1 Samueri 15:10-22
1 Samueri 15:10-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Samueri richiti, “Ndinozvidemba kuti ndakagadza Sauro kuti ave mambo, nokuti akatsauka kubva kwandiri uye haana kuita zvandakamurayira.” Samueri akatambudzika, akachema kuna Jehovha usiku hwose. Samueri akamuka mangwanani-ngwanani akaenda kuti andosangana naSauro, asi akaudzwa kuti, “Sauro aenda kuKarimeri. Ikoko azvivakira shongwe yokuzviremekedza, abvako akadzika kuGirigari.” Samueri akati asvika kwaari, Sauro akati, “Jehovha ngaakuropafadzei! Ndakaita zvandakarayirwa naJehovha.” Asi Samueri akati, “Ko, zvino kuchema uku kwamakwai munzeve dzangu ndokwei? Kukuma kwemombe kwandinonzwa uku chiiko?” Sauro akapindura akati, “Varwi vakabva nazvo kuvaAmareki; vakasiya makwai akanakisisa nemombe kuti vabayire kuna Jehovha Mwari wenyu, asi zvimwe zvose takazviparadza chose.” Samueri akati kuna Sauro, “Mira! Rega ndikutaurire zvandakaudzwa naJehovha nezuro usiku.” Sauro akati, “Ndiudzei.” Samueri akati, “Kunyange wakanga uri muduku pakufunga kwako kare, ko, hauna kuitwa mukuru wamarudzi avaIsraeri here? Jehovha akakuzodza kuti uve mambo wavaIsraeri. Uye akakutuma parwendo, achiti, ‘Enda undoparadza zvachose vanhu vose vakaipa, ivo vaAmareki; uvarwise kusvikira vapera.’ Seiko usina kuteerera Jehovha? Wakamhanyirireiko kune zvakapambwa uchiita zvakaipa pamberi paJehovha?” Sauro akati, “Asi ndakateerera Jehovha. Ndakaenda parwendo rwandakatumwa naJehovha. Ndakaparadza vaAmareki zvachose ndikauya naAgagi mambo wavo. Varwi vakatora makwai nemombe zvakabva pane zvakapambwa, izvo zvakanakisisa zvavakatsaurira Mwari, kuitira kuti vagozvibayira kuna Jehovha Mwari wenyu paGirigari.” Asi Samueri akapindura akati, “Ko, Jehovha angafarira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro sezvaanofarira kuteererwa kwenzwi raJehovha here? Kuteerera kunokunda chibayiro, uye kuteerera kunokunda mafuta amakondobwe.
1 Samueri 15:10-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Samueri, rikati, “Ndinozvidemba zvandakagadza Sauro ave mambo, nokuti wadzoka, haachanditeveri, haana kuita sezvandakamuraira.” Samueri akava neshungu, akachema kuna Jehovha usiku hwose. Zvino Samueri akamuka mangwanani kundosangana naSauro. Samueri akaudzwa, zvichinzi, “Sauro wakasvika Karimeri, akazvimisira shongwe, zvino watsauka, wapfuura, waburukira Girigari.” Samueri akasvika kuna Sauro, Sauro akati kwaari, “Jehovha ngaakuropafadze; ndaita sezvandakarairirwa naJehovha.” Samueri akati, “Ko kuchema uku kwamakwai munzeve dzangu nokukuma kwemombe kwandinonzwa kunoti kudiniko?” Sauro akati, “Vabva nazvo kuvaAmareki, nokuti vanhu havana kuuraya makwai akaisvonaka nenzombe, kuti vabayire Jehovha Mwari wenyu; asi zvimwe zvose takazviparadza chose.” Ipapo Samueri akati kuna Sauro, “Nyarara, ndikuzivise zvandakaudzwa naJehovha usiku uhwu. Akati kwaari, ‘Taurai henyu.’ Samueri akati, ‘Kunyange wakanga uri muduku pakufunga kwako, hauna kuitwa mukuru wamarudzi avaIsiraeri here? Jehovha wakakuzodza, kuti uve mambo waIsiraeri; Jehovha akakutuma parwendo,’ akati, ‘Enda, uparadze chose vatadzi, ivo vaAmareki, urwe navo kusvikira vapera.’ “Zvino wakaregereiko kuteerera izwi raJehovha, asi wakamhanyira zvakapambwa, ukaita zvakaipa pamberi paJehovha?” Sauro akati kuna Samueri, “Zvirokwazvo ndakateerera izwi raJehovha, ndikaenda nenzira yandakanga ndatumwa naJehovha, ndikauya naAgagi mambo wavaAmareki, ndikaparadza vaAmareki chose. “Asi vanhu, ndivo vakatora zvakapambwa, iwo makwai nenzombe, nezvakanaka pazvinhu zvakanga zvatsaurwa, kuti vabayire Jehovha Mwari wenyu paGirigari.” Samueri akati, “Ko Jehovha ungafarira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro, sezvaanofarira kuteerera izwi raJehovha here? Tarira, kuteerera kunokunda zvibayiro, nokunzwa kunokunda mafuta amakondohwe.
1 Samueri 15:10-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Shoko raTenzi rakasvika kuna Samueri rikati, “Ndava kutokungura kuti dai zvangu ndisina kugadza Sauro umambo nokuti zvokunditevera asiya, atondifuratira arega zvake kuteerera mitemo yangu.” Zvakatsamwisa Samueri akararirochema usiku hwose kuna Tenzi. Samueri akafumomuka mangwanani kundoonana naSauro. Samueri akaudzwawo kuti, “Sauro anga ari kuKarimeri. Mufungeka akazvidzikira shongwe ikoko ndokusimudzira zvake rwendo rwake odzika akananga kuGirigari.” Samueri akazosvika kuna Sauro, Sauro akakwazisana navo achiti, “Tenzi ngaakukomborerei! Ndakaita zvakataurwa naTenzi.” Samueri ndokuti, “Ko chandiri kunzwa kuti bhererere hadzisi hwai here? Ko chiri kunzwika kukuma hadzizi mombe here?” Sauro akati, “Dzakauya navanhu kubva kuvaAmareki nokuti mombe nehwai idzodzi dzakanakisisa kwazvo havana kudziuraya vachiitira kuzobayira Tenzi, Mwari wenyu zvibayiro. Asi zvimwe zvose takanyatsozviparadza.” Samueri ndokuti kuna Sauro, “Chinyarara! Rega ndikutaurire zvandakaudzwa naTenzi usiku hwapfuura.” Iye akavati, “Ee taurai zvenyu.” Samueri akati, “Kunyange zvazvo waizviona sokunge munhu pasina asika ndiwe mutungamiriri wamadzinza evaIsiraeri. Tenzi akakuzodza achikugadza umambo hwomuIsiraeri. Tenzi ane basa raakakutuma. Akati, ‘Enda undotsakatisa vatadzi ava vaAmareki uvarwise kusvikira vapera kuti nho.’ Wakagoregererei kuteerera zvakanzi naTenzi uite? Ko wakabhururukira zvinhu zvokupamba sei, uchitadzira Tenzi nechakaipa chakadaro?” Sauro akapindurawo Samueri achiti, “Ko inga ndakaita wani zvakanzi naTenzi zviitwe. Ndakaitaka ini basa randakatumwa naTenzi. Ndakangouya naAgagi mambo weAmareki asi ndakatsakatisa vamwe vaAmareki vose. Asi vanhu vakatoraka mombe nehwai idzi pazvinhu zvaiva zvapambwa. Vakatora zvaiva zvakanakisisa kwazvo pazvinhu zvakanga zvakaturirwa kuna Mwari kuti zviparadzwe kuti vazopira izvozvo kuna Tenzi, Mwari wenyu kuGirigari.” Samueri ndokutiwo, “Tenzi anofarira here mipiro yokupisa kana kuti zvibayiro? Handiti Tenzi anotofarira kuti izwi rake riteererwe? Chinzwa! Kuteerera kuri nani pane kupira chibayiro, kuva unonzwa kuri nani pane kupira mafuta ehondohwe
1 Samueri 15:10-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino shoko raJehova rakaȿika kunaSamueri, rikati: Ndinoɀiɗemba ɀandakagadza Sauro aʋe mambo, nokuti wadzoka, haacanditeʋeri, haana‐kuita seɀandakamuraira. Samueri akaʋa neshuŋgu, akacema kunaJehova ʋusiku bgose. Ɀino Samueri akamuka maŋgwanani kundosoŋgana naSauro. Samueri akaʋudzwa, ɀicinzi: Sauro wakaȿika Karmeri, akaɀimisira shoŋgwe, ɀino watsauka, wapfuʋura, waɓurukira Girgari. Samueri akaȿika kunaSauro, Sauro akati kwaari: Jehova ŋgaakuropafadze; ndaita seɀandakarairirwa naJehova. Samueri akati: Ko kucema uku kwamakwai munzeʋe dzaŋgu nokukuma kweŋombe kwandinonzwa kunoti kuɗiniko? Sauro akati: Ʋabva naɀo kuʋaAmareki, nokuti ʋanhu haʋanakuʋuraya makwai akaiȿo‐naka nenzombe, kuti ʋaɓayire Jehova Mŋari wenyu; asi ɀimŋe ɀose takaɀiparadza cose. Ipapo Samueri akati kunaSauro: Nyarara, ndikuziʋise ɀandakaʋudzwa naJehova ʋusiku ubgu. Akati kwaari: Taurai henyu. Samueri akati: Kunyaŋge wakaŋga uri muɗuku pakufuŋga kwako, hauna‐kuitwa mukuru wamarudzi aʋaIsraeri here? Jehova wakakuzodza, kuti uʋe mambo waIsraeri; Jehova akakutuma parwendo, akati: Enda, uparadze cose ʋatadzi, iʋo ʋaAmareki, urwe naʋo kuȿikira ʋapera. Ɀino wakaregereiko kuterera inzwi raJehova, asi wakamhanyira ɀakapambga, ukaita ɀakaipa pamberi paJehova? Sauro akati kunaSamueri: Ɀirokwaɀo ndakaterera inzwi raJehova, ndikaenda nenzira yandakaŋga ndatumŋa naJehova, ndikaʋuya naAgagi mambo waʋaAmareki, ndikaparadza ʋaAmareki cose. Asi ʋanhu, ndiʋo ʋakatora ɀakapambga, iwo makwai nenzombe, neɀakanaka paɀinhu ɀakaŋga ɀatsaurwa, kuti ʋaɓayire Jehova Mŋari wenyu paGirgari. Samueri akati: Ko Jehova uŋgafarira ɀipiriso ɀinopiswa neɀiɓayiro, seɀaanofarira kuterera inzwi raJehova here? Tarira, kuterera kunokunda ɀiɓayiro, nokunzwa kunokunda mafuta amakondobge.
1 Samueri 15:10-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)