1 Samueri 15:34-35
1 Samueri 15:34-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Samueri akabva akaenda kuRama, asi Sauro akakwidza akaenda kumba kwake paGibhea raSauro. Kusvikira pazuva rakafa Samueri, haana kuzomboenda kundoona Sauro, kunyange Samueri akamuchema hake. Uye Jehovha akazvidemba kuti akanga aita kuti Sauro ave mambo wavaIsraeri.
1 Samueri 15:34-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Samueri akaenda Rama, naSaurowo akakwira kumba kwake paGibhea kwaSauro. Samueri akasazouyazve kuona Sauro kusvikira pazuva rokufa kwake; asi Samueri wakachema Sauro, naJehovhawo azvidemba nokuti wakanga aita Sauro mambo waIsiraeri.
1 Samueri 15:34-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Samueri akaenda kuRama, asi Sauro akaenda kumusha kwake kuGibhea rokwaSauro. Samueri haana kumbozoonanazve naSauro kusvikira kufa kwake. Asi Samueri akachema Sauro, uku Tenzi achitokungura kuti dai zvake asina kumbogadza Sauro umambo hwomuIsiraeri.
1 Samueri 15:34-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Samueri akaenda Rama, naSauro ʋo akakwira kumba kwake paGibea kwaSauro. Samueri akasazoʋuya ɀe kuʋona Sauro kuȿikira pazuʋa rokufa kwake; asi Samueri wakacema Sauro, naJehova ʋo akaɀiɗemba nokuti wakaŋga aita Sauro mambo waIsraeri.
1 Samueri 15:34-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)