1 Samueri 15:10-35
1 Samueri 15:10-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Samueri richiti, “Ndinozvidemba kuti ndakagadza Sauro kuti ave mambo, nokuti akatsauka kubva kwandiri uye haana kuita zvandakamurayira.” Samueri akatambudzika, akachema kuna Jehovha usiku hwose. Samueri akamuka mangwanani-ngwanani akaenda kuti andosangana naSauro, asi akaudzwa kuti, “Sauro aenda kuKarimeri. Ikoko azvivakira shongwe yokuzviremekedza, abvako akadzika kuGirigari.” Samueri akati asvika kwaari, Sauro akati, “Jehovha ngaakuropafadzei! Ndakaita zvandakarayirwa naJehovha.” Asi Samueri akati, “Ko, zvino kuchema uku kwamakwai munzeve dzangu ndokwei? Kukuma kwemombe kwandinonzwa uku chiiko?” Sauro akapindura akati, “Varwi vakabva nazvo kuvaAmareki; vakasiya makwai akanakisisa nemombe kuti vabayire kuna Jehovha Mwari wenyu, asi zvimwe zvose takazviparadza chose.” Samueri akati kuna Sauro, “Mira! Rega ndikutaurire zvandakaudzwa naJehovha nezuro usiku.” Sauro akati, “Ndiudzei.” Samueri akati, “Kunyange wakanga uri muduku pakufunga kwako kare, ko, hauna kuitwa mukuru wamarudzi avaIsraeri here? Jehovha akakuzodza kuti uve mambo wavaIsraeri. Uye akakutuma parwendo, achiti, ‘Enda undoparadza zvachose vanhu vose vakaipa, ivo vaAmareki; uvarwise kusvikira vapera.’ Seiko usina kuteerera Jehovha? Wakamhanyirireiko kune zvakapambwa uchiita zvakaipa pamberi paJehovha?” Sauro akati, “Asi ndakateerera Jehovha. Ndakaenda parwendo rwandakatumwa naJehovha. Ndakaparadza vaAmareki zvachose ndikauya naAgagi mambo wavo. Varwi vakatora makwai nemombe zvakabva pane zvakapambwa, izvo zvakanakisisa zvavakatsaurira Mwari, kuitira kuti vagozvibayira kuna Jehovha Mwari wenyu paGirigari.” Asi Samueri akapindura akati, “Ko, Jehovha angafarira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro sezvaanofarira kuteererwa kwenzwi raJehovha here? Kuteerera kunokunda chibayiro, uye kuteerera kunokunda mafuta amakondobwe. Nokuti kumukira kwakafanana nechivi chokuvuka, uye kusindimara kwakafanana nechivi chokunamata zvifananidzo. Nemhaka yokuti wakaramba shoko raJehovha, naiye akuramba kuti usaramba uri mambo.” Ipapo Sauro akati kuna Samueri, “Ndatadza, ndamukira murayiro waJehovha nezvamakandirayira. Ndakanga ndichitya vanhu nokudaro ndakateerera mashoko avo. Zvino ndinokukumbirisai, ndikanganwirei chivi changu mugodzoka neni, kuti ndigononamata Jehovha.” Asi Samueri akati kwaari, “Handingadzoki newe. Wakaramba shoko raJehovha, saka Jehovha akuramba kuti uve mambo wavaIsraeri!” Samueri akati atendeuka kuti abve, Sauro akabata mupendero wenguo yake, ukabvaruka. Samueri akati kwaari, “Jehovha abvarura umambo hweIsraeri kubva kwauri nhasi uye ahupa kuno mumwe wavavakidzani vako, kuna iye ari nani panewe. Iye Kubwinya kwaIsraeri haangarevi nhema kana kushandura pfungwa dzake; nokuti haasi munhu, kuti angashandura pfungwa dzake.” Sauro akati, “Ndatadza hangu. Asi ndapota ndikudzei henyu pamberi pavakuru vavanhu vangu napamberi pavaIsraeri; dzokai neni kuitira kuti ndigononamata Jehovha Mwari wenyu.” Saka Samueri akadzokera naSauro, ipapo Sauro akanamata Jehovha. Zvino Samueri akati, “Uyai naAgagi mambo wavaAmareki kwandiri.” Agagi akauya kwaari akanyatsofara, achifunga kuti, “Zvirokwazvo kuvava kworufu kwapfuura.” Asi Samueri akati, “Munondo wako sezvo wakaita kuti vakadzi vashaye vana, saizvozvo mai vako vachashayiwa mwana pakati pavakadzi.” Zvino Samueri akauraya Agagi pamberi paJehovha paGirigari. Ipapo Samueri akabva akaenda kuRama, asi Sauro akakwidza akaenda kumba kwake paGibhea raSauro. Kusvikira pazuva rakafa Samueri, haana kuzomboenda kundoona Sauro, kunyange Samueri akamuchema hake. Uye Jehovha akazvidemba kuti akanga aita kuti Sauro ave mambo wavaIsraeri.
1 Samueri 15:10-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Samueri, rikati, “Ndinozvidemba zvandakagadza Sauro ave mambo, nokuti wadzoka, haachanditeveri, haana kuita sezvandakamuraira.” Samueri akava neshungu, akachema kuna Jehovha usiku hwose. Zvino Samueri akamuka mangwanani kundosangana naSauro. Samueri akaudzwa, zvichinzi, “Sauro wakasvika Karimeri, akazvimisira shongwe, zvino watsauka, wapfuura, waburukira Girigari.” Samueri akasvika kuna Sauro, Sauro akati kwaari, “Jehovha ngaakuropafadze; ndaita sezvandakarairirwa naJehovha.” Samueri akati, “Ko kuchema uku kwamakwai munzeve dzangu nokukuma kwemombe kwandinonzwa kunoti kudiniko?” Sauro akati, “Vabva nazvo kuvaAmareki, nokuti vanhu havana kuuraya makwai akaisvonaka nenzombe, kuti vabayire Jehovha Mwari wenyu; asi zvimwe zvose takazviparadza chose.” Ipapo Samueri akati kuna Sauro, “Nyarara, ndikuzivise zvandakaudzwa naJehovha usiku uhwu. Akati kwaari, ‘Taurai henyu.’ Samueri akati, ‘Kunyange wakanga uri muduku pakufunga kwako, hauna kuitwa mukuru wamarudzi avaIsiraeri here? Jehovha wakakuzodza, kuti uve mambo waIsiraeri; Jehovha akakutuma parwendo,’ akati, ‘Enda, uparadze chose vatadzi, ivo vaAmareki, urwe navo kusvikira vapera.’ “Zvino wakaregereiko kuteerera izwi raJehovha, asi wakamhanyira zvakapambwa, ukaita zvakaipa pamberi paJehovha?” Sauro akati kuna Samueri, “Zvirokwazvo ndakateerera izwi raJehovha, ndikaenda nenzira yandakanga ndatumwa naJehovha, ndikauya naAgagi mambo wavaAmareki, ndikaparadza vaAmareki chose. “Asi vanhu, ndivo vakatora zvakapambwa, iwo makwai nenzombe, nezvakanaka pazvinhu zvakanga zvatsaurwa, kuti vabayire Jehovha Mwari wenyu paGirigari.” Samueri akati, “Ko Jehovha ungafarira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro, sezvaanofarira kuteerera izwi raJehovha here? Tarira, kuteerera kunokunda zvibayiro, nokunzwa kunokunda mafuta amakondohwe. Nokuti kumukira Jehovha kwakafanana nechivi chokuuka, uye kusindimara kwakafanana nokunamata kuzvifananidzo neterafimi. Zvawakaramba shoko raJehovha, naiye wakakurambawo kuti urege kuva mambo.” Ipapo Sauro akati kuna Samueri “Ndakatadza, nokuti ndakadarika murayiro waJehovha, uye namashoko enyu, nokuti ndakatya vanhu, ndikateerera mazwi avo. Zvino ndinokumbira kuti mundikanganwirewo zvivi zvangu, mudzoke neni, ndinamate kuna Jehovha.” Samueri akati kuna Sauro, “Handingadzoki newe, nokuti wakaramba shoko raJehovha, naJehovha wakuramba newewo kuti urege kuva mambo waIsiraeri.” Zvino Samueri wakati achitendeuka, achido‐kubva, Sauro akabata mupendero wenguo yake, iyo ikabvaruka. Samueri akati kwaari, “Jehovha wakabvarura ushe hwaIsiraeri kwauri nhasi, akahupa mumwe wokwako unokukunda nokunaka. Uyewo Mutendiwa waIsiraeri haangarevi nhema, kana kuzvidemba; nokuti haazi munhu ungazvidemba.” Ipapo iye akati, “Ndakatadza hangu, asi ndikudzei henyu pamberi pavakuru vangu, napamberi paIsiraeri, mudzoke neni, ndinamate kuna Jehovha Mwari wenyu.” Naizvozvo Samueri akadzoka, akaenda naSauro, Sauro akanamata kuna Jehovha. Zvino Samueri akati, “Uyai kwandiri naAgagi mambo wavaAmareki.” Agagi akauya kwaari, akafara. Agagi akati, “Zvirokwazvo kuvava kworufu kwapfuura.” Samueri akati, “Munondo wako sezvawakashaisa vakadzi vana, saizvozvo mai vako vachashaiwa vana pakati pavakadzi.” Samueri akaguranya Agagi pamberi paJehovha paGirigari. Zvino Samueri akaenda Rama, naSaurowo akakwira kumba kwake paGibhea kwaSauro. Samueri akasazouyazve kuona Sauro kusvikira pazuva rokufa kwake; asi Samueri wakachema Sauro, naJehovhawo azvidemba nokuti wakanga aita Sauro mambo waIsiraeri.
1 Samueri 15:10-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Shoko raTenzi rakasvika kuna Samueri rikati, “Ndava kutokungura kuti dai zvangu ndisina kugadza Sauro umambo nokuti zvokunditevera asiya, atondifuratira arega zvake kuteerera mitemo yangu.” Zvakatsamwisa Samueri akararirochema usiku hwose kuna Tenzi. Samueri akafumomuka mangwanani kundoonana naSauro. Samueri akaudzwawo kuti, “Sauro anga ari kuKarimeri. Mufungeka akazvidzikira shongwe ikoko ndokusimudzira zvake rwendo rwake odzika akananga kuGirigari.” Samueri akazosvika kuna Sauro, Sauro akakwazisana navo achiti, “Tenzi ngaakukomborerei! Ndakaita zvakataurwa naTenzi.” Samueri ndokuti, “Ko chandiri kunzwa kuti bhererere hadzisi hwai here? Ko chiri kunzwika kukuma hadzizi mombe here?” Sauro akati, “Dzakauya navanhu kubva kuvaAmareki nokuti mombe nehwai idzodzi dzakanakisisa kwazvo havana kudziuraya vachiitira kuzobayira Tenzi, Mwari wenyu zvibayiro. Asi zvimwe zvose takanyatsozviparadza.” Samueri ndokuti kuna Sauro, “Chinyarara! Rega ndikutaurire zvandakaudzwa naTenzi usiku hwapfuura.” Iye akavati, “Ee taurai zvenyu.” Samueri akati, “Kunyange zvazvo waizviona sokunge munhu pasina asika ndiwe mutungamiriri wamadzinza evaIsiraeri. Tenzi akakuzodza achikugadza umambo hwomuIsiraeri. Tenzi ane basa raakakutuma. Akati, ‘Enda undotsakatisa vatadzi ava vaAmareki uvarwise kusvikira vapera kuti nho.’ Wakagoregererei kuteerera zvakanzi naTenzi uite? Ko wakabhururukira zvinhu zvokupamba sei, uchitadzira Tenzi nechakaipa chakadaro?” Sauro akapindurawo Samueri achiti, “Ko inga ndakaita wani zvakanzi naTenzi zviitwe. Ndakaitaka ini basa randakatumwa naTenzi. Ndakangouya naAgagi mambo weAmareki asi ndakatsakatisa vamwe vaAmareki vose. Asi vanhu vakatoraka mombe nehwai idzi pazvinhu zvaiva zvapambwa. Vakatora zvaiva zvakanakisisa kwazvo pazvinhu zvakanga zvakaturirwa kuna Mwari kuti zviparadzwe kuti vazopira izvozvo kuna Tenzi, Mwari wenyu kuGirigari.” Samueri ndokutiwo, “Tenzi anofarira here mipiro yokupisa kana kuti zvibayiro? Handiti Tenzi anotofarira kuti izwi rake riteererwe? Chinzwa! Kuteerera kuri nani pane kupira chibayiro, kuva unonzwa kuri nani pane kupira mafuta ehondohwe; nokuti kupanduka chitadzo chimwechetecho nokushopera, kuzvitutumadzawo chiri chimwecho nouipi nokunamata zvifananidzo. Zvawaramba kuteerera Tenzi, naiyewo akurambawo paumambo.” Sauro akati, “Inga ndakatopara chitadzo nokuti ndakatyora mutemo waTenzi, ndakatadzawo kuchengeta mashoko enyu pamusana pokuti ndakatya vanhu, nokuteerera kwandakaita zvavaireva. Saka zvino ndinokumbirisawo ndiregerereiwo chitadzo changu, tidzokere tose kwakare ndindonamata Tenzi pakare.” Samueri akati kuna Sauro, “Handiende newe ini nokuti wakaramba shoko raTenzi, naiyewo Tenzi akurambawo paumambo hwomuIsiraeri.” Zvino Samueri paakangoti furatirei oda kuenda, Sauro ndiye dzvi kumubata, hanzu ikabva yabvaruka. Samueri ndokumuti, “Tenzi abvarurawo umambo hwomuIsiraeri kwauri nhasi uno, akahupa mumwe wako ari nani panewe. Uyewo iye Mbiri yeIsiraeri haanyepi, chaanenge ataura ndichocho, haasanduke-sanduke nokuti haasiri munhu, munhu anosanduka-sanduka iye haadaro.” Sauro akati, “Ndakaita chitadzo. Asi dai ukandinyarawo ukandiremekedzawo zvako pana makurukota avanhu vangu napamberi peIsiraeri tidzokere tose ndindonamata Tenzi, Mwari wako.” Saka Samueri akadzokera naSauro, Sauro akandonamata Tenzi. Samueri akati, “Ndiunzirei pano Agagi mambo wevaAmareki.” Agagi akauyapo achifara zvake. Izvozvo Agagi aiti, “Zvorufu hapachisina.” Asi Samueri akati, “Bakatwa rako raisiya vakadzi vasisina vana. Saizvozvo amai vako vava kusarawo pakati pavakadzi vasisina mwana.” Samueri akaita Agagi kanyama kanyama pana Tenzi kuGirigari. Samueri akaenda kuRama, asi Sauro akaenda kumusha kwake kuGibhea rokwaSauro. Samueri haana kumbozoonanazve naSauro kusvikira kufa kwake. Asi Samueri akachema Sauro, uku Tenzi achitokungura kuti dai zvake asina kumbogadza Sauro umambo hwomuIsiraeri.
1 Samueri 15:10-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino shoko raJehova rakaȿika kunaSamueri, rikati: Ndinoɀiɗemba ɀandakagadza Sauro aʋe mambo, nokuti wadzoka, haacanditeʋeri, haana‐kuita seɀandakamuraira. Samueri akaʋa neshuŋgu, akacema kunaJehova ʋusiku bgose. Ɀino Samueri akamuka maŋgwanani kundosoŋgana naSauro. Samueri akaʋudzwa, ɀicinzi: Sauro wakaȿika Karmeri, akaɀimisira shoŋgwe, ɀino watsauka, wapfuʋura, waɓurukira Girgari. Samueri akaȿika kunaSauro, Sauro akati kwaari: Jehova ŋgaakuropafadze; ndaita seɀandakarairirwa naJehova. Samueri akati: Ko kucema uku kwamakwai munzeʋe dzaŋgu nokukuma kweŋombe kwandinonzwa kunoti kuɗiniko? Sauro akati: Ʋabva naɀo kuʋaAmareki, nokuti ʋanhu haʋanakuʋuraya makwai akaiȿo‐naka nenzombe, kuti ʋaɓayire Jehova Mŋari wenyu; asi ɀimŋe ɀose takaɀiparadza cose. Ipapo Samueri akati kunaSauro: Nyarara, ndikuziʋise ɀandakaʋudzwa naJehova ʋusiku ubgu. Akati kwaari: Taurai henyu. Samueri akati: Kunyaŋge wakaŋga uri muɗuku pakufuŋga kwako, hauna‐kuitwa mukuru wamarudzi aʋaIsraeri here? Jehova wakakuzodza, kuti uʋe mambo waIsraeri; Jehova akakutuma parwendo, akati: Enda, uparadze cose ʋatadzi, iʋo ʋaAmareki, urwe naʋo kuȿikira ʋapera. Ɀino wakaregereiko kuterera inzwi raJehova, asi wakamhanyira ɀakapambga, ukaita ɀakaipa pamberi paJehova? Sauro akati kunaSamueri: Ɀirokwaɀo ndakaterera inzwi raJehova, ndikaenda nenzira yandakaŋga ndatumŋa naJehova, ndikaʋuya naAgagi mambo waʋaAmareki, ndikaparadza ʋaAmareki cose. Asi ʋanhu, ndiʋo ʋakatora ɀakapambga, iwo makwai nenzombe, neɀakanaka paɀinhu ɀakaŋga ɀatsaurwa, kuti ʋaɓayire Jehova Mŋari wenyu paGirgari. Samueri akati: Ko Jehova uŋgafarira ɀipiriso ɀinopiswa neɀiɓayiro, seɀaanofarira kuterera inzwi raJehova here? Tarira, kuterera kunokunda ɀiɓayiro, nokunzwa kunokunda mafuta amakondobge. Nokuti kumukira Jehova kwakafanana neciʋi cokuʋuka, ʋuye kusindimara kwakafanana nokunamata kuɀifananidzo neterafimi. Ɀawakaramba shoko raJehova, naiye wakakuramba ʋo, kuti urege kuʋa mambo. Ipapo Sauro akati kunaSamueri: Ndakatadza, nokuti ndakaɗarika murairo waJehova, ʋuye namashoko enyu, nokuti ndakatya ʋanhu, ndikaterera manzwi aʋo. Ɀino ndinokumbira kuti mundikaŋganwire ʋo ɀiʋi ɀaŋgu, mudzoke neni, ndinamate kunaJehova. Samueri akati kunaSauro: Handiŋgadzoki newe, nokuti wakaramba shoko raJehova, naJehova wakuramba newe ʋo, kuti urege kuʋa mambo waIsraeri. Ɀino Samueri wakati acitendeʋuka, aciɗo‐kubva, Sauro akaɓata mupendero weŋguʋo yake, iyo ikabvaruka. Samueri akati kwaari: Jehova wakabvarura ʋushe bgaIsraeri kwauri nhasi, akabgupa mumŋe wokwako unokukunda nokunaka. Ʋuye ʋo Mutendiwa waIsraeri haaŋgareʋi nhema, kana kuɀiɗemba; nokuti haazi munhu uŋgaɀiɗemba. Ipapo iye akati: Ndakatadza haŋgu, asi ndikudzei henyu pamberi paʋakuru ʋaŋgu, napamberi paIsraeri, mudzoke neni, ndinamate kunaJehova Mŋari wenyu. Naiɀoɀo Samueri akadzoka, akaenda naSauro, Sauro akanamata kunaJehova. Ɀino Samueri akati: Ʋuyai kwandiri naAgagi mambo waʋaAmareki. Agagi akaʋuya kwaari, akafara. Agagi akati: Ɀirokwaɀo kuʋaʋa kworufu kwapfuʋura. Samueri akati: Munondo wako seɀawakashaisa ʋakadzi ʋana, saiɀoɀo mai ʋako ʋacashaiwa ʋana pakati paʋakadzi. Samueri akaguranya Agagi pamberi paJehova paGirgari. Ɀino Samueri akaenda Rama, naSauro ʋo akakwira kumba kwake paGibea kwaSauro. Samueri akasazoʋuya ɀe kuʋona Sauro kuȿikira pazuʋa rokufa kwake; asi Samueri wakacema Sauro, naJehova ʋo akaɀiɗemba nokuti wakaŋga aita Sauro mambo waIsraeri.
1 Samueri 15:10-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)