoma wadzisiya nani musango ndinoziva kushaya matyira kwako nokuipa mwoyo kwako, izvozvi kuuya zvako kuzoyeva chete hondo iri kurwiwa.” Dhavhidhi akapindura achiti, “Ko zvino ndatadzei? Kazwi kamwechete chete kandati nditaure?” Akatendeuka kubva kuno uya obvunza mumwewo zvimwechetezvo, vanhu vakapindura zvimwechetezvo. Mazwi akataurwa naDhavhidhi paakanzwikwa navanhu vakaasvitsa kuna Sauro. Sauro ndokumutumira nhume kuti auye. Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ngaparege kuwana munhu anorasa mwoyo pamusana pomunhu uyu. Ini muranda wenyu ndichaenda ndindorwisa muFirisitia uyu.” Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Haungakwanisi kundorwisana nomuFirisitia uyu. Uri mwana muduku iwe. Iye murume wezvokurwa chikuriro chake chose.” Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ini muranda wenyu ndaimbova mufudzi wehwai dzababa vangu. Kwaiti kana kukauya bere kana shumba ikabata hwayana mudanga, ndaiironda ndigoiuraya ndichinunura hwayana yacho mukanwa mayo. Yaiti ikange yandimukira ndoiti hetu nendebvu dzayo ndoirova ndoiuraya. Ini muranda wenyu ndaiuraya zvose shumba kana bere, kana naiyeyuwo muFirisitia uyu asina kudzingiswa achavawo sezvikara izvozvo zvaari kutovirimira zvake hondo yaMwari mupenyu.” Dhavhidhi akati, “Tenzi nyakumbondinunura mukanwa meshumba nebere achandinunurawo mumaoko omuFirisitia iyeyu.”. Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Enda zvako Tenzi ngaave newe.” Sauro akapfekedza Dhavhidhi hanzu dzokurwisa nadzo dzake iye pachake. Akamupfekedza nguwani yendarira mumusoro akamupfekedzawo chidemautare chokuzvidzivirira nacho. Dhavhidhi akakwaikira bakatwa rake pahanzu dzake dzokurwisa nadzo. Dhavhidhi zvaakanga asina kujairirana nadzo akatadza kufamba nadzo. Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Handikwanise kuenda nadzo nokuti handina kudzijaira.” Dhavhidhi akabva adzipfekenura.
1 Samueri 17:20-39 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Dhavhidhi akamuka mangwanani, akasiya makwai ake kumufudzi, akatora nhumbi, akaenda kwaakanga arairwa naJese; akasvika pakanga pakarundwa ngoro, varwi vobuda vachiridza mhere kundorwa. VaIsiraeri navaFirisitia vakazvigadzira kurwa, hondo dzakatarisana. Dhavhidhi akasiya nhumbi dzake pamaoko omutariri wenhumbi, akamhanyira kuhondo, akasvika akakwazisa vakuru vake. Zvino wakati achataura navo, iya mhare ikabuda kuhondo yavaFirisitia, iye muFirisitia weGati, wainzi Goriati, akataura mashoko aaisitaura, Dhavhidhi akaanzwa. Zvino varume vose vaIsiraeri vakati vachiona murume uyu, vakamutiza, vakatya kwazvo. Varume vaIsiraeri vakati, “Maona here murume uyo, wakwira? Zvirokwazvo wakwira kuzoshoora Isiraeri; munhu unomuuraya, mambo uchamufumisa nefuma zhinji, nokumupawo mwanasikana wake, nokusunungura imba yababa vake munaIsiraeri.” Zvino Dhavhidhi akataura navarume vakanga vamire naye, akati, “Munhu, unouraya muFirisitia uyu, akabvisa kushoorwa kwavaIsiraeri uchapiweiko? Nokuti muFirisitia uyu usinokudzingiswa ndianiko, unoshoora hondo dzaMwari mupenyu?” Vanhu vakamupindura saizvozvo, vakati, “Munhu, unomuuraya, uchapiwa chokuti nechokuti.” Zvino Eriabhu mukoma wake mukuru akanzwa achitaura navarume avo, Eriabhu akatsamwira Dhavhidhi, akati, “Waburukireiko pano iwe? Makwai aya mashoma waasiya naniko murenje? Ndinoziva manyawi ako, nokuipa kwomwoyo wako; nokuti waburuka kuzoona hondo.” Dhavhidhi akati, “Zvino ndadiniko hangu? Handina kungobvunza hangu here?” Akatendeukirazve kunomumwe, akataurazve saizvozvo; vanhu vakamupindurazve saizvozvo. Zvino vakati vanzwa mashoko akataurwa naDhavhidhi, vakaarondedzera kuna Sauro; akatuma munhu kuzomudana. Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ngakurege kuva nomunhu unopera mwoyo nokuda kwake; muranda wenyu uchaenda kundorwa nomuFirisitia uyo.” Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Haungagoni kundorwa nomuFirisitia uyo, nokuti uchiri mukomana, asi iye murume murwi kubva pauduku hwake.” Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Muranda wenyu waifudza makwai ababa vake; zvino kana shumba ikasvika, kana bere, kuzotora gwayana paboka, ndaibuda, ndikaitevera, ndikaiuraya, ndikaiwira pamuromo wayo; kana ichinge ikandimukira, ndaibata ndebvu dzayo, ndokuibaya nokuiuraya.” Muranda wenyu akazviuraya zvose, kunyangwe shumba kunyangwe bere; muFirisitia uyu usinokudzingiswa uchafanana nechimwe chazvo, nokuti wakashora hondo dzaMwari mupenyu. Dhavhidhi akati, “Jehovha wakandirwira pagumbo reshumba negumbo rebere, iye uchandirwirawo paruoko rwomuFirisitia uyu.” Ipapo Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Enda hako, Jehovha uchava newe.” Sauro akafukidza Dhavhidhi nguo dzake, akadzika ngoani yendarira pamusoro wake, akamufukidza nguo dzokurwa dzamabape endarira. Zvino Dhavhidhi akasungira munondo wake pamusoro penguo dzake, akaidza kufamba; nokuti wakanga asina kumboidza izvozvo. Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Handigoni kufamba nadzo, nokuti handina kumbodziidza.” Dhavhidhi akadzibvisa.
1 Samueri 17:20-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mangwanani-ngwanani, Dhavhidhi akasiya boka ramakwai rino mufudzi, akarongedza akaenda, sezvaakanga arayirwa naJese. Akasvika pamusasa varwi pavakanga vobuda kuti vaende kunzvimbo dzavo dzokurwira, vachiita ruzha rwehondo, VaIsraeri navaFiristia vakanga vakamira pamitsetse yavo vakatarisana. Dhavhidhi akasiya zvinhu zvake zvino mutariri wenhumbi, akamhanyira kwakanga kwakamira varwi, akakwazisa madzikoma ake. Paakanga achitaura navo, Goriati, muFiristia, shasha yaibva kuGati, akabuda kubva kumitsetse yokwake akadanidzira achimhura sezvaaisiita, uye Dhavhidhi akazvinzwa. VaIsraeri vakati vachiona murume uyu, vose vakamutiza vachitya zvikuru. Zvino vaIsraeri vakanga vachiti, “Muri kuona here murume uyu ari kuramba achibuda? Ari kubuda kunze kuzoshora vaIsraeri. Mambo achapa pfuma zhinji kumunhu anomuuraya. Achamupawo mwanasikana wake kuti ave mukadzi wake, uye achasunungura mhuri yababa vake kuti irege kuzobvisa mutero muIsraeri.” Dhavhidhi akabvunza varume vakanga vamire naye akati, “Munhu achauraya muFiristia uyu agobvisa chinyadziso ichi pavaIsraeri achaitirwei? Ndianiko muFiristia uyu asina kudzingiswa anoshora hondo dzaMwari mupenyu?” Vakadzokorora kwaari zviya zvavakanga vachitaura vakati kwaari, “Ndizvo zvichaitirwa munhu anomuuraya.” Eriabhi, mukoma mukuru waDhavhidhi, akati achimunzwa achitaura navarume vaya, akamutsamwira zvikuru, akamubvunza akati, “Seiko iwe waburuka ukauya kuno? Ko, makwai mashoma aya waasiya naani kurenje? Ndinoziva manyawi ako nokuipa kwomwoyo wako; waburuka kuno kuti uzoona hondo chete.” Dhavhidhi akati, “Ko, zvino ndaita sei hangu? Ko, handingatongotauriwo here?” Ipapo akatendeukira kuno mumwezve akamubvunza shoko rimwe chetero, vanhu vakamupindurazve saizvozvo. Zvakataurwa naDhavhidhi zvakanzwikwa uye runyerekupe rukaziviswa kuna Sauro, uye Sauro akatuma munhu kundomudana. Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ngaparege kuva nomunhu anoora mwoyo nokuda kwomuFiristia uyu; muranda wenyu achaenda kundorwa naye.” Sauro akamupindura akati, “Haungagoni kuenda kundorwa nomuFiristia uyu; iwe uchingori mukomana zvako, uye iye akagara ari munhu wokurwa kubva paujaya hwake.” Asi Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Muranda wenyu akanga achifudza makwai ababa vake. Shumba kana bere zvaiti zvikauya, zvikatakura gwai kubva paboka ramakwai, ndaitevera, ndigoiuraya ndigoponesa gwai kubva pamuromo wayo. Yakati ichitendeukira kwandiri, ndakaibata nemvere dzayo, ndikaibaya ndikaiuraya. Muranda wenyu akauraya zvose shumba nebere; muFiristia uyu asina kudzingiswa achafanana nechimwe chazvo, nokuti ashora hondo dzaMwari mupenyu. Jehovha akandirwira pagumbo reshumba nerebere, ndiye achandirwira muruoko rwomuFiristia uyu.” Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Enda, uye Jehovha ave newe.” Ipapo Sauro akashongedza Dhavhidhi nenguo dzake. Akamupfekedza jasi rokurwa uye nguwani yendarira pamusoro wake. Dhavhidhi akasungira munondo wake pamusoro penguo akaedza kufamba-famba nadzo akakundikana, nokuti akanga asina kudzizivira. Akati kuna Sauro, “Handingaendi ndakapfeka idzi, nokuti handina kudzijaira.” Saka akadzibvisa.

1 Samueri 17:20-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Dhavhidhi akafumomuka akasiya hwai dziine mumwe wokudzichengeta. Akatora mbuva iya woenda sokuudzwa kwaangakanga aitwa naJese. Akasvika pamatendhe izvozvo varwi vakanga vachitobuda vachienda kundoronganirana hondo, ngondo ichirira. VaIsiraeri navaFirisitia vakanga zvino vamirisana chikwata nechikwata chavarwi zvakatarisana. Dhavhidhi akasiya zvinhu zvake mumaoko omuchengeti wezvinhu, akamhanyira kwaiva navarwi akandobvunzana upenyu navakoma vake. Paaitaura kudaro murume uya, shasha yavaFirisitia yainzi Goriati, akabuda mukati mehondo yechiFirisitia ndokupamhidza kutaura twake twuya. Dhavhidhi ndokunzwa achitaura. Varwi vose zvavo veIsiraeri pavakamuona vakamutiza vachitya kwazvo. Varwi veIsiraeri vakataurirana vachiti, “Muri kuona here murume uyo? Uyu ndiye munhu ari kuzovirimira Isiraeri kwazvo. Munhu anenge amuuraya, mambo achamupa upfumi hwakawanda kwazvo nokumupawo mukunda wake. Achatiwo mhuri yokwake igare zvayo isina chainomanikidzwa kuita muIsiraeri.” Dhavhidhi akati kuvarume vaiva vamire naye, “Munhu anenge auraya muFirisitia uyu achibvisa nyadzi pavaIsiraeri achaitirweiko nokuti ndiani muFirisitia iyeyu asina zvake kudzingiswa anobva atodai kudhadhairira hondo yaMwari mupenyu?” Ivavowo vakamupindura zvimwechetezvo vakati, “Ndizvo zvichaitirwa anenge amuuraya.” Zvino paitaura Dhavhidhi navamwe varume vaya, mukoma wake mukuru Eriabhu akazvinzwa akamuvirukura nehasha achiti, “Ko wavingei kuno? Hwai dziya shoma wadzisiya nani musango ndinoziva kushaya matyira kwako nokuipa mwoyo kwako, izvozvi kuuya zvako kuzoyeva chete hondo iri kurwiwa.” Dhavhidhi akapindura achiti, “Ko zvino ndatadzei? Kazwi kamwechete chete kandati nditaure?” Akatendeuka kubva kuno uya obvunza mumwewo zvimwechetezvo, vanhu vakapindura zvimwechetezvo. Mazwi akataurwa naDhavhidhi paakanzwikwa navanhu vakaasvitsa kuna Sauro. Sauro ndokumutumira nhume kuti auye. Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ngaparege kuwana munhu anorasa mwoyo pamusana pomunhu uyu. Ini muranda wenyu ndichaenda ndindorwisa muFirisitia uyu.” Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Haungakwanisi kundorwisana nomuFirisitia uyu. Uri mwana muduku iwe. Iye murume wezvokurwa chikuriro chake chose.” Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ini muranda wenyu ndaimbova mufudzi wehwai dzababa vangu. Kwaiti kana kukauya bere kana shumba ikabata hwayana mudanga, ndaiironda ndigoiuraya ndichinunura hwayana yacho mukanwa mayo. Yaiti ikange yandimukira ndoiti hetu nendebvu dzayo ndoirova ndoiuraya. Ini muranda wenyu ndaiuraya zvose shumba kana bere, kana naiyeyuwo muFirisitia uyu asina kudzingiswa achavawo sezvikara izvozvo zvaari kutovirimira zvake hondo yaMwari mupenyu.” Dhavhidhi akati, “Tenzi nyakumbondinunura mukanwa meshumba nebere achandinunurawo mumaoko omuFirisitia iyeyu.”. Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Enda zvako Tenzi ngaave newe.” Sauro akapfekedza Dhavhidhi hanzu dzokurwisa nadzo dzake iye pachake. Akamupfekedza nguwani yendarira mumusoro akamupfekedzawo chidemautare chokuzvidzivirira nacho. Dhavhidhi akakwaikira bakatwa rake pahanzu dzake dzokurwisa nadzo. Dhavhidhi zvaakanga asina kujairirana nadzo akatadza kufamba nadzo. Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Handikwanise kuenda nadzo nokuti handina kudzijaira.” Dhavhidhi akabva adzipfekenura.
1 Samueri 17:20-39 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Davidi akamuka maŋgwanani, akasiya makwai ake kumufudzi, akatora nhumbi, akaenda kwaakaŋga arairwa naJese; akaȿika pakaŋga pakarundwa ŋgoro, ʋarwi ʋoɓuɗa ʋaciridza mhere kundorwa. ƲaIsraeri naʋaFiristia ʋakaɀigadzira kurwa, hondo dzakatarisana. Davidi akasiya nhumbi dzake pamaʋoko omutariri wenhumbi, akamhanyira kuhondo, akaȿika akakwazisa ʋakuru ʋake. Ɀino wakati acataura naʋo, iya mhare ikaɓuɗa kuhondo yaʋaFiristia, iye muFiristia weGati, wainzi Goriati, akataura mashoko aaisitaura, Davidi akaanzwa. Ɀino ʋarume ʋose ʋaIsraeri ʋakati ʋaciʋona murume uyu, ʋakamutiza, ʋakatya kwaɀo. Ʋarume ʋaIsraeri ʋakati: Maʋona here murume uyo, wakwira? Ɀirokwaɀo wakwira kuzoshoʋora Israeri; munhu unomuʋuraya, mambo ucamufumisa nefuma zhinji, nokumupa ʋo mŋanasikana wake, nokusunuŋgura imba yaɓaɓa ʋake munaIsraeri. Ɀino Davidi akataura naʋarume ʋakaŋga ʋamire naye, akati: Munhu, unoʋuraya muFiristia uyu, akabvisa kushoʋorwa kwaʋaIsraeri ucapiweiko? Nokuti muFiristia uyu usino‐kudziŋgiswa ndianiko, unoshoʋora hondo dzaMŋari mupenyu? Ʋanhu ʋakamupindura saiɀoɀo, ʋakati: Munhu, unomuʋuraya, ucapiwa cokuti necokuti. Ɀino Eriabi mukoma wake mukuru akanzwa acitaura naʋarume aʋo, Eriabi akatsamŋira Davidi, akati: Waɓurukireiko pano iwe? Makwai aya mashoma waasiya naniko murenje? Ndinoziʋa manyawi ako, nokuipa kwomŋoyo wako; nokuti waɓuruka kuzoʋona hondo. Davidi akati: Ɀino ndaɗiniko haŋgu? Handina‐kuŋgobvunza haŋgu here? Akatendeʋukira ɀe kunomumŋe, akataura ɀe saiɀoɀo; ʋanhu ʋakamupindura ɀe saiɀoɀo. Ɀino ʋakati ʋanzwa mashoko akataurwa naDavidi, ʋakaarondedzera kunaSauro; akatuma munhu kuzomuɗana. Davidi akati kunaSauro: Ŋgakurege kuʋa nomunhu unopera mŋoyo nokuɗa kwake; muranda wenyu ucaenda kundorwa nomuFiristia uyo. Sauro akati kunaDavidi: Hauŋgagoni kundorwa nomuFiristia uyo, nokuti uciri mukomana, asi iye murume murwi kubva paʋuɗuku bgake. Davidi akati kunaSauro: Muranda wenyu waifudza makwai aɓaɓa ʋake; ɀino kana shumba ikaȿika, kana ɓere, kuzotora gwaiana paɓoka, ndaiɓuɗa, ndikaiteʋera, ndikaiʋuraya, ndikarirwira pamuromo wayo; kana iciŋge ikandimukira, ndaiiɓata ndebvu dzayo, ndokuiɓaya nokuiʋuraya. Muranda wenyu akaɀiʋuraya ɀose, kunyaŋge shumba kunyaŋge ɓere; muFiristia uyu usino‐kudziŋgiswa ucafanana necimŋe caɀo, nokuti wakashoʋora hondo dzaMŋari mupenyu. Davidi akati: Jehova wakandirwira pagumbo reshumba negumbo reɓere, iye ucandirwira ʋo paruʋoko rwomuFiristia uyu. Ipapo Sauro akati kunaDavidi: Enda hako, Jehova ucaʋa newe. Sauro akafukidza Davidi ŋguʋo dzake, akadzika ŋgoani yendarira pamusoro wake, akamufukidza ŋguʋo dzokurwa dzamaɓape endarira. Ɀino Davidi akasuŋgira munondo wake pamsoro peŋguʋo dzake, akaidza kufamba; nokuti wakaŋga asino‐kumboidza iɀoɀo. Davidi akati kunaSauro: Handigoni kufamba nadzo, nokuti handina‐kumbodziidza. Davidi akadzibvisa.