1 Samueri 15:10-11
1 Samueri 15:10-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Samueri richiti, “Ndinozvidemba kuti ndakagadza Sauro kuti ave mambo, nokuti akatsauka kubva kwandiri uye haana kuita zvandakamurayira.” Samueri akatambudzika, akachema kuna Jehovha usiku hwose.
1 Samueri 15:10-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Samueri, rikati, “Ndinozvidemba zvandakagadza Sauro ave mambo, nokuti wadzoka, haachanditeveri, haana kuita sezvandakamuraira.” Samueri akava neshungu, akachema kuna Jehovha usiku hwose.
1 Samueri 15:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Shoko raTenzi rakasvika kuna Samueri rikati, “Ndava kutokungura kuti dai zvangu ndisina kugadza Sauro umambo nokuti zvokunditevera asiya, atondifuratira arega zvake kuteerera mitemo yangu.” Zvakatsamwisa Samueri akararirochema usiku hwose kuna Tenzi.
1 Samueri 15:10-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino shoko raJehova rakaȿika kunaSamueri, rikati: Ndinoɀiɗemba ɀandakagadza Sauro aʋe mambo, nokuti wadzoka, haacanditeʋeri, haana‐kuita seɀandakamuraira. Samueri akaʋa neshuŋgu, akacema kunaJehova ʋusiku bgose.
1 Samueri 15:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)