1 Samueri 15:1-16
1 Samueri 15:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Samueri akati kuna Sauro, “Ndini ndakatumwa naJehovha kuti ndizokuzodza kuti uve mambo pamusoro pavanhu vake ivo vaIsraeri; saka teerera zvino kushoko rinobva kuna Jehovha. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Ndicharanga vaAmareki nokuda kwezvavakaita kuvaIsraeri pavakavadzivirira panzira panguva yavakabuda kubva kuIjipiti. Zvino chienda undorwisa vaAmareki uye uparadze zvachose zvinhu zvavo zvose. Usavarega vari vapenyu uuraye varume navakadzi, vana navacheche, mombe namakwai, ngamera nembongoro.’ ” Saka Sauro akadana vanhu akavaverenga paTeraimi, zviuru mazana maviri zvavarwi vetsoka uye varume vaibva kuJudha zviuru gumi. Sauro akaenda kuguta ravaAmareki akavavandira ari mumupata. Ipapo akati kuvaKeni, “Endai, ibvai kuvaAmareki kuti ndirege kukuparadzai pamwe chete navo; nokuti makaita mwoyo munyoro kuvaIsraeri vose panguva yavakabuda muIjipiti.” Naizvozvo vaKeni vakabva pakati pavaAmareki. Ipapo Sauro akarwisa vaAmareki kubva paHavhira kusvikira kuShuri, kumabvazuva kweIjipiti. Akabata Agagi mambo wavaAmareki ari mupenyu, uye akaparadza chose vanhu vake vose nomunondo. Asi Sauro nehondo yake vakarega Agagi namakwai akanakisisa nemombe, mhuru dzakakora uye namakwayana, zvakanga zvakanaka zvose. Izvi havana kuda kuzviparadza zvachose, asi zvinhu zvose zvakanga zvichizvidzikana uye zvisina simba ndizvo zvavakaparadza zvachose. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Samueri richiti, “Ndinozvidemba kuti ndakagadza Sauro kuti ave mambo, nokuti akatsauka kubva kwandiri uye haana kuita zvandakamurayira.” Samueri akatambudzika, akachema kuna Jehovha usiku hwose. Samueri akamuka mangwanani-ngwanani akaenda kuti andosangana naSauro, asi akaudzwa kuti, “Sauro aenda kuKarimeri. Ikoko azvivakira shongwe yokuzviremekedza, abvako akadzika kuGirigari.” Samueri akati asvika kwaari, Sauro akati, “Jehovha ngaakuropafadzei! Ndakaita zvandakarayirwa naJehovha.” Asi Samueri akati, “Ko, zvino kuchema uku kwamakwai munzeve dzangu ndokwei? Kukuma kwemombe kwandinonzwa uku chiiko?” Sauro akapindura akati, “Varwi vakabva nazvo kuvaAmareki; vakasiya makwai akanakisisa nemombe kuti vabayire kuna Jehovha Mwari wenyu, asi zvimwe zvose takazviparadza chose.” Samueri akati kuna Sauro, “Mira! Rega ndikutaurire zvandakaudzwa naJehovha nezuro usiku.” Sauro akati, “Ndiudzei.”

1 Samueri 15:1-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Samueri akati kuna Sauro, “Jehovha wakandituma kuti ndikuzodze, uve mambo wavanhu vake ivo vaIsiraeri; naizvozvo zvino chinzwa mashoko aJehovha. Zvanzi naJehovha wehondo, ‘Ndakacherekedza zvakaitirwa Isiraeri navaAmareki, kuti wakavadzivirira panzira nguva yokubva kwavo Ijipiti. Zvino chienda undokunda vaAmareki, uparadze chose zvose zvavanazvo, usavarega; asi uuraye varume navakadzi vose, navacheche navanomwa, nemombe namakwai, namakamera nembongoro.’ ” Sauro akadana vanhu, akavaverenga paTeraimi, vakasvika zviuru zvina mazana maviri zvavaifamba namakumbo, navarume vavaJudha vane zviuru zvine gumi. Sauro akasvika paguta ravaAmareki, akavavandira pamupata. Sauro akati kuvaKeni, “Endai mubve, muburuke mubve pakati pavaAmareki, ndirege kukuparadzai pamwechete navo; nokuti imi makava nomwoyo munyoro navana vose vaIsiraeri, panguva yokubuda kwavo Ijipiti.” Naizvozvo vaKeni vakabva pakati pavaAmareki. Ipapo Sauro akaparadza vaAmareki, kubva paHavira kusvikira paShuri, pakatarisana neIjipiti. Akabata Agagi, mambo wavaAmareki achiri mupenyu, akaparadza vanhu vose chose neminondo inopinza. Asi Sauro navanhu vakarega Agagi, namakwai akaisvonaka, nedzimwe mombe, nezvimwe zvakakora, namakwayana, nezvose zvakanga zvakanaka, vakaramba kuzviparadza chose; asi zvose zvavakazvidza, zvakanga zvisino kunaka, ndizvo zvavakaparadza chose. Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Samueri, rikati, “Ndinozvidemba zvandakagadza Sauro ave mambo, nokuti wadzoka, haachanditeveri, haana kuita sezvandakamuraira.” Samueri akava neshungu, akachema kuna Jehovha usiku hwose. Zvino Samueri akamuka mangwanani kundosangana naSauro. Samueri akaudzwa, zvichinzi, “Sauro wakasvika Karimeri, akazvimisira shongwe, zvino watsauka, wapfuura, waburukira Girigari.” Samueri akasvika kuna Sauro, Sauro akati kwaari, “Jehovha ngaakuropafadze; ndaita sezvandakarairirwa naJehovha.” Samueri akati, “Ko kuchema uku kwamakwai munzeve dzangu nokukuma kwemombe kwandinonzwa kunoti kudiniko?” Sauro akati, “Vabva nazvo kuvaAmareki, nokuti vanhu havana kuuraya makwai akaisvonaka nenzombe, kuti vabayire Jehovha Mwari wenyu; asi zvimwe zvose takazviparadza chose.” Ipapo Samueri akati kuna Sauro, “Nyarara, ndikuzivise zvandakaudzwa naJehovha usiku uhwu. Akati kwaari, ‘Taurai henyu.’
1 Samueri 15:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Samueri akati kuna Sauro, “Ndakatumwaka ini naTenzi kuti ndikuzodze, kuti uve mambo wavanhu vake vaIsiraeri. Saka zvino chinzwa zvarehwa naiye Tenzi. Zvanzi naTenzi, Samasimbaose, ‘Ndinoda kuranga Amareki nezvavakaitira Isiraeri zvokuvagariridza munzira pavaibva kuIjipiti. Zvino enda urwise vaAmareki unyatsoparadza zvose zvavanazvo, usavanzwire tsitsi, asi unofanira kutouraya kubvira kuvarume kusvikira kuvakadzi nokubvira pamwana kudzamara kurusvava ruchiri kuyamwa, kubvirawo pamombe kusvikira kuhwai uyewo kubvira pangamera kudzamara kudhongi.’ ” Nokudaro Sauro akakoka vanhu kuti vaungane akavaverenga paTeraimu vakakwana mazana maviri ezviuru zvavarume vokufamba netsoka kwouyawo vokwaJudha gumi rezviuru zvavarume. Sauro akaenda kuguta revaAmareki akasvikoti vamwe vaite zvokuhwandira mumupata. Sauro akaruma vaKeni nzeve achiti, “Ibvai pano budai mukati mevaAmareki, ndingadaro ndikakubatanidzirai nevaAmareki. Ndinodaro nokuti makaitira vaIsiraeri vose tsiye nyoro pavaibva kuIjipiti.” VaKeni vakabva vabva mukati mevaAmareki. Sauro akabva akurira vaAmareki kubvira kuHavhira kusvikira kuShuru, kumabvazuva kweIjipiti. Akabata Agagi mambo wevaAmareki ari mupenyu. Asi vamwe vanhu vose akanyatsovauraya namapakatwa. Asi iye Sauro navanhu vake vakaitira Agagi tsiye nyoro vakarega kumuuraya. Vakaregawo kuuraya hwai nemombe dzakanga dzakanakisisa, nehwayana nezvigondora zvakanga zvakakora nezvose zvakanga zvakanaka izvozvo zvose havana kana kuzviparadza asi zvimwe zvose zvaiva nechinoshoreka pazviri zvakanga zvisina maturo ndizvo zvavakanyatsoparadza chaizvo. Shoko raTenzi rakasvika kuna Samueri rikati, “Ndava kutokungura kuti dai zvangu ndisina kugadza Sauro umambo nokuti zvokunditevera asiya, atondifuratira arega zvake kuteerera mitemo yangu.” Zvakatsamwisa Samueri akararirochema usiku hwose kuna Tenzi. Samueri akafumomuka mangwanani kundoonana naSauro. Samueri akaudzwawo kuti, “Sauro anga ari kuKarimeri. Mufungeka akazvidzikira shongwe ikoko ndokusimudzira zvake rwendo rwake odzika akananga kuGirigari.” Samueri akazosvika kuna Sauro, Sauro akakwazisana navo achiti, “Tenzi ngaakukomborerei! Ndakaita zvakataurwa naTenzi.” Samueri ndokuti, “Ko chandiri kunzwa kuti bhererere hadzisi hwai here? Ko chiri kunzwika kukuma hadzizi mombe here?” Sauro akati, “Dzakauya navanhu kubva kuvaAmareki nokuti mombe nehwai idzodzi dzakanakisisa kwazvo havana kudziuraya vachiitira kuzobayira Tenzi, Mwari wenyu zvibayiro. Asi zvimwe zvose takanyatsozviparadza.” Samueri ndokuti kuna Sauro, “Chinyarara! Rega ndikutaurire zvandakaudzwa naTenzi usiku hwapfuura.” Iye akavati, “Ee taurai zvenyu.”
1 Samueri 15:1-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Samueri akati kunaSauro: Jehova wakandituma kuti ndikuzodze, uʋe mambo waʋanhu ʋake iʋo ʋaIsraeri; naiɀoɀo ɀino cinzwa mashoko aJehova. Ɀanzi naJehova wehondo: Ndakacerekedza ɀakaitirwa Israeri naʋaAmareki, kuti wakaʋadziʋirira panzira ŋguʋa yokubva kwaʋo Egipita. Ɀino cienda undokunda ʋaAmareki, uparadze cose ɀose ɀaʋanaɀo, usaʋarega; asi uʋuraye ʋarume naʋakadzi ʋose, naʋacece naʋanomŋa, neŋombe namakwai, namakamera nemboŋgoro. Sauro akaɗana ʋanhu, akaʋaʋereŋga paTeraimi, ʋakaȿika ɀuru ɀinamazana maʋiri ɀaʋaifamba namakumbo, naʋarume ʋaʋaJuda ʋaneɀuru ɀinegumi. Sauro akaȿika paguta raʋaAmareki, akaʋaʋandira pamupata. Sauro akati kuʋaKeni: Endai mubve, muɓuruke mubve pakati paʋaAmareki, ndirege kukuparadzai pamŋe cete naʋo; nokuti imi makaʋa nomŋoyo munyoro naʋana ʋose ʋaIsraeri, paŋguʋa yokuɓuɗa kwaʋo Egipita. Naiɀoɀo ʋaKeni ʋakabva pakati paʋaAmareki. Ipapo Sauro akaparadza ʋaAmareki, kubva paHavira kuȿikira paShuri, pakatarisana neEgipita. Akaɓata Agagi, mambo waʋaAmareki aciri mupenyu, akaparadza ʋanhu ʋose cose neminondo inopinza. Asi Sauro naʋanhu ʋakarega Agagi, namakwai akaiȿo‐naka, nedzimŋe ŋombe, neɀimŋe ɀakakora, namakwaiana, neɀose ɀakaŋga ɀakanaka, ʋakaramba kuɀiparadza cose; asi ɀose ɀaʋakaɀidza, ɀakaŋga ɀisino‐kunaka, ndiɀo ɀaʋakaparadza cose. Ɀino shoko raJehova rakaȿika kunaSamueri, rikati: Ndinoɀiɗemba ɀandakagadza Sauro aʋe mambo, nokuti wadzoka, haacanditeʋeri, haana‐kuita seɀandakamuraira. Samueri akaʋa neshuŋgu, akacema kunaJehova ʋusiku bgose. Ɀino Samueri akamuka maŋgwanani kundosoŋgana naSauro. Samueri akaʋudzwa, ɀicinzi: Sauro wakaȿika Karmeri, akaɀimisira shoŋgwe, ɀino watsauka, wapfuʋura, waɓurukira Girgari. Samueri akaȿika kunaSauro, Sauro akati kwaari: Jehova ŋgaakuropafadze; ndaita seɀandakarairirwa naJehova. Samueri akati: Ko kucema uku kwamakwai munzeʋe dzaŋgu nokukuma kweŋombe kwandinonzwa kunoti kuɗiniko? Sauro akati: Ʋabva naɀo kuʋaAmareki, nokuti ʋanhu haʋanakuʋuraya makwai akaiȿo‐naka nenzombe, kuti ʋaɓayire Jehova Mŋari wenyu; asi ɀimŋe ɀose takaɀiparadza cose. Ipapo Samueri akati kunaSauro: Nyarara, ndikuziʋise ɀandakaʋudzwa naJehova ʋusiku ubgu. Akati kwaari: Taurai henyu.
1 Samueri 15:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)